|
| 1 |
|
| Ɀino ʋanhu ʋakati ʋaciʋona kuti Mosesi wononoka kuɓuruka mugomo, ʋakaʋuŋgana kunaAroni, ʋakati kwaari: Simuka, utiitire ʋamŋari ʋaŋgatituŋgamirira, nokuti kana ari Mosesi uyu, uya munhu wakatiɓuɗisa munyika yeEgipita, hatiziʋi cakaitika naye. |
|
| 2 |
|
| Ɀino Aroni akati kwaʋari: Gurai ɀindori ɀendarama ɀiri panzeʋe dzaʋakadzi ʋenyu nedzaʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu, muʋuye naɀo kwandiri. |
|
| 3 |
|
| Ɀino ʋanhu ʋose ʋakagura ɀindori ɀendarama ɀakaŋga ɀiri panzeʋe dzaʋo, ʋakaʋuya naɀo kunaAroni. |
|
| 4 |
|
| Iye akaɀigamucira pamaʋoko aʋo, akaɀiʋeza nenhumbi yokuʋeza nayo, akaita naɀo mhuru yakaʋumbga. Iʋo ʋakati: Ndiʋo ʋamŋari ʋenyu, imi ʋaIsraeri, ʋakakuɓuɗisai munyika yeEgipita. |
|
| 5 |
|
| Ɀino Aroni wakati aciɀiʋona, akaʋaka artari pamberi payo, Aroni akaɗanidzira, akati: Maŋgwana mutambo ucaʋa’po kunaJehova. |
|
| 6 |
|
| Ʋakafumira maŋgwanani, ʋakapisira ɀipiriso ɀinopiswa, ʋakaʋuya ʋo neɀipiriso ɀokuyananisa, ʋanhu ʋakagara pasi, ʋakadya nokunwa, ʋakasimuka, ʋakatamba. |
|
| 7 |
|
| Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: Enda, ɓuruka, nokuti ʋanhu ʋako, ʋawaɓuɗisa munyika yeEgipita, ʋaɀitadzira. |
|
| 8 |
|
| Ʋakurumidza kutsauka panzira yandakaʋaraira, ʋakaɀiitira mhuru yakaʋumbga, ʋakainamata, ʋakaiɓayira ɀiɓayiro, ʋaciti: Ndiʋo ʋamŋari ʋenyu, imi ʋaIsraeri, ʋakakuɓuɗisai munyika yeEgipita. |
|
| 9 |
|
| Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ndatarira ʋanhu aʋa, ndaʋona kuti ʋanhu ʋanemitsipa mikukutu; |
|
| 10 |
|
| naiɀoɀo ɀino ndirege hako, kuti shuŋgu dzaŋgu dziʋamukire, ndiʋapedze, ndikuite iwe rudzi rukuru. |
|
| 11 |
|
| Ipapo Mosesi akakumbira kunaJehova Mŋari wake, akati: Haiwa, Jehova, shuŋgu dzenyu dziŋgagomukireiko ʋanhu ʋenyu, ʋamakaɓuɗisa munyika yeEgipita nesimba guru ʋuye noruʋoko runesimba: |
|
| 12 |
|
| ƲaEgipita ʋaŋgazoreʋa seiko ʋaciti: Wakaʋaɓuɗisira kuneɀakaipa, kuti aʋaʋuraye mumakomo, nokuʋaparadza panyika? Dzorai shuŋgu dzenyu huru, muɀiɗembe pamsoro pokuitira ʋanhu ʋenyu ɀakaipa ɀakaɗai. |
|
| 13 |
|
| Raŋgarirai henyu Abrahama, naIsaka, naIsraeri, ʋaranda ʋenyu, ʋamakaɀipikira mumene, mukati kwaʋari: Ndicawanza ʋana ʋenyu senyeredzi dzokuɗeŋga, nenyika yose iyi, yandakareʋa, ndicaipa ʋana ʋenyu, ʋaigare nhaka nokusiŋgaperi. |
|
| 14 |
|
| Ɀino Jehova akaɀiɗemba pamsoro peɀakaipa ɀaakaŋga acifuŋga kuitira ʋanhu ʋake. |
|
| 15 |
|
| Ɀino Mosesi akatendeʋuka, akaɓuruka pagomo, anamahwendefa maʋiri ecipupuriro muruʋoko rwake; mahwendefa akaŋga akanyorwa nhiʋi dzawo dzose, akaŋga akanyorwa seri neseri. |
|
| 16 |
|
| Mahwendefa iwayo rakaŋga riri ɓasa raMŋari, norunyoro rwakaŋga ruri runyoro rwaMŋari, rwakaŋga rwakatemŋa pamahwendefa. |
|
| 17 |
|
| Ɀino Joshua wakati acinzwa mhere‐mhere yaʋanhu ʋanopururudza, akati kunaMosesi: Kunemhere‐mhere yokurwa kumisasa. |
|
| 18 |
|
| Iye akati: Haazi manzwi aʋanhu ʋanoɗanidzira pakukunda kwaʋo, kana manzwi aʋanhu ʋanoɗanidzira pakukundwa kwaʋo; asi ndinonzwa mhere‐mhere yaʋanhu ʋanoimba. |
|
| 19 |
|
| Ɀino wakati asweɗera kumisasa, akaʋona mhuru nokutamba. Ipapo shuŋgu dzaMosesi dzikamuka, akakanda mahwendefa aiʋa mumaʋoko ake pasi, akaaputsa mujiŋga megomo. |
|
| 20 |
|
| Akatora mhuru yaʋakaŋga ʋaita, akaipisa nomŋoto, akaikuya ikaita ʋupfu, akaikanda mumvura, ndokunwisa ʋaIsraeri iɀoɀo. |
|
| 21 |
|
| Mosesi akati kunaAroni: Ʋanhu aʋa ʋakakuitireiko, ɀawaʋuyisa ciʋi ici cikuru pamsoro paʋo? |
|
| 22 |
|
| Aroni akati: Shuŋgu dzashe waŋgu ŋgadzirege kumuka hadzo; munoziʋa ʋanhu aʋa, kuti ʋanoŋgoɗa kutadza. |
|
| 23 |
|
| Nokuti ʋakati kwandiri: Tiitirei ʋamŋari ʋaŋgatituŋgamirira, nokuti kana ari Mosesi uyu, munhu uya wakatiɓuɗisa munyika yeEgipita, hatiziʋi cakaitika naye. |
|
| 24 |
|
| Ndikati kwaʋari: Aninani unendarama, ŋgaaigure; ɀino ʋakandipa, ndikaikandira mumŋoto, mhuru iyi ikaɓuɗa’mo. |
|
| 25 |
|
| Ɀino Mosesi wakati aʋona kuti ʋanhu ʋarasha Jehoʋa, nokuti Aroni wakaŋga aʋarashisa, kuti ʋasekwe naʋaʋeŋgi ʋaʋo, |
|
| 26 |
|
| Mosesi akandomira musuʋo remisasa, akati: Aninani uri kurutiʋi rwaJehova, ŋgaaʋuye kwandiri. Ʋana ʋaRevi ʋose ʋakaʋuŋgana kwaari. |
|
| 27 |
|
| Akati kwaʋari: Ɀanzi naJehova Mŋari waʋaIsraeri: Mumŋe nomumŋe wenyu ŋgaasuŋgire munondo wake pacidɀa cake, mufambe‐fambe mucibva panerimŋe suʋo mucienda kunerimŋe suʋo pakati pemisasa, mumŋe nomumŋe aʋuraye hama yake, nomumŋe nomumŋe shamŋari yake, nomumŋe nomumŋe munhu wokwake. |
|
| 28 |
|
| Ʋana ʋaRevi ʋakaita seɀakaŋga ɀarebga naMosesi; nomusi iwoyo ʋakafa pakati paʋanhu ʋaneŋge ʋaneɀuru ɀitatu. |
|
| 29 |
|
| Ɀino Mosesi akati: Ɀiparadzanisei nhasi kunaJehova, kuti munhu mumŋe nomumŋe arwe nomŋanakomana wake ʋuye nehama yake, kuti akuropafadzei nhasi. |
|
| 30 |
|
| Ɀino fume maŋgwana Mosesi akati kuʋanhu: Imi makatadza nokutadza kukuru, asi ɀino ini ndicakwira kunaJehova, ɀimŋe ndiŋgayananisira ɀiʋi ɀenyu. |
|
| 31 |
|
| Mosesi akadzokera kunaJehova, akati: Haiwa, ʋanhu aʋa ʋakatadza nokutadza kukuru, ʋakaɀiitira ʋamŋari ʋendarama; |
|
| 32 |
|
| ɀino ɗai muciʋakaŋganwira henyu ɀiʋi ɀaʋo; asi kana musiŋgaɗi henyu, ndidzimei pabuku yenyu yamakanyora. |
|
| 33 |
|
| Jehova akati kunaMosesi: Uyo wakanditadzira, ndiye wandicadzima pabuku yaŋgu. |
|
| 34 |
|
| Ɀino cienda, uperekedze ʋanhu ʋaende kwandakaʋaʋudza; tarira, mutumŋa waŋgu ucakutuŋgamirira; asi nomusi wandicaroʋa nawo, ndicaʋaroʋa nokuɗa kweɀiʋi ɀaʋo. |
|
| 35 |
|
| Jehova akaroʋa ʋanhu, nokuti ʋakaŋga ʋaita mhuru yakaitwa naAroni. |
|
|
|
|