|
| 1 |
|
| Ɀino usweɗedze kwauri Aroni, mukuru wako, naʋanakomana ʋake pamŋe cete naye, ʋaɓuɗe pakati paʋana ʋaIsraeri, kuti andishumire paɓasa roʋuprista, ʋanoti, Aroni, naNadabi, naAbihu, naEreazari, naItamari, iʋo ʋanakomana ʋaAroni. |
|
| 2 |
|
| Uitire Aroni, mukuru wako, ŋguʋo tȿene, akudzwe nadzo, ʋuye bguʋe ʋukomba. |
|
| 3 |
|
| Utaure naʋose ʋanemŋoyo yakacenjera, ʋandakazadza nomŋeya woʋucenjeri, kuti ʋaitire Aroni ŋguʋo dzokumuita mutȿene nadzo, kuti andishumire paɓasa roʋuprista. |
|
| 4 |
|
| Ŋguʋo dzaʋanofanira kuita ndidzo: Homboɗo yecifuʋa, neefodi, nejasi, neŋguʋo yakarukwa, neŋgoani, nebanhire; ŋgaʋaitire Aroni, mukoma wako, naʋanakomana ʋake ŋguʋo tȿene, kuti andishumire paɓasa roʋuprista. |
|
| 5 |
|
| Ŋgaʋatore ndarama, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka. |
|
| 6 |
|
| Efodi ŋgaʋaiite nendarama, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa, riʋe ɓasa romuɓati wakacenjera. |
|
| 7 |
|
| Ŋgaiʋe namabande maʋiri pamafudzi akaɓatanidzwa pamiromo yayo miʋiri; kuti iɓatanidzwe saiɀoɀo. |
|
| 8 |
|
| Nebanhire rakarukwa nomuɓati wakacenjera, riri pamsoro payo, rokuisuŋga naro, ŋgariitwe saiyo, ʋuye ciʋe cinhu cimŋe cete nayo, iitwe nendarama, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa. |
|
| 9 |
|
| Utore ʋo mabge maʋiri eoniksi, ugonyora pamsoro pawo mazita aʋana ʋaIsraeri, |
|
| 10 |
|
| mazita matanhatu pabge rimŋe, namazita matanhatu akasara panerimŋe ibge ɀe, pakuɀarwa kwaʋo. |
|
| 11 |
|
| Unyore pamabge iwayo maʋiri, seɓasa romuʋezi wamabge, seɀinonyorwa ibge rokusimbisa, mazita aʋana ʋaIsraeri; uanyudze muɀiruʋa ɀendarama. |
|
| 12 |
|
| Ɀino uise mabge iwayo maʋiri pamabande apamafudzi eefodi, kuti aʋe mabge okuraŋgaridza ʋana ʋaIsraeri; Aroni ŋgaatakure mazita awo pamberi paJehova pamafudzi ake maʋiri, ciʋe cokuraŋgaridza. |
|
| 13 |
|
| Unofanira kuita ʋo ɀiruʋa ɀendarama, |
|
| 14 |
|
| neɀiketani ɀiʋiri ɀendarama yakaiȿo‐naka; uɀiite sorwonzi rwakakoshwa, ugoisa ɀiketani iɀo ɀakamoniwa paɀiruʋa iɀoɀo. |
|
| 15 |
|
| Unofanira kuita ʋo homboɗo yecifuʋa yokutoŋga, riʋe ɓasa romuɓati wakacenjera; uiite ifanane neefodi, uiite nendarama, ne ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, nomuceka wakaiȿo‐naka wakarukwa. |
|
| 16 |
|
| Ŋgaiʋe nenhiʋi inna dzakaenzana, dzakaita mheto mbiri; kureɓa kwayo kuite sapanoȿika minwe, noʋupamhi bgayo sapanoȿika minwe ʋo. |
|
| 17 |
|
| Uise mukati mayo ɀiruʋa ɀinamabge, misara minna yamabge; mumŋe musara uʋe nesardio, netopasi, nekarbunkeri. Ndiwo musara wokutaŋga. |
|
| 18 |
|
| Pamusara wecipiri smaragdino, nesafiri, nedaimani; |
|
| 19 |
|
| pamusara wecitatu hiakinti, neagati, neametisi; |
|
| 20 |
|
| pamusara wecinna beriri neoniksi, nejaspiri; ŋgaapotedzwe nendarama muɀiruʋa ɀawo. |
|
| 21 |
|
| Mabge iwayo ŋgaaʋe namazita aʋana ʋaIsraeri anegumi namaʋiri, seɀinoita mazita aʋo; ŋgaaʋe namarudzi anegumi namaʋiri, rimŋe nerimŋe riʋe nezita raro, seɀinonyorwa ibge rokusimbisa. |
|
| 22 |
|
| Napahomboɗo yecifuʋa unofanira kuita ɀiketani ɀakafanana norwonzi, ɀendarama yakamoniwa yakaiȿo‐naka. |
|
| 23 |
|
| Uite ʋo pahomboɗo yecifuʋa ɀindori ɀiʋiri ɀendarama, ugoisa ɀindori iɀo ɀiʋiri pamiceto miʋiri yehomboɗo yecifuʋa. |
|
| 24 |
|
| Ɀino uise ɀiketani ɀiʋiri ɀendarama yakamoniwa paɀindori ɀiʋiri ɀiri pamiceto yehomboɗo yecifuʋa. |
|
| 25 |
|
| Nemimŋe miromo miʋiri yeɀiketani ɀiʋiri ɀakamoniwa uɀiise paɀiruʋa ɀiʋiri; uɀiise pamabande apamafudzi eefodi necemberi kwayo. |
|
| 26 |
|
| Uite ʋo ɀindori ɀiʋiri ɀendarama, ugoɀiisa pamiceto miʋiri yehomboɗo yecifuʋa pamupendero wayo uri kurutiʋi rweefodi necomukati. |
|
| 27 |
|
| Unofanira kuita ʋo ɀindori ɀiʋiri ɀendarama, ugoɀiisa pamabande maʋiri apamafudzi eefodi zasi necemberi kwayo, pedyo payakaɓatanidzwa napo, pamsoro pebanhire reefodi rakarukwa noʋucenjeri. |
|
| 28 |
|
| Ɀino ŋgaʋasuŋganidze homboɗo yecifuʋa neɀindori ɀayo paɀindori ɀeefodi norwonzi rutema, kuti ruʋe pamsoro pebanhire reefodi rakarukwa noʋucenjeri, kuti homboɗo yecifuʋa irege kusunuŋguka paefodi. |
|
| 29 |
|
| Naiɀoɀo Aroni unofanira kutakura mazita aʋana ʋaIsraeri pahomboɗo yecifuʋa yokutoŋga pamŋoyo wake, kana acipinda panɀimbo tȿene, kuti ciʋe ciraŋgaridzo pamberi paJehova ŋguʋa dzose. |
|
| 30 |
|
| Unofanira kuisa ʋo muhomboɗo yecifuʋa yokutoŋga Urimi neTumimi, kuti ɀiʋe pamŋoyo waAroni kana acipinda pamberi paJehova; Aroni agotakura kutoŋgwa kwaʋana ʋaIsraeri pamŋoyo wake pamberi paJehova ŋguʋa dzose. |
|
| 31 |
|
| Unofanira kuita jasi reefodi rose romuceka mutema. |
|
| 32 |
|
| Ŋgariʋe neburi rokupinza musoro pakati paro, riʋe nomupendero wakarukwa unopotedza ɓuri raro, sapaɓuri reŋguʋo yokurwa, kuti irege kubvaruka. |
|
| 33 |
|
| Pamipendero yaro unofanira kuita matamba e ɀakarukwa ɀitema, neɀishaʋa, neɀitȿuku, anopotedza mupendero, neɀitare ɀinorira ɀendarama pakati pawo kunhiʋi dzose. |
|
| 34 |
|
| Ŋgapaʋe necitare cimŋe neɗamba rimŋe, citare cimŋe neɗamba rimŋe pamipendero yejasi kunhiʋi dzose. |
|
| 35 |
|
| Aroni ŋgaarifuke kana acishumira, kuti kurira kwaɀo kunzwike, kana acipinda panɀimbo tȿene pamberi paJehova, ʋuye kana aciɓuɗa, kuti arege kufa. |
|
| 36 |
|
| Unofanira kuita ʋo hwendefa rendarama yakaiȿo‐naka, ugonyora pamsoro paro seɀinonyorwa ibge rokusimbisa, uciti: MUTⱾENE KUNAJEHOVA. |
|
| 37 |
|
| Uriise parwonzi rutema, rigoiswa paŋgoani, riʋe necemberi kweŋgoani. |
|
| 38 |
|
| Ŋgariʋe pahuma yaAroni, Aroni atakure ɀakaipa ɀiŋgaʋa’po paɀinhu ɀitȿene, ɀicaitwa ɀitȿene naʋana ʋaIsraeri paɀipo ɀaʋo ɀitȿene ɀose; rinofanira kugara pahuma yake ŋguʋa dzose, kuti iʋo ʋagamucirwe pamberi paJehova. |
|
| 39 |
|
| Unofanira kuita ʋo ŋguʋo yakarukwa yomuceka wakaiȿo‐naka, ʋuye uite ŋgoani yomuceka wakaiȿo‐naka, ʋuye uite ʋo banhire, riʋe ɓasa romusoni unogona. |
|
| 40 |
|
| Naʋanakomana ʋaAroni unofanira kuʋaitira ŋguʋo, uʋaitire ʋo mabanhire, uʋaitire ʋo ŋgoani dzomusoro, ʋakudzwe nadzo, ʋuye bguʋe ʋukomba. |
|
| 41 |
|
| Udzifukidze Aroni, mukoma wako, pamŋe cete naʋanakomana ʋake; ʋuye uʋazodze, nokuʋagadza, nokuʋatsaura, kuti ʋandishumire paɓasa roʋuprista. |
|
| 42 |
|
| Unofanira kuʋaitira maburuku omuceka kuti ʋafukidze nyama yaʋo yakashama; ŋgaataŋge paɀiʋuno, aȿikire pacidɀa; |
|
| 43 |
|
| ŋgaafukwe naAroni naʋanakomana ʋake kana ʋacipinda mutente rokusoŋgana, ʋuye kana ʋacisweɗera paartari kushumira panɀimbo tȿene; kuti ʋarege kuɀitorera mhoȿa, ʋakafa; ŋgauʋe mutemo usiŋgaperi kwaari nokuʋana ʋake ʋanomuteʋera. |
|
|
|
|