Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino Jehovha akataura naMosesi akati, |
| 2 |
| “Taura navana vaIsiraeri kuti vandipe chipo; munditorere chipo kune mumwe nomumwe anoda kundiitira izvozvo nomwoyo wake. |
| 3 |
| Ndicho chipo chamunofanira kutora kwavari: Ndarama, nesirivha, nendarira, |
| 4 |
| nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi, |
| 5 |
| namatehwe amakondohwe akazodzwa zvitsvuku, namatehwe amatenhe, namatanda omuakasia, |
| 6 |
| namafuta emwenje, nezvinonhuwira zvamafuta okuzodza, noupfu unonhuwira, |
| 7 |
| nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi napahombodo yechipfuva. |
| 8 |
| Ngavandiitire nzvimbo tsvene, kuti ndigare pakati pavo; |
| 9 |
| sezvandichakuratidza zvose, iwo mufananidzo wetabhenakeri, nomufananidzo wenhumbi dzayo dzose, munofanira kuita saizvozvo. |
| 10 |
| “Ngavaite areka yamatanda omuakasia, kureba kwayo kunofanira kuva makubhiti maviri nehafu, noupamhi hwayo kubhiti rimwe nehafu, nokukwira kwayo kubhiti rimwe nehafu. |
| 11 |
| “Unofanira kuifukidza nendarama yakaisvonaka, uifukidze nechomukati nechokunze, uite pamusoro payo hata yendarama inoipoteredza. |
| 12 |
| Uiumbire zvindori zvina zvendarama, uzviise pamakumbo ayo mana, zvindori zviviri zvive parutivi rumwe, nezvindori zviviri panorumwe rutivi. |
| 13 |
| Uveze matanda omuakasia, ndokuafukidza nendarama. |
| 14 |
| Ugopinza matanda iwayo muzvindori zviri panhivi dzeareka, kuti areka itakurwe nawo. |
| 15 |
| Matanda anofanira kugara muzvindori zveareka, ngaarege kubviswa kwazviri. |
| 16 |
| Zvino unofanira kuisa mukati meareka chipupuriro chandichakupa. |
| 17 |
| Uitewo chifunhiro chokuyananisa nendarama yakaisvonaka; kureba kwacho makubhiti maviri nehafu; noupamhi hwacho kubhiti rimwe nehafu. |
| 18 |
| Uitewo makerubhi maviri endarama uaite nendarama yakapambadzirwa pamiromo miviri yechifunhiro chokuyananisa. |
| 19 |
| Ita kerubhi rimwe pamuromo mumwe nerimwe kerubhi pano mumwe muromo; uite makerubhi pamiromo yacho miviri zvive chinhu chimwe nechifunhiro chokuyananisa. |
| 20 |
| Makerubhi atambanudzire mapapiro avo kumusoro, akafukidza chifunhiro chokuyananisa. |
| 21 |
| Uise chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka, ugoisa mukati meareka chipupuriro chandichakupa. |
| 22 |
| Ndipo pandichasangana newe, nditaure newe, ndiri pamusoro pechifunhiro chokuyananisa, pamusoro peareka yechipupuriro, ndikuudze zvose zvandichakupa, kuti uraire vanhu vaIsiraeri. |
| 23 |
| “Itawo tafura yamatanda omuakasia; kureba kwayo makubhiti maviri, noupamhi hwayo kubhiti nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu. |
| 24 |
| Uifukidze nendarama yakaisvonaka, ugoiitirawo hata yendarama inoipoteredza. |
| 25 |
| Uiitire ukomba unoipoteredza, unoupamhi sohwechanza, ugoiitirawo hata yendarama inopoteredza ukomba hwayo. |
| 26 |
| Uiitire zvindori zvina zvendarama, ugoisa zvindori pamakona mana ari pamakumbo ayo mana. |
| 27 |
| Zvindori zvive pedyo noukomba, pave pokutakura tafura napo namatanda. |
| 28 |
| Matanda uaite nomuakasia, uafukidze nendarama, tafura igotakurwa nawo. |
| 29 |
| Uitewo midziyo yayo, nembiya dzayo, nezvirongo zvayo, nemikombe yayo yokudira nayo; uzviite nendarama yakaisvonaka. |
| 30 |
| Misi yose unofanira kuisa pamberi pangu patafura chingwa chokuratidza. |
| 31 |
| “Unofanira kuitawo chigadziko chemwenje chendarama yakaisvonaka; chigadziko chiitwe nendarama yakapambadzirwa, chigadziko chacho, nehunde yacho, nezvimbiya zvacho, namapfundo acho, namaruva acho; zvose ngazviitwe chive chinhu chimwe nacho; |
| 32 |
| kumativi acho ngakubude matavi matanhatu; matavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho, namatavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho. |
| 33 |
| Ngapave nezvimbiya zvitatu zvakaumbwa samaruva omuamanda padavi rimwe, nepfundo, neruva, nezvimbiya zvitatu zvakaumbwa samaruva omuamanda pane rimwe davi, nepfundo, neruva: saizvozvo matavi matanhatu anobuda pachigadziko; |
| 34 |
| uye pachigadziko pave nezvimbiya zvina zvakaumbwa samaruva azvo; |
| 35 |
| nepfundo panyasi pamatavi maviri akaumbwa pamwechete nacho, nepfundo panyasi pamamwe matavi akaumbwa pamwechete nacho, nepfundo panyasi pamatavi maviri akaumbwa pamwechete nacho, akafanana namatavi matanhatu anobuda pachigadziko. |
| 36 |
| Mapfundo azvo namatavi azvo ngazvive pamwechete nazvo; zvose zvive chinhu chimwe chakaumbwa nendarama yakaisvonaka yakapambadzirwa. |
| 37 |
| Uitewo mwenje yacho minomwe; vagotungidza mwenje yacho, kuti ivhenekere pamberi pacho. |
| 38 |
| Nembato dzacho, nendiro dzacho, nemwenje yacho, zviumbwe nendarama yakaisvonaka. |
| 39 |
| Ngazviumbwe netarenda rendarama yakaisvonaka, pamwechete nemidziyo iyoyo yose. |
| 40 |
| “Uchenjerere kuti uzviite nomufananidzo wazvo wawakaratidzwa pagomo. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/exodus/025.mp3
40
25