Baiberi Magwaro 1949
|
| 1 |
| Unofanira kuita artari nomuakasia; kureɓa kwayo makubiti mashanu, noʋupamhi bgayo makubiti mashanu; artari ŋgaiʋe nenhiʋi inna dzakaenzana; kukwirira kwayo ŋgakuʋe makubiti matatu. |
| 2 |
| Uite ʋo nyaŋga dzayo pamakona ayo manna; nyaŋga dzayo dziʋe cinhu cimŋe nayo; uifukidze nendarira. |
| 3 |
| Uiitire hari dzokubvisa maɗota ayo, nefoshoro dzayo, nemidziyo yayo, neɀikokoʋonho ɀenyama, neɀaeŋga ɀomŋoto; midziyo yayo yose unofanira kuiita nendarira. |
| 4 |
| Unofanira kuiitira ʋo cakarukwa cendarira cakarukwa samambure; pamambure uite ɀindori ɀinna ɀendarira pamakona awo manna. |
| 5 |
| Uɀiise pasi pecitsiko ceartari cakaipotedza necenyasi, kuti mambure aȿikire pakati peartari. |
| 6 |
| Uitire artari matanda omuakasia, ugoafukidza nendarira. |
| 7 |
| Matanda iwayo aiswe muɀindori, matanda agoʋa panhiʋi mbiri dzeartari kana ʋoitakura. |
| 8 |
| Uiite namapuraŋga, isaʋa necinhu mukati, seɀawakaratidzwa mugomo, uiite saiɀoɀo. |
| 9 |
| Unofanira kuita ʋo ruʋazhe rwetabernakeri; kurutiʋi rwezasi, rwakatarira zasi, ŋgakuʋe nemiceka yakarembedzwa yakaiȿo‐naka, yakarukwa; kureɓa kwayo makubiti anezana kurutiʋi rumŋe; |
| 10 |
| ŋgapaʋe nembiru dzinamakumi maʋiri, neɀigadziko ɀadzo ɀinamakumi maʋiri, ɀendarira, neɀikorekedzo ɀembiru neɀindori ɀadzo ɀiʋe ɀesirveri. |
| 11 |
| Saiɀoɀo ʋo kurutiʋi rwokumsoro rwakareɓa ŋgapaʋe ʋo nemiceka yakarembedzwa, kureɓa kwayo makubiti anezana; nembiru dzayo dzinamakumi maʋiri, neɀigadziko ɀadzo ɀinamakumi maʋiri, ɀendarira; ɀikorekedzo ɀembiru neɀindori ɀadzo ŋgaɀiʋe ɀesirveri. |
| 12 |
| Paʋupamhi bgoruʋazhe kurutiʋi rwamaʋirazuʋa panofanira kuʋa nemiceka yakarembedzwa inamakubiti makumi mashanu, nembiru dzinegumi neɀigadziko ɀadzo ɀinegumi. |
| 13 |
| Napaʋupamhi bgoruʋazhe kurutiʋi rwamabvazuʋa, kunotarira kumabvazuʋa, ŋgakuʋe namakubiti anamakumi mashanu. |
| 14 |
| Miceka yakarembedzwa kurutiʋi rumŋe rwesuʋo inofanira kuʋa namakubiti anegumi namashanu, nembiru dzayo nhatu neɀigadziko ɀadzo ɀitatu. |
| 15 |
| Nokunorumŋe rutiʋi ŋgapaʋe nemiceka yakarembedzwa inamakubiti anegumi namashanu, nembiru dzayo nhatu, neɀigadziko ɀadzo ɀitatu. |
| 16 |
| napasuʋo roruʋazhe ŋgapaʋe necidzitiro cinamakubiti anamakumi maʋiri ce ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa, riʋe ɓasa romusoni unogona, nembiru dzaco inna neɀigadziko ɀadzo ɀinna. |
| 17 |
| Mbiru dzose dzoruʋazhe dzakapotedza ŋgadziʋe neɀindori ɀesirveri, neɀikorekedzo ɀadzo ɀesirveri, neɀigadziko ɀadzo ɀendarira. |
| 18 |
| Kureɓa kworuʋazhe kunofanira kuʋa makubiti anezana, noʋupamhi makubiti makumi mashanu kwose, nokukwirira makubiti mashanu; ɀiitwe nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa, neɀigadziko ɀadzo ɀendarira. |
| 19 |
| Nhumbi dzose dzetabernakeri dzamaɓasa ayo ose, nembambo dzayo dzose, nembambo dzose dzoruʋazhe ŋgadziʋe dzendarira. |
| 20 |
| Unofanira kuraira ʋana ʋaIsraeri kuti ʋaʋuye kwauri namafuta omuorivi akaiȿo‐naka akaȿinhiwa omŋenje, kuti avenekese mŋenje ŋguʋa dzose. |
| 21 |
| Mutente rokusoŋgana, kunze kwecidzitiro ciri pamberi pecipupuriro, Aroni naʋanakomana ʋake ŋgaʋaugadzire’mo pamberi paJehova, kubva pamaɗekwana kuȿikira maŋgwanani; ŋgauʋe mutemo nokusiŋgaperi kuȿikira kumarudzi ose aʋana ʋaIsraeri. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona1949/exodus/027.mp3
40
27