|
| 1 |
|
| Zvino vanhu vakati vachiona kuti Mozisi wononoka kuburuka mugomo, vakaungana kuna Aroni, vakati kwaari, "Simuka, utiitire vamwari vangatitungamirira, nokuti kana ari Mozisi uyu, uya munhu wakatibudisa munyika hatizivi chakaitika naye." |
|
| 2 |
|
| Zvino Aroni akati kwavari, "Gurai zvindori zvendarama zviri panzeve dzavakadzi venyu nedzavanakomana venyu navanasikana venyu, muuye nazvo kwandiri." |
|
| 3 |
|
| Zvino vanhu vose vakagura zvindori zvendarama zvakanga zviri panzeve dzavo, vakauya nazvo kuna Aroni. |
|
| 4 |
|
| Iye akazvigamuchira pamaoko avo, akazviveza nenhumbi yokuveza nayo, akaita nazvo mhuru yakaumbwa. Ivo vakati, "Ndivo vamwari venyu, imwi vaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti." |
|
| 5 |
|
| Zvino Aroni wakati achizviona, akavaka aritari pamberi payo, Aroni akadanidzira, akati, "Mangwana mutambo uchavapo kuna Jehovha." |
|
| 6 |
|
| Vakafumira mangwanani, vakapisira zvipiriso zvinopiswa, vakauyawo nezvipiriso zvokuyananisa, vanhu vakagara pasi, vakadya nokumwa, vakasimuka, vakatamba. |
|
| 7 |
|
| Zvino Jehovha akataura naMozisi akati, "Enda, buruka, nokuti vanhu vako, vawakabudisa munyika yeIjipiti, vazvitadzira. |
|
| 8 |
|
| Vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira, vakazviitira mhuru yakaumbwa, vakainamata, vakaibayira zvibayiro, vachiti, `Ndivo vamwari venyu, imwi vaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti. " |
|
| 9 |
|
| Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Ndatarira vanhu ava, ndaona kuti vanhu vane mitsipa mikukutu; |
|
| 10 |
|
| naizvozvo zvino ndirege hako, kuti shungu dzangu dzivamukire, ndivapedze, ndikuite iwe rudzi rukuru." |
|
| 11 |
|
| Ipapo Mozisi akakumbira kuna Jehovha Mwari wake akati, "Haiwa, Jehovha, shungu dzenyu dzingagomukireiko vanhu venyu, vamakabudisa munyika yeIjipiti nesimba guru uye noruoko rune simba. |
|
| 12 |
|
| VaIjipiti vangazoreva seiko vachiti, `Wakavabudisira kune zvakaipa, kuti avauraye mumakomo, nokuvaparadza panyika?' Dzorai shungu dzenyu huru, muzvidembe pamusoro pokuitira vanhu venyu zvakaipa zvakadai. |
|
| 13 |
|
| Rangarirai henyu Abhurahamu, naIsaka, naIsiraeri, varanda venyu, vamakazvipikira mumene, mukati kwavari, `Ndichawanza vana venyu senyeredzi dzokudenga, nenyika yose iyi, yandakareva, ndichaipa vana venyu, vaigare nhaka nokusingaperi.' " |
|
| 14 |
|
| Zvino Jehovha akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakanga achifunga kuitira vanhu vake. |
|
| 15 |
|
| Zvino Mozisi akatendeuka akaburuka pagomo, ana mabwendefa maviri echipupuriro muruoko rwake; mabwendefa akanga akanyorwa nhivi dzawo dzose, akanga akanyorwa seri neseri. |
|
| 16 |
|
| Mabwendefa iwayo rakanga riri basa raMwari, norunyoro rwakanga ruri runyoro rwaMwari, rwakanga rwakatemwa pamabwendefa. |
|
| 17 |
|
| Zvino Joshua wakati achinzwa mhere-mhere yavanhu vanopururudza, akati kuna Mozisi, "Kune mhere-mhere yokurwa kumisasa." |
|
| 18 |
|
| Iye akati, "Haazi manzwi avanhu vanodanidzira pakukunda kwavo, kana manzwi avanhu vanodanidzira pakukundwa kwavo; asi ndinonzwa mheremhere yavanhu vanoimba." |
|
| 19 |
|
| Zvino wakati aswedera kumisasa, akaona mhuru nokutamba. Ipapo shungu dzaMozisi dzikamuka, akakanda mabwendefa aiva mumaoko pasi, akaaputsa mujinga megomo. |
|
| 20 |
|
| Akatora mhuru yavakanga vaita, akaipisa nomoto, akaikuya ikaita upfu, akaikanda mumvura, ndokumwisa vaIsiraeri izvozvo. |
|
| 21 |
|
| Mozisi akati kuna Aroni, "Vanhu ava vakakuitireiko, zvawauyisa chivi ichi chikuru pamusoro pavo?" |
|
| 22 |
|
| Aroni akati, "Shungu dzashe wangu ngadzirege kumuka hadzo; munoziva vanhu ava, kuti vanongoda kutadza. |
|
| 23 |
|
| Nokuti vakati kwandiri, `Tiitirei vamwari vangatitungamirira, nokuti kana ari Mozisi uyu, munhu uya wakatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi chakaitika naye.' |
|
| 24 |
|
| Ndikati kwavari, `Ani naani une ndarama, ngaaigure;' zvino vakandipa, ndikaikandira mumoto, mhuru iyi ikabudamo." |
|
| 25 |
|
| Zvino Mozisi wakati aona kuti vanhu varasa Jehovha, nokuti Aroni wakanga avarasisa, kuti vasekwe navavengi vavo, |
|
| 26 |
|
| Mozisi akandomira musuo remisasa, akati, "Ani naani ari kurutivi rwaJehovha, ngaauye kwandiri." Vana vaRevhi vose vakaungana kwaari. |
|
| 27 |
|
| Akati kwavari, "Zvanzi naJehovha Mwari wavaIsiraeri, `Mumwe nomumwe wenyu ngaasungire munondo wake pachidya chake, mufambe-fambe muchibva pane rimwe suo muchienda kune rimwe suo pakati pemisasa, mumwe nomumwe auraye hama yake, nomumwe nomumwe shamwari yake, nomumwe nomumwe munhu wokwake.' " |
|
| 28 |
|
| Vana vaRevhi vakaita sezvakanga zvarehwa naMozisi; nomusi iwoyo vakafa pakati pavanhu vanenge vane zviuru zvitatu. |
|
| 29 |
|
| Zvino Mozisi akati, "Zviparadzanisei nhasi kuna Jehovha, kuti munhu mumwe nomumwe arwe nomwanakomana wake uye nehama yake, kuti akuropafadzei nhasi." |
|
| 30 |
|
| Zvino fume mangwana Mozisi akati kuvanhu, "imwi makatadza nokutadza kukuru, asi zvino ini ndichakwira kuna Jehovha, zvimwe ndingayananisira zvivi zvenyu." |
|
| 31 |
|
| Mozisi akadzokera kuna Jehovha, akati, "Haiwa, vanhu ava vakatadza nokutadza kukuru, vakazviitira vamwari vendarama; |
|
| 32 |
|
| zvino dai muchivakangamwira henyu zvivi zvavo; asi kana musingadi henyu, ndidzimei pabhuku renyu ramakanyora." |
|
| 33 |
|
| Jehovha akati kuna Mozisi, "Uyo wakanditadzira, ndiye wandichadzima pabhuku rangu. |
|
| 34 |
|
| Zvino chienda, uperekedze vanhu vaende kwandakavaudza; tarira, mutumwa wangu achakutungamirira, asi nomusi wandicharova nawo, ndichavarova nokuda kwezvivi zvavo." |
|
| 35 |
|
| Jehovha akarova vanhu, nokuti vakanga vaita mhuru yakaitwa naAroni. |
|
|
|
|