Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino Jeturo, mupristi weMidhiani, mukarahwa waMosesi, akanzwa zvose zvakaitira Jehovha Mosesi navaIsiraeri, vanhu vake, kuti Jehovha akabudisa vaIsiraeri muIjipiti. |
| 2 |
| Jeturo, mukarahwa waMosesi, akatora Zipora, mukadzi waMosesi, nokuti akanga amudzosera kuna baba vake, |
| 3 |
| navanakomana vake vaviri zita romumwe rainzi Geshomi, nokuti akati, “Ndakanga ndiri mweni panyika yavamwe”; |
| 4 |
| nezita romumwe rainzi Ereazari, nokuti akati, “Mwari wababa vangu akanga ari mubatsiri wangu, akandirwira pamunondo waFarao.” |
| 5 |
| Jeturo mukarahwa waMosesi akauya navanakomana vaMosesi nomukadzi wake kuna Mosesi murenje, pagomo raMwari, paakanga avaka misasa; |
| 6 |
| akati kuna Mosesi, “Ini mukarahwa wako, Jeturo, ndauya kwauri nomukadzi wako navanakomana vake vaviri vanaye.” |
| 7 |
| Mosesi akandosangana nomukarahwa wake, akakotamira pasi pamberi pake, akamutsvoda; vakabvunzana mufaro, vakapinda mutende. |
| 8 |
| Zvino Mosesi akaudza mukarahwa wake zvose zvakanga zvaitira Jehovha Farao navaIjipiti nokuda kwavaIsiraeri, nokutambudzika kwose kwakavawira panzira nokurwirwa kwavo naJehovha. |
| 9 |
| Jeturo akafara pamusoro pezvose zvakanaka zvakanga zvaitirwa vaIsiraeri naJehovha, kuti akavarwira pamaoko avaIjipiti. |
| 10 |
| Jeturo akati, “Jehovha ngaakudzwe akakurwirai pamaoko avaIjipiti, napamaoko aFarao, iye akarwira vanhu pamaoko avaIjipiti. |
| 11 |
| Zvino ndinoziva kuti Jehovha mukuru kuvamwari vose pachinhu icho chavakazvikudza nacho kwavari.” |
| 12 |
| Ipapo Jeturo, mukarahwa waMosesi, akauya kuna Mwari nechipiriso chokupisa nezvimwe zvibayiro; Aroni navakuru vose vaIsiraeri vakauya vakadya zvokudya nomukarahwa waMosesi pamberi paMwari. |
| 13 |
| Zvino fume mangwana Mosesi akagara achitambira vanhu mhaka dzavo, vanhu vakamira pamberi paMosesi kubva mangwanani kusvikira madekwana. |
| 14 |
| Zvino mukarahwa waMosesi akati achiona zvose zvaakanga achiitira vanhu akati, “Unoitireiko vanhu zvinhu izvi? Unogarireiko uri woga, vanhu vachimira pamberi pako kubva mangwanani kusvikira madekwana?” |
| 15 |
| Mosesi akati kumukarahwa wake, “Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzobvunza Mwari; |
| 16 |
| kana vane shoko vanosiuya kwandiri; ndinositamba mhaka dziri pakati pomunhu nowokwake, ndichivazivisa zvakatemwa naMwari nemirairo yake.” |
| 17 |
| Zvino mukarahwa waMosesi akati kwaari, “Chinhu ichi chaunoita hachina kunaka. |
| 18 |
| Zvirokwazvo uchaneta kwazvo, iwe navanhu vaunavo; nokuti chinhu ichi chinokuremera; haungagoni kuchiita uri woga. |
| 19 |
| Teerera zvino izwi rangu, ndikurairire, Mwari agova newe. Iwe umirire vanhu pamberi paMwari, uise mashoko avo kuna Mwari; |
| 20 |
| uvadzidzise zvakatemwa nemirairo, uvaratidze nzira yavanofanira kufamba nayo, nebasa ravanofanira kuita. |
| 21 |
| Asi utsvake pakati pavanhu vose varume vezvokwadi vanovenga kufufurwa; uvaite vabati vavo vezvuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi; |
| 22 |
| ivo ngavatambire vanhu mhaka dzavo nguva dzose; zvino kana pane shoko guru, ngavariise kwauri, asi kana ari mashoko maduku ngavaatambe vamene; naizvozvo iwe ucharerusirwa, naivo vachatakura mutoro pamwechete newe. |
| 23 |
| Kana ukaita chinhu ichi, Mwari akakuraira saizvozvo, iwe uchagona kutsunga, navanhu ava vose vachaenda kudzimba dzavo norugare.” |
| 24 |
| Mosesi akateerera izwi romukarahwa wake, akaita zvose zvaakanga audzwa naye. |
| 25 |
| Mosesi akatsaura varume vakachenjera pakati pavaIsiraeri vose, akavaita vakuru vavanhu, vabati vezviuru, navabati vamazana, navabati vamakumi mashanu, navabati vamakumi. |
| 26 |
| Ivo vakatamba mhaka dzavanhu nguva dzose; mashoko makuru vaisiuya nawo kuna Mosesi, asi mashoko ose maduku vaiatamba vamene. |
| 27 |
| Zvino Mosesi akatendera mukarahwa wake kuenda hake; iye akaenda kunyika yake. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/exodus/018.mp3
40
18