|
| 1 |
|
| “Izvi ndizvo zvaunofanira kuita kuti uvanatse, kuti vandishumire savaprista: Utore hando duku namakondohwe maviri asina chaanopomerwa. |
|
| 2 |
|
| Uye ubike chingwa noupfu hwakatsetseka hwegorosi, husina mbiriso, uye ubike makeke akavhenganiswa namafuta, nezvingwa zvitete zvakazorwa mafuta. |
|
| 3 |
|
| Uzviise mudengu uye ugozvikumikidza zviri imomo, pamwe chete nehando uye makondohwe maviri. |
|
| 4 |
|
| Ipapo ugouya naAroni navanakomana vake kumukova nokupinda navo kuTende Rokusangana ugovashambidza nemvura. |
|
| 5 |
|
| Tora hanzu ugopfekedza Aroni jasi, nguo yeefodhi neefodhi pachayo uye nechidzitiro chapachipfuva. Usungire efodhi paari nebhanire romuchiuno rakarukwa nounyanzvi. |
|
| 6 |
|
| Uise nguwani pamusoro wake uye ugoibatanidza nekorona tsvene. |
|
| 7 |
|
| Utore mafuta okuzodza ugomuzodza uchiita zvokuadira pamusoro pake. |
|
| 8 |
|
| Uye vanakomana vake ugovapfekedza majasi |
|
| 9 |
|
| uye ugoisa mabhanire omumusoro pamusoro pavo. Ipapo ugosungira ndaza pana Aroni navanakomana vake. Uprista ndohwavo nomutemo usingaperi. Nenzira iyi uchagadza Aroni navanakomana vake. |
|
| 10 |
|
| “Uuye nehando pamberi peTende Rokusangana, uye Aroni navanakomana vake vachaisa maoko avo pamusoro payo. |
|
| 11 |
|
| Uiuraye pamberi pomukova wokupinda kuTende Rokusangana. |
|
| 12 |
|
| Utore rimwe reropa rehando ugoriisa panyanga dzearitari nomunwe wako, uye ugodira rasara racho pahwaro hwearitari. |
|
| 13 |
|
| Ipapo ugotora mafuta ose akapoteredza zvomukati, zvinoti chiropa, neitsvo dziri mbiri namafuta ari pamusoro padzo, ugoapisa pamusoro pearitari. |
|
| 14 |
|
| Asi upise nyama yehando nedehwe rayo namazvizvi ayo kunze kwomusasa. Ndicho chipiriso chechivi. |
|
| 15 |
|
| “Utore rimwe regondohwe, uye Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro paro. |
|
| 16 |
|
| Uriuraye ugotora ropa raro urisase pamativi ose earitari. |
|
| 17 |
|
| Ucheke gondohwe kuita muzvidimbu zvidimbu uye ugosuka zvomukati, uye makumbo, uchiaisa pamwe chete nomusoro nezvimwe zvidimbu. |
|
| 18 |
|
| Ipapo ugopisa gondohwe rose paaritari. Ndicho chipiriso chinopiswa kuna Jehovha, chinonhuwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. |
|
| 19 |
|
| “Utore rimwe gondohwe, uye Aroni navanakomana vake vachaisa maoko avo pamusoro waro. |
|
| 20 |
|
| Uriuraye, utore rimwe ropa raro ugoriisa pamucheto wenzeve dzorudyi dzavanakomana vaAroni, napazvigunwe zvikuru zvamaoko avo orudyi, nokuzvigunwe zvikuru zvokutsoka dzavo dzorudyi. Ipapo ugosasa ropa pamativi ose earitari. |
|
| 21 |
|
| Uye ugotora rimwe ropa riri paaritari namamwe mafuta okuzodza usase pana Aroni napanguo dzake uye napavanakomana vake napanguo dzavo. Ipapo iye navanakomana vake nenguo dzavo vachanatswa. |
|
| 22 |
|
| “Utore pagondohwe iri mafuta, mafuta apamuswe, mafuta akapoteredza zvomukati, akafukidza chiropa, itsvo dzose dziri mbiri namafuta ari padziri, uye nechidya chokurudyi. (Iri ndiro gondohwe rokugadzwa.) |
|
| 23 |
|
| Kubva padengu rechingwa chakabikwa chisina mbiriso, chiri pamberi paJehovha, utore chimwe chete, nekeke rakavhenganiswa namafuta, uye nechingwa chitete. |
|
| 24 |
|
| Uise izvi zvose mumaoko aAroni navanakomana vake ugozvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira. |
|
| 25 |
|
| Ipapo uzvitore kubva mumaoko avo ugozvipisa paaritari pamwe chete nechipiriso chinopiswa chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. |
|
| 26 |
|
| Shure kwokunge watora chityu chegondohwe rokugadzwa kwaAroni, uchininire pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira uye chichava mugove wako. |
|
| 27 |
|
| “Unatse mitezo iyo yegondohwe rokugadza raAroni navanakomana vake: chityu chakaninirwa uye chakakumikidzwa. |
|
| 28 |
|
| Uyu unofanira kuva mugove wenguva dzose unobva kuvaIsraeri, waAroni navanakomana vake. Uyu ndiwo mugove unofanira kupiwa navaIsraeri kuna Jehovha kubva pazvipiriso zvavo zvokuwadzana. |
|
| 29 |
|
| “Nguo tsvene dzaAroni dzichava dzezvizvarwa zvake kuitira kuti vazodzwe uye vagogadzwa vakadzipfeka. |
|
| 30 |
|
| Mwanakomana wake achamutevera pauprista uye anouya kuTende Rokusangana kuti azoshumira ari muNzvimbo Tsvene, anofanira kudzipfeka kwamazuva manomwe. |
|
| 31 |
|
| “Utore gondohwe rokugadzwa ugobika nyama yaro munzvimbo tsvene. |
|
| 32 |
|
| Aroni navanakomana vake vanofanira kudya nyama yegondohwe uye nechingwa chiri mudengu vari pamukova wokupinda paTende Rokusangana. |
|
| 33 |
|
| Vanofanira kudya zvipiriso izvi zvavakaitirwa yananiso yokugadzwa kwavo uye nokunatswa kwavo nazvo. Asi hakuna mumwe munhu anofanira kuzvidya nokuti zvitsvene. |
|
| 34 |
|
| Uye kana pakava nenyama yegondohwe rokungadzwa inosara kana chingwa chipi zvacho chinosara kusvikira mangwana mangwanani muzvipise. Hazvifaniri kudyiwa, nokuti zvitsvene. |
|
| 35 |
|
| “Uitire Aroni navanakomana vake zvinhu zvose zvandakakurayira, uchitora mazuva manomwe okuvagadza. |
|
| 36 |
|
| Ubayire hando zuva rimwe nerimwe sechipiriso chechivi chive chokuyananisa. Unatse aritari nokuiitira yananiso, uye ugoizodza kuti uiite tsvene. |
|
| 37 |
|
| Mazuva manomwe uyananisire aritari uye uinatse. Ipapo aritari ichava tsvene-tsvene, uye chose chichaigunzva chichava chitsvene. |
|
| 38 |
|
| “Izvi ndizvo zvaunofanira kupa paaritari nguva dzose zuva rimwe nerimwe: makwayana maviri egore rimwe chete. |
|
| 39 |
|
| Ubayire rimwe chete mangwanani uye rimwe chete madekwana. |
|
| 40 |
|
| Negwayana rokutanga ubayire nechegumi cheefaa choupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa nechikamu chimwe chete kubva muzvina chehinib chamafuta akabva mumaorivhi akasvinwa, uye chikamu chimwe chete kubva muzvina chehini yewaini chive chipiriso chinonwiwa. |
|
| 41 |
|
| Ubayire rimwe gwayana madekwana pamwe chete nechipiriso chimwe chetecho chezviyo nechipiriso chacho chinonwiwa sechamangwanani, chive chinonhuwira zvinofadza, chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto. |
|
| 42 |
|
| “Chipiriso chinopiswa ichi chinofanira kuitwa nguva dzose pamukova weTende Rokusangana pamberi paJehovha kumarudzi ose. |
|
| 43 |
|
| Ipapo ndipo pandichasangana newe uye ndigotaura kwauri, ndipozve pandichasangana navaIsraeri, uye nzvimbo iyi ichatsaurwa nokubwinya kwangu. |
|
| 44 |
|
| “Saka ndichatsaura Tende Rokusangana nearitari uye ndichatsaura Aroni navanakomana vake kuti vandishumire savaprista. |
|
| 45 |
|
| Ipapo ndichagara pakati pavaIsraeri uye ndigova Mwari wavo. |
|
| 46 |
|
| Vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, akavabudisa kubva muIjipiti kuitira kuti ndigogara pakati pavo. Ndini Jehovha Mwari wavo. |
|
|
|
|