|
| 1 |
|
| Zvino iye akati kuna Mosesi, “Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, naNadhabhi naAbhihu, navakuru vana makumi manomwe vavaIsiraeri, mupfugame muri kure; |
|
| 2 |
|
| Mosesi ngaaswedere pedyo naJehovha, asi ivo ngavarege kuswedera pedyo, navanhu ngavarege kukwira naye.” |
|
| 3 |
|
| Zvino Mosesi akauya akaudza vanhu mashoko ose aJehovha, nezvaakanga atema zvose, vanhu vakapindura nezwi rimwe vakati, “Mashoko ose akarehwa naJehovha tichaaita.” |
|
| 4 |
|
| Mosesi akanyora mashoko ose aJehovha, akamuka mangwanani, akandovaka atari pasi pegomo, akamisa shongwe dzine gumi nembiri, zvakafanana namarudzi ane gumi namaviri avaIsiraeri. |
|
| 5 |
|
| Zvino akatuma majaya avana vaIsiraeri vakapisira Jehovha zvipiriso zvinopiswa, nokumubayira zvipiriso zvenzombe zvokuyananisa. |
|
| 6 |
|
| Mosesi akatora hafu yeropa, akariisa mumidziyo, imwe hafu akasasa paatari. |
|
| 7 |
|
| Akatora bhuku yesungano, akarava vanhu vachizvinzwa; ivo vakati, “Zvose zvarehwa naJehovha tichazviita, tichateerera.” |
|
| 8 |
|
| Ipapo Mosesi akatora ropa akarisasa pamusoro pavanhu, akati, “Tarirai ropa resungano yakaitwa naJehovha nemi pamusoro pamashoko iwaya ose.” |
|
| 9 |
|
| Zvino Mosesi, naAroni, naNadhabhi, naAbhihu, navakuru vana makumi manomwe vavaIsiraeri vakakwira. |
|
| 10 |
|
| Vakaona Mwari wavaIsiraeri; pasi petsoka dzake pakanga pakaita samabwe esafiri, zvaionekera sokudenga chaiko. |
|
| 11 |
|
| Asi haana kutambanudzira ruoko rwake kuvakuru ivavo vavana vaIsiraeri; vakaona Mwari, vakadya, vakanwa. |
|
| 12 |
|
| Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Kwira kwandiri muno mugomo, ugarepo; ndichakupa mahwendefa amabwe anomurayiro nomurau wandanyora, kuti uvadzidzise.” |
|
| 13 |
|
| Mosesi akasimuka naJoshua, muranda wake, Mosesi akakwira mugomo raMwari, |
|
| 14 |
|
| akati kuvakuru, “Timirirei pano, kusvikira tichadzokerazve kwamuri; tarirai Aroni naHuri vanemi; ani naani ane mhaka ngaaende kwavari.” |
|
| 15 |
|
| Zvino Mosesi akakwira mugomo, gore rikafukidza gomo. |
|
| 16 |
|
| Kubwinya kwaJehovha kukagara pagomo reSinai, gore rikarifukidza mazuva matanhatu; nezuva rechinomwe akadana Mosesi ari mukati megore. |
|
| 17 |
|
| Kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navana vaIsiraeri kwakaita somoto unopisa kwazvo, uri pamusoro wegomo. |
|
| 18 |
|
| Mosesi akapinda mukati megore, akakwira mugomo; Mosesi akagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku una makumi mana. |
|
|
|
|