Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, |
| 2 |
| “Tarira, ndadana Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, nezita rake, |
| 3 |
| ndikamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokunzwisisa, nokuziva kwose, nokugona marudzi ose amabasa, |
| 4 |
| kuti afunge mano oumhizha, nokubata nendarama, nesirivha, nendarira, |
| 5 |
| nokuveza mabwe anoiswa mukati, nokuveza matanda, nokugona marudzi ose amabasa. |
| 6 |
| Uye ini, tarira ndakagadza pamwechete naye Ohoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani; nomumwoyo yavose vane mwoyo yakangwara ndakaisa uchenjeri, kuti vaite zvose zvandakakuraira, |
| 7 |
| zvinoti: Tende rokusangana, neareka yechipupuriro, nechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro payo, nenhumbi dzose dzetabhenakeri, |
| 8 |
| netafura nenhumbi dzayo, nechigadziko chemwenje chakaisvonaka nenhumbi dzacho dzose, neatari yezvinonhuwira, |
| 9 |
| neatari yezvipiriso zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo, |
| 10 |
| nenguo dzakarukwa zvakanaka, nenguo tsvene dzaAroni mupristi, nenguo dzavanakomana vake dzokubata basa roupristi nadzo, |
| 11 |
| namafuta okuzodza nawo, nezvinonhuwira zvemiti inonaka zvapanzvimbo tsvene; vanofanira kuita zvose sezvandakakuraira.” |
| 12 |
| Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, |
| 13 |
| “Taura navana vaIsiraeri, uti, ‘Zvirokwazvo munofanira kuchengeta maSabata angu; nokuti chiratidzo pakati pangu nemi kusvikira kumarudzi enyu ose, muzive kuti ndini Jehovha unokutsaurai. |
| 14 |
| Naizvozvo chengetai Sabata, nokuti idzvene kwamuri; ani naani unorizvidza ngaaurawe zvirokwazvo; nokuti ani naani unobata basa ripi neripi naro, munhu uyo ngaabviswe pakati porudzi rwake. |
| 15 |
| Mabasa ose ngaabatwe namazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora kwazvo, idzvene kuna Jehovha; ani naani unobata basa ripi neripi nezuva reSabata, ngaaurawe zvirokwazvo.’ |
| 16 |
| Naizvozvo vana vaIsiraeri vanofanira kuchengeta Sabata, varangarire Sabata kusvikira kumarudzi avo ose; ive sungano isingaperi. |
| 17 |
| Chiratidzo pakati pangu navana vaIsiraeri nokusingaperi; nokuti Jehovha wakaita denga nenyika namazuva matanhatu, akazorora nezuva rechinomwe, akasimbiswa.” |
| 18 |
| Zvino wakati apedza kutaura naMosesi pagomo reSinai, akamupa mahwendefa maviri echipupuriro, mahwendefa amabwe akanga akanyorwa nomunwe waMwari. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/exodus/031.mp3
40
31