|
| 1 |
|
| “Iyi ndiyo mitemo yaunofanira kundopa vaIsiraeri. |
|
| 2 |
|
| Kana uchinge watenga muranda wechiHebheru, ngaakushandire kwamakore matanhatu. Asi mugore rechinomwe, muranda iyeyo murege aende zvake pasina chaanoripa. |
|
| 3 |
|
| Kana munhu akatengwa achingova iye oga ngaaende zvake ari oga, asi kana akatengwa aine mudzimai ngaaende pamwechete nomudzimai wake. |
|
| 4 |
|
| Kana tenzi wake akamupa mukadzi, mukadzi iyeyo akabereka vana vakomana navanasikana, mukadzi iyeyo navana vake vanofanira kupiwa kuna vatenzi vomudzimai iyeyo, murume uya oenda zvake ari oga. |
|
| 5 |
|
| Asi kana muranda akatengwa wacho akati, ‘Ini ndinoda tenzi wangu, ndinodawo mudzimai wangu navana, musandisunungure zvenyu kuti ndiende, |
|
| 6 |
|
| pakadaro, tenzi wake ngaauye naye kuna Mwari, amumise negwatidziro romusuo, atore mutsunda amuboore nzeve yake, achava muranda watenzi wake upenyu hwake hwose.’ |
|
| 7 |
|
| “Kana munhu akatengesa mwanasikana wake kuti ave muranda, haazosunungurwa muuranda sezvinoitwa munhurume. |
|
| 8 |
|
| Kana murume iyeyu akamutengera kuroora asisamudi, ngaamurege achidzikinurwa pamusana pokuti haana mvumo yokumutengesa kuvatorwa nokuti haana kuvimbika kwaari. |
|
| 9 |
|
| Kana murume akamutengera kupa mwanakomana wake, ngaamuitire zvaangaitire mwanasikana wake. |
|
| 10 |
|
| Kana akatora mumwe mukadzi ngaarambe achipa mukadzi wake zvaanga achimupa zvezvokudya nezvokupfeka, aregewo kushomekesa mazuva aaipinda naye mumba. |
|
| 11 |
|
| Kana akarega kumuitira zvinhu zvitatu izvozvi, mukadzi iyeyo ngaaende zvake pasina mari inoripwa. |
|
| 12 |
|
| “Ani naani zvake anorova munhu zvokumuuraya, ngaaurayiwewo. |
|
| 13 |
|
| Asi kana akauraya munhu asina kuita zvokumuhwandira, zvangoitikawo iri tsaona, ngaatize andopotera kunzvimbo yandichasarudza kwaasingazourayiwa. |
|
| 14 |
|
| Asi kana munhu akaita maune okuvirukira mumwe nehasha, akamuuraya noujarijari, mutorei paatari yangu paanenge andopotera ipapo aurayiwe. |
|
| 15 |
|
| “Ani naani zvake anorova baba vake kana amai vake, anofanira kutofa. |
|
| 16 |
|
| “Ani naani zvake anoba munhu achimutengesa, kana kuwanikwa ainaye, anofanira kuuraiwa. |
|
| 17 |
|
| “Ani naani zvake anoti rushambwa ngaruwire baba vake kana amai vake, anofanira kuuraiwa. |
|
| 18 |
|
| “Ngatiti vanhu vaviri vaitirana nharo, mumwe ozomutema mumwe nedombo kana kuti nechibhakera, nyakurohwa orega kufa, asi ongosara achirwara, |
|
| 19 |
|
| ozoita nani okwanisawo kutora mudonzvo achifamba zvake panze, nyakurova mumwe anenge asisapiwi mhosva, asi anosungirwa kuripa waakarova nguva yaakarasikirwa nayo achirwara, uyewo amurapise kusvikira apora. |
|
| 20 |
|
| “Kana munhu akatora mubhadha akarova muranda wake wechirume kana kuti wechikadzi muranda achibva afa pakarepo, munhu iyeyo ngaarangwe. |
|
| 21 |
|
| Asi kana muranda iyeyo akazorarama zuva rimwechete kana maviri zvawo, tenzi wake haazorangwa nokuti muranda wacho anenge ari wake. |
|
| 22 |
|
| “Ngatiti varume vorwisana, vokuvadza mukadzi anenge akazvitakura obva abva pamuviri, asi osara asina kukuvadzwa zvakanyanya; murume anenge amukuvadza ngaaripiswe zvinenge zvarehwa nomurume womukadzi iyeyu, zviri zvinhu zvinobvumwawo nedare. |
|
| 23 |
|
| Asi kana mukadzi uyu achinge akuvadzwa, murume amukuvadza ngaarangwe sezvinoreva mutemo unoti, upenyu ngahutsiviwe noupenyu, |
|
| 24 |
|
| ziso neziso, zino ritsiviwewo nezino, ruoko noruoko, gumbo richitsiviwawo negumbo, |
|
| 25 |
|
| apisa mumwe ngaapiswewo, akuvadza mumwe ngaakuvadzwewo, arova mumwe ngaarohwewo. |
|
| 26 |
|
| “Kana munhu akarova ziso romuranda wake, wechirume kana wechikadzi akaritushura, ngaasunungure muranda wacho aende zvake pamusana peziso rake. |
|
| 27 |
|
| Kana munhu akarova zino romuranda wake, wechirume kana wechikadzi, zino racho rikaguka, ngaasunungure muranda iyeyo pamusana pezino rake. |
|
| 28 |
|
| “Kana mombe ikatunga munhu, murume kana mukadzi, akafa, mombe yacho ngaitemwe namabwe. Nyama yayo ngairege kudyiwa. Asi muridzi wayo ngaarege kupiwa mhosva. |
|
| 29 |
|
| Asi kana mombe yacho yaiva nomusambo wokutunga vanhu, muridzi wayo akamboyambirwa akarega kuichengeta, kana ikazouraya munhu, murume kana mukadzi, mombe iyoyo ngaitemwe namabwe ife. Muridzi wayo ngaaurayiwewo. |
|
| 30 |
|
| Asi kana muridzi wemombe iyoyo akanzi aripe, ngaaripe zvose zvinotemwa nedare kuti iye agorega kuurayiwa. |
|
| 31 |
|
| Kunyange mombe ikatunga mwana mukomana kana musikana ikamuuraya, mutongero wacho mumwechetewo. |
|
| 32 |
|
| Kana mombe ikatunga muranda wechirume kana wechikadzi, muridzi wayo ngaaripe tenzi womuranda iyeyo mari yamashekeri esirivha makumi matatu. Mombe yacho ngaitemwe namabwe ife. |
|
| 33 |
|
| “Kana munhu akasiya zvake mugodhi usina kukwidibirwa, kana kuti ochera mugodhi osiya usina kukwidibirwa, mombe kana dhongi rowira imomo, |
|
| 34 |
|
| muridzi womugodhi ngaaripiswe. Ngaape mari kumuridzi wechipfuwo chafa, iye achitore chive chake. |
|
| 35 |
|
| Kana mombe yomunhu ikatunga mombe yomumwe ikafa ngavatengese mombe yatunga imwe vagoverane mutengo wacho. Ngavagovanewo nyama yemombe yafa iya. |
|
| 36 |
|
| Kana mombe yacho yanga iinomusambo wokutunga dzimwe, muridzi wayo akasaichengeta, muridzi wayo ngaabvise mombe chaiyo inotsika yokuripa inenge yaurayiwa. Asi mombe inenge yafa yacho ichava yanyakuripa mombe uya. |
|
|
|
|