|
| 1 |
|
| Zvino mumwe murume weimba yavaRevhi akawana mukunda wavaRevhi. |
|
| 2 |
|
| Mukadzi akava nemimba, akabereka mwanakomana; zvino akati achiona kuti mwana akanaka, akamuvanza mwedzi mitatu. |
|
| 3 |
|
| Akati asisagoni kumuvanza, akamutorera tswanda yenhokwe, akainamira nebhitumini nenamo, akaisa mwana mukati mayo, akaigadzika pakati petsanga pamhenderekedzo dzorwizi. |
|
| 4 |
|
| Hanzvadzi yake ikandomira kure zvishoma, kuti azive zvichaitwa naye. |
|
| 5 |
|
| Zvino mukunda waFarao akaburuka kundoshamba murwizi, vasikana vake vakafamba-famba pamhenderekedzo dzorwizi; iye akaona tswanda pakati petsanga, ndokutuma musikana wake kundoitora. |
|
| 6 |
|
| Akaizarura, akona mwana, mwana wechikomana, onei anochema. Akamunzwira ngoni, akati, “Ndomumwe wavana vavaHebheru.” |
|
| 7 |
|
| Ipapo hanzvadzi yake yakati kumukunda waFarao, “Ko handingaendi ndikakudanirai mumwisi kuvakadzi vavaHebheru, kuti akumwisirei mwana here?” |
|
| 8 |
|
| Mukunda waFarao akati kwaari, “Enda.” Musikana akaenda, akandodana mai vomwana. |
|
| 9 |
|
| Mukunda waFarao akati kwavari, “Tora mwana uyu, undimwisire ndigokupa mubayiro wako.” Mukadzi akatora mwana, akandomuyamwisa. |
|
| 10 |
|
| Mwana akakura, akandomuisa kumukunda waFarao, akava mwanakomana wake, akamutumidza zita rinonzi Mosesi, akati, “Nokuti ndamunyukura mumvura.” |
|
| 11 |
|
| Zvino namazuva iwayo Mosesi akura, akaenda kundoona hama dzake, akandotarira mirimo yavo; akaona muIjipiti achirova muHebheru, mumwe wehama dzake. |
|
| 12 |
|
| Akaringa-ringa, zvino achiona kuti hapana munhu aripo, akauraya muIjipiti, akamuviga mujecha. |
|
| 13 |
|
| Akabudazve nezuva rechipiri, akaona varume vaviri vaHebheru vachirwa; akati kuna iye waiva nemhosva, “Unorovereiko munhu wokwako?” |
|
| 14 |
|
| Iye akati, “Ndianiko akakuita ishe nomutongi wedu? Unoda kundiuraya ini sezvawakauraya uya muIjipiti kani?” Mosesi akatya, akati, “Zvirokwazvo, chinhu ichi chazikanwa.” |
|
| 15 |
|
| Zvino Farao akati anzwa chinhu icho, akatsvaka kuuraya Mosesi. Asi Mosesi akatiza pamberi paFarao, akandogara kunyika yeMidhiani, akagara pasi patsime. |
|
| 16 |
|
| Zvino mupristi weMidhiani akanga ana vakunda vanomwe; ivo vakauya kuzochera mvura, vakazadza zvinwiro, kuti vanwise makwai ababa vavo. |
|
| 17 |
|
| Vafudzi vakauya, vakavadzingapo, asi Mosesi akasimuka, akavabatsira, akanwisa makwai avo. |
|
| 18 |
|
| Zvino vakati vachisvika kuna Rueri, baba vavo, ivo vakati, “Makurumidza kudzoka seiko nhasi?” |
|
| 19 |
|
| Vakati, “MuIjipiti akatirwira pamaoko avafudzi, akaticherera mvura, akanwisa makwai.” |
|
| 20 |
|
| Akati kuvakunda vake, “Zvino aripiko? Munhu uyu mamusiyirei? Mudanei, adye zvokudya.” |
|
| 21 |
|
| Mosesi akatenda kugara nomunhu uyo; akapa Mosesi mukunda wake Zipora. |
|
| 22 |
|
| Akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Geshomi, nokuti akati, “Ndakanga ndiri mutorwa munyika yavamwe.” |
|
| 23 |
|
| Zvino mazuva mazhinji akati apfuura, mambo weIjipiti akafa, vana vaIsiraeri vakagomera nokuda kwouranda hwavo, vakadanidzira, kudanidzira kwavo kukasvika kuna Mwari nokuda kwouranda. |
|
| 24 |
|
| Mwari akanzwa kugomba kwavo, Mwari akarangarira sungano yake naAbhurahamu, naIsaka, naJakobho. |
|
| 25 |
|
| Mwari akaona vana vaIsiraeri, Mwari akavarangarira. |
|
|
|
|