Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| “Unofanira kuita aritari nomuakasia; kureba kwayo makubhiti mashanu, noupamhi hwayo makubhiti mashanu; aritari ngaive nenhivi ina dzakaenzana; kukwirira kwayo ngakuve makubhiti matatu. |
| 2 |
| Uitewo nyanga dzayo pamakona ayo mana; nyanga dzayo dzive chinhu chimwe nayo; uifukidze nendarira. |
| 3 |
| Uiitire hari dzokubvisa madota ayo, nefoshoro dzayo, nemidziyo yayo, nezvikokovonho zvenyama, nezvaenga zvomoto; midziyo yayo yose unofanira kuiita nendarira. |
| 4 |
| Unofanira kuiitirawo chakarukwa chendarira chakarukwa samambure; pamambure uite zvindori zvina zvendarira pamakona awo mana. |
| 5 |
| Uzviise pasi pechitsiko chearitari chakaipotedza nechenyasi, kuti mambure asvikire pakati pearitari. |
| 6 |
| Uitire aritari matanda omuakasia, ugoafukidza nendarira. |
| 7 |
| Matanda iwayo aiswe muzvindori, matanda agova panhivi mbiri dzearitari kana voitakura. |
| 8 |
| Uiite namapuranga, isava nechinhu mukati, sezvawakaratidzwa mugomo, uiite saizvozvo. |
| 9 |
| "Unofanira kuitawo ruvazhe rwetabhenakeri; kurutivi rwezasi, rwakatarira zasi, ngakuve nemicheka yakarembedzwa yakaisvonaka, yakarukwa; kureba kwayo makubhiti ane zana kurutivi rumwe; |
| 10 |
| ngapave nembiru dzina makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvina makumi maviri, zvendarira, nezvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvive zvesirivha. |
| 11 |
| Saizvozvowo kurutivi rwokumusoro rwakareba ngapavewo nemicheka yakarembedzwa, kureba kwayo makubhiti ane zana; nembiru dzayo dzina makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvina makumi maviri, zvendarira; zvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo ngazvive zvesirivha. |
| 12 |
| Paupamhi hworuvazhe kurutivi rwamavirazuva panofanira kuva nemicheka yakarembedzwa ina makubhiti makumi mashanu, nembiru dzinegumi nezvigadziko zvadzo zvine gumi. |
| 13 |
| Napaupamhi hworuvazhe kurutivi rwamabvazuva, kunotarira kurutivi rwamabvazuva, kunotarira kumabvazuva, ngakuve namakubhiti ana makumi mashanu. |
| 14 |
| Micheka yakarembedzwa kurutivi rumwe rwesuo inofanira kuva namakubhiti ane gumi namashanu, nembiru dzayo nhatu nezvigadziko zvadzo zvitatu. |
| 15 |
| Nokuno rumwe rutivi ngapave nemicheka yakarembedzwa ina makubhiti ane gumi namashanu, nembiru dzayo nhatu, nezvigadziko zvadzo zvitatu. |
| 16 |
| Napasuo roruvanze ngapave nechidzitiro china makubhiti ana makumi maviri chezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, rive basa romusoni anogona, nembiru dzacho ina nezvigadziko zvadzo zvina. |
| 17 |
| Mbiru dzose dzoruvazhe dzakapoteredza ngadzive nezvindori zvesirivha, nezvikorekedzo zvadzo zvesirivha, nezvigadziko zvadzo zvendarira. |
| 18 |
| Kureba koruvazhe kunofanira kuva makubhiti ane zana, noupamhi makubhiti makumi mashanu kose, nokukwirira makubhiti mashanu; zviitwe nomucheka wakaisvonaka wakarukwa, nezvigadziko zvadzo zvendarira. |
| 19 |
| Nhumbi dzose dzetabhenakeri dzamabasa ayo ose, nembambo dzayo dzose, nembambo dzose dzoruvazhe ngadzive dzendarira. |
| 20 |
| "Unofanira kuraira vana vaIsiraeri kuti vauye kwauri namafuta omuorivhi akaisvonaka akasviniwa omwenje, kuti avhenekese mwenje nguva dzose. |
| 21 |
| Mutende rokusangana, kunze kwechidzitiro chiri pamberi pechipupuriro, Aroni navanakomana vake ngavaugadziremo pamberi paJehovha, kubva pamadekwana kusvikira mangwanani; ngauve mutemo nokusingaperi kusvikira kumarudzi ose avana vaIsiraeri. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/exodus/027.mp3
40
27