|
| 1 |
|
| Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, |
|
| 2 |
|
| “Taurira vaIsraeri kuti vadzoke vagondodzika musasa pedyo nePi Hahiroti, pakati peMigidhori negungwa. Vanofanira kudzika misasa pedyo nepagungwa, pakatarisana neBhaari Zefoni. |
|
| 3 |
|
| Faro achafunga kuti, ‘VaIsraeri vari kungodzungaira nenyika vakanganisika, vadzimira murenje.’ |
|
| 4 |
|
| Uye ndichaomesa mwoyo waFaro, agovatevera. Asi ini ndichazviwanira kukudzwa kubudikidza naFaro nehondo yake yose, uye vaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha.” Saka vaIsraeri vakaita izvozvo. |
|
| 5 |
|
| Mambo weIjipiti akati audzwa kuti vanhu vatiza, Faro namachinda ake vakapindura pfungwa dzavo pamusoro pavo uye vakati, “Ko, taitei? Tarega vaIsraeri vachienda uye havachatishandiri!” |
|
| 6 |
|
| Saka akaita ngoro dzake dzigadzirwe uye akatora hondo yake akaenda nayo. |
|
| 7 |
|
| Akatora ngoro dzakanakisisa dzaisvika mazana matanhatu, pamwe chete nedzimwe ngoro dzeIjipiti dzina vatariri vadzo dzose. |
|
| 8 |
|
| Jehovha akaomesa mwoyo waFaro mambo weIjipiti, kuti atevere vaIsraeri, avo vakanga vachifamba vakashinga kwazvo. |
|
| 9 |
|
| VaIjipita, mabhiza ose aFaro nengoro dzake, vatasvi vamabhiza namauto, vakatevera vaIsraeri vakavabata pavakanga vadzika musasa pagungwa pedyo nePi Hahiroti, pakatarisana neBhaari Zefoni. |
|
| 10 |
|
| Faro paakanga osvika, vaIsraeri vakasimudza meso avo, uye vakaona havo vaIjipita, vachifamba vachivatevera. Vakavhunduka uye vakachema kuna Jehovha. |
|
| 11 |
|
| Vakati kuna Mozisi, “Zvinoreva kuti muIjipiti makanga musina makuva here zvawatiuyisa kurenje kuti tife? Chiiko chawaita kwatiri zvawatibudisa muIjipiti? |
|
| 12 |
|
| Ko, tiri muIjipiti hatina kuti, ‘Tisiye takadaro; rega tishandire vaIjipita here?’ Zvaiva nani kwatiri kuti tishandire vaIjipita pano kuti tifire murenje!” |
|
| 13 |
|
| Mozisi akapindura vanhu akati, “Musatya. Mirai nesimba uye muchaona rusununguro rwaJehovha rwaachakuitirai nhasi. VaIjipita vamunoona nhasi hamuchazovaonizve. |
|
| 14 |
|
| Jehovha achakurwirai; imi ingonyararai bedzi.” |
|
| 15 |
|
| Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Seiko uchidanidzira kwandiri? Taurira vaIsraeri kuti vapfuurire mberi. |
|
| 16 |
|
| Simudza tsvimbo yako ugotambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa kuti mvura iparadzane kuitira kuti vaIsraeri vapinde mugungwa napavhu rakaoma. |
|
| 17 |
|
| Ndichaomesa mwoyo yavaIjipita zvokuti vachapinda vachivatevera. Uye ndichawana kukudzwa kubudikidza naFaro nehondo yake yose, nengoro dzake uye navatasvi vake vamabhiza. |
|
| 18 |
|
| VaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha pandichawana kukudzwa kubudikidza naFaro, ngoro dzake navatasvi vake vamabhiza.” |
|
| 19 |
|
| Ipapo mutumwa waMwari, uyo akanga achifamba ari mberi kwehondo yavaIsraeri, akadzokera shure kwavo. Shongwe yegore yakabvawo mberi kwavo ikandomira shure kwavo, |
|
| 20 |
|
| iri pakati pehondo dzeIjipiti nedzeIsraeri. Usiku hwose gore rakauyisa rima kuno rumwe rutivi uye chiedza kuno rumwe rutivi; saka hakuna akaswedera kuno mumwe usiku hwose. |
|
| 21 |
|
| Ipapo Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye usiku hwose ihwohwo Jehovha akasunda gungwa nemhepo ine simba yokumabvazuva rikashanduka rikava nyika yakaoma. Mvura yakakamurana, |
|
| 22 |
|
| uye vaIsraeri vakapinda nomugungwa napavhu rakaoma uye madziro emvura ari kuruoko rworudyi uye nokuruboshwe rwavo. |
|
| 23 |
|
| VaIjipita vakavatevera, uye mabhiza ose aFaro nengoro dzake navatasvi vamabhiza vakatevera mugungwa. |
|
| 24 |
|
| Panguva yamangwanani Jehovha akatarira pasi nomushongwe yomoto uye nomugore raiva kurutivi rwehondo yavaIjipita, akainyonganisa. |
|
| 25 |
|
| Akaita kuti mavhiri engoro dzavo abve zvokuti zvakanga zvaoma kudzifambisa. Uye vaIjipita vakati, “Ngatitizei kubva kuvaIsraeri. Jehovha ari kuvarwira achirwa navaIjipita.” |
|
| 26 |
|
| Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa kuitira kuti mvura iyerere napamusoro pavaIjipita napamusoro pengoro dzavo napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza.” |
|
| 27 |
|
| Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye kwaedza, gungwa rakadzokera panzvimbo yaro. VaIjipita vakanga vachitizira kwariri, uye Jehovha akavakukurira mugungwa. |
|
| 28 |
|
| Mvura yakadzokera pakare uye ikafukidza ngoro navatasvi vamabhiza, hondo yose yaFaro yakanga yatevera vaIsraeri ikanyura mugungwa. Hapana kana mumwe wavo akararama. |
|
| 29 |
|
| Asi vaIsraeri vakapinda nomugungwa napavhu rakaoma uye madziro emvura ari kuruoko rwavo rworudyi nokuruboshwe. |
|
| 30 |
|
| Zuva iroro Jehovha akaponesa vaIsraeri kubva mumaoko avaIjipita, uye vaIsraeri vakaona vaIjipita vakanga vafa pamahombekombe. |
|
| 31 |
|
| Uye vaIsraeri pavakaona simba guru raJehovha richiratidzwa pamusoro pavaIjipita, vanhu vakatya Jehovha uye vakatenda kwaari naMozisi muranda wake. |
|
|
|
|