|
| 1 |
|
| Usapupurira mumwe nhema; usabatsirana nowakaipa pakuita chapupu chisakarurama. |
|
| 2 |
|
| Usatevera vazhinji pakuita zvakaipa; usapupura pamhosva pamwechete navazhinji kuti irege kururamiswa; |
|
| 3 |
|
| usatsaura murombo uchimuitira tsitsi pamhaka yake. |
|
| 4 |
|
| Kana ukasangana nenzombe kana mbongoro yakarasika yomuvengi wako, zvirokwazvo unofanira kuidzosera kwaari. |
|
| 5 |
|
| Kana ukaona mbongoro yomuvengi wako yawira pasi nomutoro wayo, usaramba kumubatsira, zvirokwazvo umubatsire kuisunungura. |
|
| 6 |
|
| Usatsautsa zvakarurama zvomurombo pamhaka yake. |
|
| 7 |
|
| Unzvenge shoko renhema; usauraya munhu asina mhosva uye akarurama, nokuti handingaruramisiri akaipa. |
|
| 8 |
|
| Usagamuchira fufuro, nokuti fufuro inopofumadza vanoona, nokukanganisa mashoko avakarurama. |
|
| 9 |
|
| Usatambudza mutorwa, nokuti munoziva moyo womutorwa, zvamakanga muri vatorwa munyika yeIjipiti. |
|
| 10 |
|
| Dzvara munda wako makore matanhatu, uchikohwa zvibereko zvawo. |
|
| 11 |
|
| Asi negore rechinomwe unofanira kuuzorodza nokurega kuurima, kuti varombo vavanhu vako vadye, nemhuka dzesango dzidye zvavasiya. Saizvozvo uitewo nomunda wako wemizambiringa nomunda wako wemiorivhi. |
|
| 12 |
|
| Ubate mabasa ako namazuva matanhatu, ugozorora nezuva rechinomwe; kuti nzombe yako nembongoro yako zvizorore, nomwanakomana womurandakadzi wako nomutorwa vambofema havo. |
|
| 13 |
|
| Zvinhu zvose zvandakakuudzai muzviteerere; musareva zita ravamwe vamwari, ngarirege kunzwika pamiromo yenyu. |
|
| 14 |
|
| Undiitire mutambo katatu pagore. |
|
| 15 |
|
| Uite mutambo wezvingwa zvisina kuviriswa; udye zvingwa zvisina kuviriswa mazuva manomwe, sezvandakakuraira, panguva yakatarwa pamwedzi weAbhibhi (nokuti wakabuda nawo Ijipiti); kurege kuva nomunhu anouya pamberi pangu asina chinhu; |
|
| 16 |
|
| uye mutambo wokukohwa, wezvitsva zvamabasa ako, zvawakadzvara mumunda mako; uye mutambo wokuunganidza pakupera kwegore, kana wounganidza zvamabasa ako pamunda. |
|
| 17 |
|
| Varume venyu vose ngavauye pamberi paShe Mwari katatu pagore. |
|
| 18 |
|
| Usandivigira ropa rechibayiro changu pamwechete nechingwa chakaviriswa; namafuta omutambo wangu arege kuvata usiku hwose kusvikira mangwana. |
|
| 19 |
|
| Zvokutanga zvezvitsva zvomunda wako unofanira kuuya nazvo kumba kwaJehovha Mwari wako. Usabika mbudzana mumukaka wamai vayo. |
|
| 20 |
|
| Tarira, ndinotuma mutumwa pamberi pako, akuchengete panzira, akuise panzvimbo yandakakugadzirira. |
|
| 21 |
|
| Munzwei, muteerere inzwi rake, musamutsamwisa, nokuti haangakukangamwiriyi kudarika kwenyu, nokuti zita rangu riri maari. |
|
| 22 |
|
| Asi kana ukateerera inzwi rake nomoyo wako wose, ukaita izvozvo zvose zvandinotaura, ndichava muvengi wavavengi vako, nomudzivisi wavadzivisi vako. |
|
| 23 |
|
| Nokuti mutumwa wangu achakutungamirira, akusvitse kuvaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaKenani, navaHivhi, navaJebhusi; ini ndichavaparadza. |
|
| 24 |
|
| Usapfugamira vamwari vavo, kana kuvashumira, kana kutevera mabasa avo; asi unofanira kuvaparadza chose, nokuputsanya shongwe dzavo. |
|
| 25 |
|
| Shumira Jehovha Mwari wako, kuti aropafadze chingwa chako nemvura yako; neni ndichabvisa urwere pakati penyu. |
|
| 26 |
|
| Hakungavi nechinhu chinosvodza, kana chisingabereki panyika yako; ndichazadzisa mazuva ako. |
|
| 27 |
|
| Ndichatuma chityiso changu pamberi pako, nokukanganisa ndudzi dzose dzauchasvika kwadziri, ndichafuratidza vavengi vako vose. |
|
| 28 |
|
| Ndichatuma mago pamberi pako, adzinge vaHivhi, navaKenani, navaHeti pamberi pako. |
|
| 29 |
|
| Handingavadzingi pamberi pako negore rimwe, kuti nyika irege kuita renje, zvikara zvesango zvirege kukuwandira. |
|
| 30 |
|
| Ndichanyatsovadzinga pamberi pako, kusvikira mava vazhinji, upiwe nyika ive nhaka yako. |
|
| 31 |
|
| Ndichaisa miganhu yako kubva paGungwa Dzvuku kusvikira kuGungwa ravaFirisitia, nokubva kurenje kusvikira kuRwizi, nokuti ndichapa vagere munyika mumaoko enyu, uvadzinge pamberi pako. |
|
| 32 |
|
| Rega kuita sungano navo, kana navamwari vavo. |
|
| 33 |
|
| Havafaniri kugara munyika yako, kuti varege kukutadzisa pamberi pangu, nokuti kana ukashumira vamwari vavo, zvirokwazvo izvo zvichava musungo kwauri. |
|
|
|
|