Baiberi Magwaro 1949
|
| 1 |
| Nomŋedzi wecitatu wokuɓuɗa kwaʋana ʋaIsraeri panyika yeEgipita, nezuʋa iro ʋakaȿika murenje reSinai. |
| 2 |
| Ʋakati ʋabva paRefidimi, ʋakaȿika murenje reSinai, ʋakadzika matente aʋo murenje; ʋaIsraeri ʋakaʋaka’po misasa pamberi pegomo. |
| 3 |
| Ɀino Mosesi akakwira kunaMŋari, Jehova ari mugomo akamuɗana, akati: Unofanira kutaura kuɗai kunaʋeimba yaJakobo, uʋudze ʋana ʋaIsraeri, uti: |
| 4 |
| Makaʋona ɀandakaitira ʋaEgipita, ʋuye kuti ndakakutakurai imi pamapapiro egondo, ndikakuȿitsai kwandiri. |
| 5 |
| Naiɀoɀo ɀino kana mukaterera inzwi raŋgu nomŋoyo wose, mukaceŋgeta suŋgano yaŋgu, mucaʋa fuma yaŋgu caiyo pakati pendudzi dzose, nokuti nyika ndeyaŋgu; |
| 6 |
| mucaʋa kwandiri ʋushe bgaʋaprista, norudzi rutȿene. Ndiwo mashoko aunofanira kundoʋudza ʋana ʋaIsraeri. |
| 7 |
| Ɀino Mosesi akadzoka, akaɗana ʋakuru ʋaʋanhu, akaisa pamberi paʋo mashoko iwayo ose, aakaŋga arairwa naJehova. |
| 8 |
| Ipapo ʋanhu ʋose ʋakapindura pamŋe cete, ʋaciti: Ɀose ɀataurwa naJehova ticaɀiita. Mosesi akandoʋudza Jehova mashoko aʋanhu. |
| 9 |
| Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tarira ndinoʋuya kwauri mugore gobvu, kuti ʋanhu ʋanzwe kana ndicitaura newe, ʋagotenda misi yose. Mosesi akaʋudza Jehova mashoko aʋanhu. |
| 10 |
| Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Enda kuʋanhu, uʋatsaure nhasi namaŋgwana, ʋasuke ŋguʋo dzaʋo, |
| 11 |
| ʋagare ʋakaɀigadzira nezuʋa retatu, nokuti nezuʋa retatu Jehova ucaɓuruka pamberi paʋanhu ʋose pamsoro pegomo reSinai. |
| 12 |
| Iwe utarire ʋanhu miganhu yakaʋapoteredza, uti kwaʋari: Cenjerai kuti murege kukwira mugomo, kana kuɓata jiŋga raro; aninani unoɓata gomo ucaʋurawa ɀirokwaɀo; |
| 13 |
| ngaarege kuɓatwa noruʋoko, asi atakwe ɀirokwaɀo namabge, kana afurwe; kana ciri cipfuwo, kana munhu, haafaniri kurarama; asi kana hwamanda iciramba icirira, ŋgaʋakwire mugomo. |
| 14 |
| Ɀino Mosesi akaɓuruka mugomo, akaenda kuʋanhu, akatsaura ʋanhu; iʋo ʋakasuka ŋguʋo dzaʋo. |
| 15 |
| Akati kuʋanhu: Garai makaɀigadzira nezuʋa retatu; musasweɗera kumukadzi. |
| 16 |
| Ɀino nezuʋa retatu kwoedza kutinhira kukaʋa’po pamsoro pegomo, nemheni, negore ɗema, nenzwi rehwamanda rinesimba guru; ʋanhu ʋose ʋakaŋga ʋari pamisasa ʋakaɗeɗera. |
| 17 |
| Ɀino Mosesi akaʋudza ʋanhu kuti ʋaɓuɗe pamisasa ʋasoŋgane naMŋari, ʋamire pajiŋga regomo. |
| 18 |
| Gomo rose reSinai rakaŋga ricipfuŋgaira, nokuti Jehova wakaŋga aɓurukira pamsoro paro mumŋoto; ʋutsi bgaro ʋukakwira soʋutsi bgeʋira; gomo rose rikazunuŋguka kwaɀo. |
| 19 |
| Ɀino inzwi rehwamanda rakati ricirira nokurira kwaɀo, Mosesi akataura, Mŋari akamupindura nenzwi. |
| 20 |
| Ipapo Jehova akaɓurukira pamsoro pegomo reSinai, Jehova akaɗana Mosesi kuti akwire kumusoro wegomo, Mosesi akakwira |
| 21 |
| Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ƃuruka, undoraira ʋanhu kuti ʋarege kupaza kunaJehova kundotarira, kuti ʋazhinji ʋaʋo ʋarege kufa. |
| 22 |
| Naʋaprista ʋanosweɗera kunaJehova, ŋgaʋaɀitsaure, kuti Jehova arege kuʋaparadza. |
| 23 |
| Mosesi akati kunaJehova: Ʋanhu haʋaŋgagoni kukwira kugomo reSinai, nokuti makatiraira, muciti: Tarai miganhu pagomo, muritsaure. |
| 24 |
| Jehova akati kwaari: Enda uɓuruke, mukwire ɀe, iwe naAroni, anewe; asi ʋaprista naʋanhu ŋgaʋarege kupaza kunaJehova, kuti arege kuʋaparadza. |
| 25 |
| Ipapo Mosesi akaɓurukira kuʋanhu, akandoʋaʋudza. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona1949/exodus/019.mp3
40
19