|
| 1 |
|
| Zvino vakabva Erimu parwendo rwavo, ungano yose yavana vaIsiraeri ikasvika parenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, nezuva regumi namashanu romwedzi wechipiri pakubva kwavo panyika yeIjipiti. |
|
| 2 |
|
| Zvino ungano yose yavaIsiraeri ikapopotera Mosesi naAroni murenje; |
|
| 3 |
|
| vana vaIsiraeri vakati kwavari, “Tingadai takafira hedu munyika yeIjipiti noruoko rwaJehovha, tigere hedu pahari dzenyama, tichidya zvingwa tichiguta; nokuti matibudisira kurenje iri, kuti muuraye ungano iyi yose nenzara.” |
|
| 4 |
|
| Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Tarira, ndichakunisirai chingwa chinobva kudenga; vanhu vachafanira kubuda kundozviunganidzira chiyero chinoringana nezuva rimwe nerimwe, ndivaidze ndione kana vachida kuteerera murayiro wangu, kana kwete. |
|
| 5 |
|
| Zvino nomusi wetanhatu kana vogadzira izvo zvavauya nazvo, zvichaita zviyero zviviri kana vachienzanisa nechiyero chavanosiunganidza zuva rimwe nerimwe.” |
|
| 6 |
|
| Zvino Mosesi naAroni vakati kuvana vaIsiraeri vose, “Madekwana muchaziva kuti Jehovha ndiye akakubudisai panyika yeIjipiti. |
|
| 7 |
|
| Fume mangwana muchaona kubwinya kwaJehovha, nokuti iye akanzwa kupopota kwamakapopotera Jehovha nako; isu tisu vanaaniko, zvamunotipopotera isu?” |
|
| 8 |
|
| Mosesi akati, “Muchaona izvozvo kana Jehovha achikupai nyama madekwana, mukaidya, namangwana kana achikupai zvingwa, mukaguta; nokuti Jehovha akanzwa kupopota kwenyu kwamakamupopotera nako; isu tisu vanaaniko zvamunotipopotera isu? Hamutipopoteri isu, asi Jehovha.” |
|
| 9 |
|
| Mosesi akati kuna Aroni, “Udza ungano yose yavana vaIsiraeri, uti, ‘Swederai pamberi paJehovha, nokuti akanzwa kupopota kwenyu.’ ” |
|
| 10 |
|
| Zvino Aroni akati achataura neungano yose yavana vaIsiraeri, ivo vakaona kubwinya kwaJehovha kuchiratidzwa mugore. |
|
| 11 |
|
| Jehovha akataura naMosesi, akati, |
|
| 12 |
|
| “Ndanzwa kupopota kwavana vaIsiraeri; taura navo uti, ‘Madekwana muchadya nyama, fume mangwana muchaguta zvingwa;’ zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, Mwari wenyu.” |
|
| 13 |
|
| Zvino madekwana zvihuta zvikakwira, zvikafukidza misasa; fume mangwana dova rakanga rakapoteredza misasa. |
|
| 14 |
|
| Zvino dova rakanga riri pasi rikati radzimuka, vakaona zvinhu zviduku zvakaurungana zvakanga zviri pasi murenje, zviduku sechando pavhu. |
|
| 15 |
|
| Vana vaIsiraeri vakati vachizviona vakabvunzana, vachiti, “Chinyiko?” Nokuti vakanga vasingazvizivi. Mosesi akati kwavari, “Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye. |
|
| 16 |
|
| Zvino heri shoko rakarairwa naJehovha, ‘Musaunganidzire chinhu icho, mumwe nomumwe sezvaanosidya; munhu mumwe nomumwe omeri imwe, muchiverenga vanhu venyu, mumwe nomumwe atorere vari mutende rake.’ ” |
|
| 17 |
|
| Vana vaIsiraeri vakaita saizvozvo, vamwe vakaunganidza zvizhinji, vamwe zvishoma. |
|
| 18 |
|
| Zvino vakati vozviidza neomeri, uyo akanga aunganidza zvizhinji haana kusarirwa nechinhu, naiye akanga aunganidza zvishoma haana kushaiwa; mumwe nomumwe akanga aunganidza sezvaaisidya. |
|
| 19 |
|
| Mosesi akati kwavari, “Kurege kuva nomunhu anosiya zvimwe kusvikira mangwana.” |
|
| 20 |
|
| Asi havana kuteerera Mosesi, asi vamwe vakasiya zvimwe kusvikira mangwana; zvikazara honye, zvikanhuwa; Mosesi akavatsamwira. |
|
| 21 |
|
| Vakazviunganidza mangwanani ose, mumwe nomumwe sezvaaidya; kana zuva ropisa zvakanyakatika. |
|
| 22 |
|
| Nezuva retanhatu vaiunganidza chingwa vachiita zviyero zviviri, mumwe nomumwe omeri mbiri; zvino vakuru vose veungano vakauya kuzoudza Mosesi. |
|
| 23 |
|
| Mosesi akati kwavari, “Ndizvo zvakataurwa naJehovha, ‘Mangwana izuva rezororo, iSabata rakatsaurirwa Jehovha;’ gochai zvamunoda kugocha, bikai zvamunoda kubika; zvose zvasara muzvivige, muzvichengetere mangwana.” |
|
| 24 |
|
| Vakazviviga kusvikira mangwana, sezvavakanga varairwa naMosesi; zvino izvo hazvina kunhuwa, nehonye hadzina kuzovamo. |
|
| 25 |
|
| Mosesi akati, “Chidyai henyu izvozvo nhasi, nokuti nhasi iSabata raJehovha. Nhasi hamungazviwani kusango. |
|
| 26 |
|
| Munofanira kuzviunganidza mazuva matanhatu; asi zuva rechinomwe iSabata; nezuva iroro hakungavi nechinhu.” |
|
| 27 |
|
| Zvino nezuva rechinomwe vamwe vakabuda kunozviunganidza, asi havana kuwana chinhu. |
|
| 28 |
|
| Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Munoramba kuchengeta mirairo yangu nemirau yangu kusvikira riniko? |
|
| 29 |
|
| Tarirai, Jehovha zvaakakupai Sabata, naizvozvo anokupai zvokudya zvamazuva maviri nezuva retanhatu; mumwe nomumwe wenyu ngaagare kwaagere, kurega kuvapo nomunhu anobuda kwaagere nezuva rechinomwe.” |
|
| 30 |
|
| Vanhu vakazorora nezuva rechinomwe. |
|
| 31 |
|
| Zvino veimba yaIsiraeri vakatumidza izvozvo zita rinonzi Mana; chakanga chiri chichena setsanga yekorianderi; kunaka kwazvo kwakanga kwakafanana nezvingwa zvakabikwa nouchi. |
|
| 32 |
|
| Zvino Mosesi akati, “Ndiro shoko rakarairwa naJehovha, ‘Omeri izere ngaichengeterwe marudzi enyu, vaone chingwa chandakakugutsai nacho murenje, nguva yandakakubudisai munyika yeIjipiti.’ ” |
|
| 33 |
|
| Zvino Mosesi akati kuna Aroni, “Tora hari uisemo omeri izere nemana, uigadzike pamberi paJehovha, kuti ichengeterwe marudzi enyu.” |
|
| 34 |
|
| Sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha, saizvozvo Aroni akazvigadzika pamberi peChipupuriro, kuti zvichengetwepo. |
|
| 35 |
|
| Vana vaIsiraeri vakadya mana makore makumi mana, kudzimara vachisvika panyika yakagarwa navanhu; vakadya mana kudzimara vachisvika pamiganhu yenyika yeKenani. |
|
| 36 |
|
| Zvino omeri chegumi cheefa. |
|
|
|
|