Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakabva murenje reSini, vakafamba vachiita nzendo nzendo, sezvavakanga varairwa naJehovha, vakavaka misasa yavo paRefidhimu; zvino ipapo pakanga pasina mvura inganwiwa navanhu. |
| 2 |
| Vanhu vakarwa naMosesi, vakati, “Tipe mvura tinwe.” Mosesi akati kwavari, “Munorwireiko neni? Munoedzereiko Jehovha?” |
| 3 |
| Vanhu zvino vakanga vanenyota yemvura ipapo, vanhu vakapopotera Mosesi, vakati, “Wakatibudisireiko Ijipiti, kuti utiuraye nenyota, isu navana vedu, nezvipfuwo zvedu?” |
| 4 |
| Mosesi akachema kuna Jehovha, akati, “Ndichaiteiko navanhu ava? Voda kunditaka namabwe.” |
| 5 |
| Jehovha akati kuna Mosesi, “Tungamira pamberi pavanhu, uende navakuru vaIsiraeri, utore tsvimbo yako yawakamborova rwizi nayo muruoko rwako uende. |
| 6 |
| Tarira ndichamira pamberi pako padombo riri paHorebhu, urove dombo iro, mvura ichabuda pariri, vanhu vagonwa.” Mosesi akaita saizvozvo pamberi pavakuru vaIsiraeri. |
| 7 |
| Akatumidza nzvimbo iyo zita rinonzi Masa neMeribha nokuda kwokurwa kwavana vaIsiraeri; uye nokuti vakaedza Jehovha, vachiti, “Jehovha ari pakati pedu here, kana kwete?” |
| 8 |
| Zvino Amareki akauya kuzorwa navaIsiraeri paRefidhimu. |
| 9 |
| Mosesi akati kuna Joshua, “Utitsaurire varume, ugondorwa naAmareki; mangwana ini ndichamira pamusoro pechikomo, ndakabata tsvimbo yaMwari muruoko rwangu.” |
| 10 |
| Joshua akaita sezvaakanga audzwa naMosesi, akandorwa naAmareki; Mosesi naAroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo. |
| 11 |
| Zvino zvakati kana Mosesi osimudza ruoko rwake, vaIsiraeri vokunda, kana oregera ruoko rwake pasi, Amareki okunda. |
| 12 |
| Asi maoko aMosesi akazoneta, zvino vakatora ibwe, vakariisa pasi pake, akagara pamusoro paro, Aroni naHuri vakatsigira maoko ake, mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi; maoko ake akava nesimba kusvikira pakuvira kwezuva. |
| 13 |
| Joshua akakunda Amareki navanhu vake neminondo inopinza. |
| 14 |
| Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Nyora izvi mubhuku, vazvirangarire, uzvirondedzerewo munzeve dzaJoshua, kuti ini ndichabvisa chose pasi pokudenga zvose zvinorangaridza Amareki.” |
| 15 |
| Ipapo Mosesi akavaka atari, akaitumidza zita rinonzi Jehovha-nisi; |
| 16 |
| akati, “Noruoko pachigaro choushe chaJehovha, ndinopika ndichiti, ‘Jehovha acharwa naAmareki kusvikira kumarudzi namarudzi.’ ” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/exodus/017.mp3
40
17