|
| 1 |
|
| Zvino Mosesi akanga achifudza makwai aJeturo, mukarabwe wake, mupristi weMidhiani; akaisa makwai mberi murenje, akasvika kugomo raMwari rinonzi Horebi. |
|
| 2 |
|
| Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari mumurazvo womoto pakati pegwenzi; akatarira, akaona gwenzi richipfuta nomoto, asi rakanga risingatsvi. |
|
| 3 |
|
| Mosesi akati, “Regai, nditsaukire ndione chishamiso icho chikuru, kuti gwenzi haritsvi neiko.” |
|
| 4 |
|
| Zvino Jehovha akati achiona kuti wotsaukira kuti aone, Mwari akadana ari mukati megwenzi, akati, “Mosesi, Mosesi!” Iye akati, “Ndiri pano hangu.” |
|
| 5 |
|
| Akati, “Usaswedera pano; bvisa shangu dzako patsoka dzako, nokuti paumire patsvene.” |
|
| 6 |
|
| Akatiwo, “Ndini Mwari wababa vako, naMwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho.” Mosesi akavanza chiso chake, nokuti akatya kutarira Mwari. |
|
| 7 |
|
| Zvino Mwari akati, “Zvirokwazvo, ndakaona kunetswa kwavanhu vangu vari muIjipiti, ndikanzwa kudanidzira kwavo nokuda kwavatariri vavo vamabasa; nokuti ndinoziva kuchema kwavo; |
|
| 8 |
|
| ndaburuka kuti ndivarwire mumaoko avaIjipiti nokuvabudisa munyika iyoyo, ndindovaisa kunyika yakanaka huru, kunyika inoyerera mukaka nouchi; uko kunogara vaKenani, navaHeti, navaAmori, navaPerezi, navaHivhi, navaJebhusi. |
|
| 9 |
|
| Zvino tarira, kuchema kwavana vaIsiraeri kwasvika kwandiri, ndaona kutambudzwa kwavanotambudzwa nako navaIjipiti. |
|
| 10 |
|
| Naizvozvo zvino uya ndikutume kuna Farao, kuti undobudisa vanhu vangu, vana vaIsiraeri muIjipiti.” |
|
| 11 |
|
| Zvino Mosesi akati kuna Mwari, “Ini ndini aniko, kuti ndiende kuna Farao, ndibudise vana vaIsiraeri muIjipiti here?” |
|
| 12 |
|
| Akati, “Zvirokwazvo ndichava newe; hechi chiratidzo chokuti ndakutuma: Kana mabudisa vanhu vangu muIjipiti, muchanamata Mwari pagomo rino.” |
|
| 13 |
|
| Ipapo Mosesi akati kuna Mwari, “Tarirai, kana ndikasvika kuvana vaIsiraeri, ndikati kwavari, ‘Mwari wamadzibaba enyu akandituma kwamuri,’ ivo vakati kwandiri, ‘Ko zita rake ndiani?’ Ndichatiyi kwavari?” |
|
| 14 |
|
| Mwari akati kuna Mosesi, “NDICHAVA IYE WANDICHAVA.” Akati, “Unoti kuvana vaIsiraeri, ‘NDICHAVA ndiye akandituma kwamuri.’ ” |
|
| 15 |
|
| Mwari akatiwo kuna Mosesi, “Unoti kuvana vaIsiraeri, Jehovha, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, akandituma kwamuri; ndiro zita rangu nokusingaperi, ndiro zita ravachandirangarira naro kusvikira kumarudzi ose. |
|
| 16 |
|
| Enda, undounganidza vakuru vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Jehovha, Mwari wamadzibaba enyu, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, akazviratidza kwandiri,’ akati, ‘Ndakakushanyirai zvirokwazvo, ndikaona izvo zvamakaitirwa Ijipiti;’ |
|
| 17 |
|
| ndikati, ‘Ndichakubudisai pakunetswa kwenyu paIjipiti, ndimuise kunyika yavaKenani, neyavaHeti, neyavaAmori, neyavaPerezi, neyavaHivhi, neyavaJebhusi, kunyika inoyerera mukaka nouchi.’ |
|
| 18 |
|
| Vachateerera izwi rako; uende, iwe navakuru vaIsiraeri, kuna mambo weIjipiti, muti kwaari, ‘Jehovha, Mwari wavaHebheru, akasangana nesu; zvino titendere kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha, Mwari wedu.’ |
|
| 19 |
|
| Ndinoziva kuti mambo weIjipiti haangakutendereyi kuenda, kwete, kunyange noruoko rune simba. |
|
| 20 |
|
| Ndichatambanudza ruoko rwangu, ndirove Ijipiti nezvishamiso zvangu zvose, zvandichaitamo; pashure achakutenderai kuenda. |
|
| 21 |
|
| Ndichapa vanhu ava nyasha pamberi pavaIjipiti, kuti kana muchizoenda, murege kuenda musina chinhu. |
|
| 22 |
|
| Asi mukadzi mumwe nomumwe anofanira kukumbira kune waanogara naye, nokumutorwa anogara mumba make, zvishongo zvesirivha nozvendarama, nenguo, kuti mufukidze vanakomana venyu navanasikana venyu; munofanira kutorera vaIjipiti nhumbi dzavo.” |
|
|
|
|