Baiberi Magwaro 1949
|
| 1 |
| Ɀino ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri yakabva murenje reSini, ʋakafamba ʋaciita nzendonzendo, seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ʋakaʋaka misasa yaʋo paRefidimi; ɀino ipapo pakaŋga pasinemvura iŋganwiwa naʋanhu. |
| 2 |
| Ʋanhu ʋakarwa naMosesi, ʋakati: Tipe mvura tinwe. Mosesi akati kwaʋari: Munorwireiko neni? Munoidzireiko Jehova? |
| 3 |
| Ʋanhu ɀino ʋakaŋga ʋanenyota yemvura ipapo, ʋanhu ʋakapopotera Mosesi, ʋakati: Watiɓuɗisireiko Egipita, kuti utiʋuraye nenyota, isu naʋana ʋeɗu, neɀipfuwo ɀeɗu? |
| 4 |
| Mosesi akacema kunaJehova, akati: Ndicaiteiko naʋanhu aʋa? Ʋoɗa kunditaka namabge. |
| 5 |
| Jehova akati kunaMosesi: Tuŋgamira pamberi paʋanhu, uende naʋakuru ʋaIsraeri, utore tȿimbo yako yawakamboroʋa rwizi nayo muruʋoko rwako uende. |
| 6 |
| Tarira ndicamira pamberi pako paɗombo riri paHorebi, uroʋe ɗombo iro, mvura icaɓuɗa pariri, ʋanhu ʋagonwa. Mosesi akaita saiɀoɀo pamberi paʋakuru ʋaIsraeri. |
| 7 |
| Akatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Masa neMeriba nokuɗa kwokurwa kwaʋana ʋaIsraeri; ʋuye nokuti ʋakaidza Jehova, ʋaciti: Jehova uri pakati peɗu here, kana kwete? |
| 8 |
| Ɀino Amareki wakaʋuya kuzorwa naʋaIsraeri paRefidimi. |
| 9 |
| Mosesi akati kunaJoshua: Utitsaurire ʋarume, ugondorwa naAmareki; maŋgwana ini ndicamira pamsoro pecikomo, ndakaɓata tȿimbo yaMŋari muruʋoko rwaŋgu. |
| 10 |
| Joshua akaita seɀaakaŋga aʋudzwa naMosesi, akandorwa naAmareki; Mosesi naAroni naHuri ʋakakwira pamsoro pecikomo. |
| 11 |
| Ɀino ɀakati kana Mosesi osimudza ruʋoko rwake, ʋaIsraeri ʋokunda, kana oregera ruʋoko rwake pasi, Amareki wokunda. |
| 12 |
| Asi maʋoko aMosesi akazoneta, ɀino ʋakatora ibge, ʋakariisa pasi pake, akagara pamsoro paro, Aroni naHuri ʋakatsigira maʋoko ake, mumŋe kunorumŋe rutiʋi, mumŋe kunorumŋe rutiʋi; maʋoko ake akaʋa nesimba kuȿikira pakuʋira kwezuʋa. |
| 13 |
| Joshua akakunda Amareki naʋanhu ʋake neminondo inopinza. |
| 14 |
| Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Nyora iɀi mubuku, ʋaɀiraŋgarire, uɀirondedzere ʋo munzeʋe dzaJoshua, kuti ini ndicabvisa cose pasi pokuɗeŋga ɀose ɀinoraŋgaridza Amareki. |
| 15 |
| Ipapo Mosesi akaʋaka artari, akaitumidza zita rinonzi: Jehova‐nisi; |
| 16 |
| akati: Noruʋoko pacigaro coʋushe caJehova, ndinopika ndiciti: Jehova ucarwa naAmareki kuȿikira kumarudzi namarudzi. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona1949/exodus/017.mp3
40
17