|
| 1 |
|
| Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Ibva pano, kwira, iwe navanhu vawakabudisa munyika yeIjipiti, muende kunyika yandakapikira Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichiti, ndichaipa vana vako; |
|
| 2 |
|
| ndichatuma mutumwa pamberi penyu, kuti ndidzinge vaKenani, navaAmori, navaHeti, navaPerezi, navaHivhi, naJebhusi, |
|
| 3 |
|
| muende kunyika inoyerera mukaka nouchi, nokuti ini handingakwiri pakati penyu, nokuti muri vanhu vane mitsipa mikukutu, kuti ndirege kukuparadzai panzira.” |
|
| 4 |
|
| Zvino vanhu vakati vachinzwa mashoko iwayo akaipa, vakachema; kwakanga kusina munhu wakashonga zvishongo zvake. |
|
| 5 |
|
| Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Uti kuvana vaIsiraeri, ‘Muri vanhu vane mitsipa mikukutu; kana ndikapinda pakati penyu chinguva chimwe chiduku-duku, ndingakuparadzai; naizvozvo bvisai zvishongo zvenyu zvino, ndizive chandingakuitirai.’ ” |
|
| 6 |
|
| Ipapo vana vaIsiraeri vakabvisa zvishongo zvavo kubva pagomo reHorebhu. |
|
| 7 |
|
| Zvino Mosesi waisitora tende, achindoridzika kunze kwemisasa, kure nemisasa, akaritumidza zita rinonzi, Tende rokusangana. Zvino mumwe nomumwe waitsvaka Jehovha, waibudira kutende rokusangana, rakanga riri kunze kwemisasa. |
|
| 8 |
|
| Zvino kwaiti kana Mosesi obudira kuTende, vanhu vose vaisimuka, vakamira mumwe nomumwe pamukova wetende rake, vakaramba vakatarira Mosesi kusvikira apinda muTende. |
|
| 9 |
|
| Zvino kana Mosesi apinda muTende, shongwe yegore yaJehovha yaiburuka ikamira pamukova weTende, Jehovha akataura naMosesi. |
|
| 10 |
|
| Vanhu vose vakaona shongwe yegore imire pamukova weTende, vanhu vose vakasimuka, vakanamata pasi mumwe nomumwe pamukova wetende rake. |
|
| 11 |
|
| Ipapo Jehovha waitaura naMosesi zviso zvakatarisana, somunhu anotaurirana neshamwari yake. Zvino wodzokerazve kumisasa; asi muranda wake Joshua, mwanakomana waNuni, mujaya, haazaibva paTende. |
|
| 12 |
|
| Zvino Mosesi akati kuna Jehovha, “Tarirai, makati kwandiri, ‘Kwira navanhu ava, asi hamuna kundizivisa kuti muchatuma ani neni,’ kunyange makati, ‘Ndinokuziva nezita rako, wakawana nyasha pamberi pangu.’ |
|
| 13 |
|
| Zvino kana ndakawana nyasha pamberi penyu, chindiratidzai nzira dzenyu, kuti ndikuzivei, ndiwane nyasha pamberi penyu; rangariraiwo kuti rudzi urwu ndivanhu venyu.” |
|
| 14 |
|
| Jehovha akati, “Ini ndimene ndichaenda newe, ndikupe zororo.” |
|
| 15 |
|
| Akati kwaari, “Kana imi mumene musingaendi neni, regai henyu kutibvisa pano. |
|
| 16 |
|
| Nokuti zvichazikanwa seiko kuti ndakawana nyasha pamberi penyu, ini navanhu venyu? Hakuzi kuti muende nesu, tigova vakatsaurwa, ini navanhu venyu pakati pavamwe vanhu vose vapanyika dzose here?” |
|
| 17 |
|
| Ipapo Jehovha akati kuna Mosesi, “Ndichaitawo chinhu ichi chawareva, nokuti wawana nyasha pamberi pangu, ndinokuziva nezita rako.” |
|
| 18 |
|
| Iye akati, “Dondiratidzai henyu kubwinya kwenyu.” |
|
| 19 |
|
| Jehovha akati, “Ndichapfuudza kunaka kwangu kwose pamberi pako, nokudana zita raJehovha pamberi pako, asi ndichanzwira nyasha wandinoda kunzwira nyasha, ndichanzwira tsitsi wandinoda kunzwira tsitsi.” |
|
| 20 |
|
| Akatiwo, “Haungaoni chiso changu, nokuti hakuna munhu angandiona, akazorarama.” |
|
| 21 |
|
| Jehovha akatiwo, “Tarira pane nzvimbo uno kwandiri, ungamira pabwe. |
|
| 22 |
|
| Zvino kana kubwinya kwangu kwopfuura, ndichakupinza mumukana webwe, ndigokufukidza noruoko rwangu kusvikira ndapfuura; |
|
| 23 |
|
| ipapo ndichabvisa ruoko rwangu, ugondiona necheshure; asi chiso changu hachionekwi.” |
|
|
|
|