Baiberi Magwaro 1949
|
| 1 |
| Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: |
| 2 |
| Tarira, ndaɗana Bezareri, mŋanakomana waUri, mŋanakomana waHuri, worudzi rwaJuda, nezita rake, |
| 3 |
| ndikamuzadza noMŋeya waMŋari, noʋucenjeri, nokunzwisisa, nokuziʋa kwose, nokugona marudzi ose amaɓasa, |
| 4 |
| kuti afuŋge mano oʋumhizha, nokuɓata nendarama, nesirveri, nendarira, |
| 5 |
| nokuʋeza mabge anoiswa mukati, nokuʋeza matanda, nokugona marudzi ose amaɓasa. |
| 6 |
| Ʋuye ini, tarira ndakagadza pamŋe cete naye Ohoriabi, mŋanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDani; nomumŋoyo yaʋose ʋanemŋoyo yakaŋgwara ndakaisa ʋucenjeri, kuti ʋaite ɀose ɀandakakuraira, |
| 7 |
| ɀinoti: Tente rokusoŋgana, neareka yecipupuriro, necifunhiro cokuyananisa ciri pamsoro payo, nenhumbi dzose dzetabernakeri, |
| 8 |
| netafura nenhumbi dzayo, necigadziko cemŋenje cakaiȿo‐naka nenhumbi dzaco dzose, neartari yeɀinonhuwira, |
| 9 |
| neartari yeɀipiriso ɀinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira necigadziko cawo, |
| 10 |
| neŋguʋo dzakarukwa ɀakanaka, neŋguʋo tȿene dzaAroni muprista, neŋguʋo dzaʋanakomana ʋake dzokuɓate‐ɓasa roʋuprista nadzo, |
| 11 |
| namafuta okuzodza nawo, neɀinonhuwira ɀemiti inonaka ɀapanɀimbo tȿene; ʋanofanira kuita ɀose seɀandakakuraira. |
| 12 |
| Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: |
| 13 |
| Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Ɀirokwaɀo munofanira kuceŋgeta masaɓata aŋgu; nokuti ciratidzo pakati paŋgu nemi kuȿikira kumarudzi enyu ose, muziʋe kuti ndini Jehova unokutsaurai. |
| 14 |
| Naiɀoɀo ceŋgetai saɓata, nokuti idɀene kwamuri; aninani unoriɀidza ŋgaaʋurawe ɀirokwaɀo; nokuti aninani unoɓate‐ɓasa ripi neripi naro, munhu uyo ŋgaabviswe pakati porudzi rwake. |
| 15 |
| Maɓasa ose ŋgaaɓatwe namazuʋa matanhatu, asi zuʋa recinomŋe isaɓata rokuzorora kwaɀo, idɀene kunaJehova; aninani unoɓate‐ɓasa ripi neripi nezuʋa resaɓata, ŋgaaʋurawe ɀirokwaɀo. |
| 16 |
| Naiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri ʋanofanira kuceŋgeta saɓata, ʋaraŋgarire saɓata kuȿikira kumarudzi aʋo ose; iʋe suŋgano isiŋgaperi. |
| 17 |
| Ciratidzo pakati paŋgu naʋana ʋaIsraeri nokusiŋgaperi; nokuti Jehova wakaita ɗeŋga nenyika namazuʋa matanhatu, akazorora nezuʋa recinomŋe, akasimbiswa. |
| 18 |
| Ɀino wakati apedza kutaura naMosesi pagomo reSinai, akamupa mahwendefa maʋiri ecipupuriro, mahwendefa amabge akaŋga akanyorwa nomunwe waMŋari. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona1949/exodus/031.mp3
40
31