Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Nomwedzi wechitatu wokubuda kwavana valsiraeri panyika nezuva iro vakasvika murenje reSinai. |
| 2 |
| Vakati vabva paRefidhimu, vakasvika murenje reSinai, vakadzika matende avo murenje; valsiraeri vakavakapo misasa pamberi pegomo. |
| 3 |
| Zvino Mozisi akakwira kuna Mwari, Jehovha ari mugomo akamudana, akati, "Unofanira kutaura kudai kuna veimba yaJakobho, uudze vana vaIsiraeri, uti, |
| 4 |
| ‘Makaona zvandakaitira vaIjipiti, uye kuti ndakakutakurai imwi pamapapiro egondo, ndikakusvitsai kwandiri. |
| 5 |
| Naizvozvo zvino kana mukateerera inzwi rangu nomoyo wose, mukachengeta sungano yangu, muchava fuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyangu; |
| 6 |
| muchava kwandiri ushe hwavaprista, norudzi rutsvene.' Ndiwo mashoko aunofanira kundoudza vana vaIsiraeri." |
| 7 |
| Zvino Mozisi akadzoka, akadana vakuru vavanhu, akaisa pamberi pavo mashoko iwayo ose, aakanga arairwa naJehovha. |
| 8 |
| Ipapo vanhu vose vakapindura pamwechete, vachiti, "Zvose zvataurwa naJehovha tichazviita." Mozisi akandoudza Jehovha mashoko avanhu. |
| 9 |
| Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Tarira ndinouya kwauri mugore gobvu, kuti vanhu vanzwe kana ndichitaura newe, vagotenda misi yose." Mozisi akaudza Jehovha mashoko avanhu. |
| 10 |
| Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Enda kuvanhu, uvatsaure nhasi namangwana, vasuke nguvo dzavo, |
| 11 |
| vagare vakazvigadzira nezuva retatu, nokuti nezuva retatu Jehovha achaburuka pamberi pavanhu vose pamusoro pegomo reSinai. |
| 12 |
| Iwe utarire vanhu miganhu yakavapoteredza, uti kwavari, `Chenjerai kuti murege kukwira mugomo, kana kubata jinga raro; ani naani anobata gomo achaurawa zvirokwazvo'; |
| 13 |
| ngaarege kubatwa noruoko, asi atakwe zvirokwazvo namabwe, kana apfurwe; kana chiri chipfuwo, kana munhu, haafaniri kurarama; asi kana hwamanda ichiramba ichirira, ngavakwire mugomo." |
| 14 |
| Zvino Mozisi akaburuka mugomo, akaenda kuvanhu, akatsaura vanhu; ivo vakasuka nguvo dzavo. |
| 15 |
| Akati kuvanhu, "Garai makazvigadzira nezuva retatu; musaswedera kumukadzi." |
| 16 |
| Zvino nezuva retatu koedza kutinhira kukavapo pamusoro pegomo, nemheni, negore dema, nenzwi rehwamanda rine simba guru; vanhu vose vakanga vari pamisasa vakadedera. |
| 17 |
| Zvino Mozisi akaudza vanhu kuti vabude pamisasa vasangane naMwari, vamire pajinga regomo. |
| 18 |
| Gomo rose reSinai rakanga richipfungaira, nokuti Jehovha akanga aburukira pamusoro paro mumoto; utsi hwaro ukakwira soutsi bwevira; gomo rose rikazununguka kwazvo. |
| 19 |
| Zvino inzwi rehwamanda rakati richirira nokurira kwazvo, Mozisi akataura, Mwari akamupindura nenzwi. |
| 20 |
| Ipapo Jehovha akaburukira pamusoro pegomo reSinai, Jehovha akadana Mozisi kuti akwire kumusoro wegomo, Mozisi akakwira. |
| 21 |
| Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Buruka, undoraira vanhu kuti varege kupaza kuna Jehovha kundotarira, kuti vazhinji vavo varege kufa. |
| 22 |
| Navaprista vanoswedera kuna Jehovha, ngavazvitsaure, kuti Jehovha arege kuvaparadza." |
| 23 |
| Mozisi akati kuna Jehovha, "Vanhu havangagoni kukwira kugomo reSinai, nokuti makatiraira, muchiti, `Tarirai miganhu pagomo muritsaure.' " |
| 24 |
| Jehovha akati kwaari, "Enda uburuke, mukwirezve, iwe naAroni, anewe; asi vapiristi navanhu ngavarege kupaza kuna Jehovha, kuti arege kuvaparadza." |
| 25 |
| Ipapo Mozisi akaburukira kuvanhu, akandovaudza. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/exodus/019.mp3
40
19