|
| 1 |
|
| Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ɀiʋezere mahwendefa maʋiri amabge akafanana nookutaŋga, kuti ndinyore pamabwendefa mashoko aya akaŋga ari pamahwendefa okutaŋga awaputsa. |
|
| 2 |
|
| Gara waɀigadzira maŋgwanani, ukwire mugomo reSinai maŋgwanani, umire pamberi paŋgu pamsoro pegomo. |
|
| 3 |
|
| Asi mumŋe munhu ŋgaarege kukwira newe, ʋuye ŋgakurege kuʋonekwa munhu pagomo rose, namakwai neŋombe ŋgaɀirege kufura pamberi pegomo iri. |
|
| 4 |
|
| Ipapo Mosesi akaʋeza mahwendefa maʋiri akafanana nookutaŋga, akamuka maŋgwanani, akakwira mugomo reSinai, seɀaakaŋga arairwa naJehova, akaɓata mahwendefa maʋiri muruʋoko rwake. |
|
| 5 |
|
| Jehova akaɓuruka ari mugomo, akamira’po naye, akaɗana zita raJehova. |
|
| 6 |
|
| Jehova akapfuʋura pamberi pake, akaɗanidzira, aciti: Jehova, Jehova, Mŋari uzere nyasha neŋgoni, unononoka kutsamŋa, unetsitsi huru neɀokwaɗi. |
|
| 7 |
|
| unoceŋgetera ʋaneɀuru ɀamazana nyasha dzake, unoʋakaŋganwira ɀakaipa ɀaʋo nokuɗarika kwaʋo neɀiʋi ɀaʋo, asi usiŋgapembedzi munhu unemhoȿa, unoroʋa ʋana nokuɗa kweɀakaipa ɀamadziɓaɓa aʋo, naʋana ʋaʋana ʋaʋo kuȿikira kurudzi rwecitatu norwecinna. |
|
| 8 |
|
| Ipapo Mosesi akakurumidza kukotamisa musoro wake pasi, akafugama. |
|
| 9 |
|
| Akati: Ishe, kana ndakawana nyasha kwamuri, Ishe ŋgaafambe pakati peɗu, nokuti ʋanhu aʋa ʋanemitsipa mikukutu; tikaŋganwirei henyu ɀakaipa ɀeɗu neɀiʋi ɀeɗu, mutigamucirei, tiʋe nhaka yenyu. |
|
| 10 |
|
| Jehoʋa akati: Tarira, ndinoita suŋgano newe; ndicaita pamberi paʋanhu ʋako ɀinoshamisa, ɀisina‐kumboitwa panyika yose, kana kundudzi dzose; kuti ʋanhu ʋose ʋauri pakati paʋo ʋaʋone ɓasa raJehova, nokuti ndinoita cinhu cinotyisa newe. |
|
| 11 |
|
| Raŋgarira ɀandinokuraira nhasi: Tarira, ndodziŋga pamberi pako ʋaAmori, naʋaKanani, naʋaHeti, naʋaPerezi, naʋaHivi, naʋaJebusi. |
|
| 12 |
|
| Cenjera kuti urege kuita suŋgano naʋanhu ʋagere munyika iyo kwaunoenda, kuti ɀirege kuʋa musuŋgo kwauri; |
|
| 13 |
|
| asi munofanira kuputsa artari dzaʋo, nokuputsanya mabge emifananidzo yaʋo, nokutema matanda aʋo aʋanonamata nawo; |
|
| 14 |
|
| nokuti usafugamira ʋamŋe ʋamŋari, nokuti Jehova, unezita rinonzi Unegoɗo, ndiMŋari unegoɗo; |
|
| 15 |
|
| kuti urege kuita suŋgano naʋanhu ʋagere munyika iyo, ɀino kana iʋo ʋopata ʋaciteʋera ʋamŋari ʋaʋo, ʋaciɓayira ʋamŋari ʋaʋo, mumŋe akuɗane kuti udye nyama yeɀiɓayiro ɀake; |
|
| 16 |
|
| iwe ukatorera ʋanakomana ʋako ʋakunda ʋaʋo, ɀino kana ʋakunda ʋaʋo ʋopata ʋaciteʋera ʋamŋari ʋaʋo, ʋapatise ʋanakomana ʋako ʋo ʋateʋere ʋamŋari ʋaʋo. |
|
| 17 |
|
| Usaɀiitira ʋamŋari ʋakaʋumbga. |
|
| 18 |
|
| Uite mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa. Unofanira kudya ɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe, seɀandakakuraira neŋguʋa yakatarwa pamŋedzi weAbibi, nokuti wakaɓuɗa paEgipita pamŋedzi weAbibi. |
|
| 19 |
|
| Ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro ndeɀaŋgu, napaɀipfuwo ɀako ɀikono ɀose ɀinotaŋga kuzarura ciɀaro, kana paŋombe kana pamakwai; |
|
| 20 |
|
| mŋana wokutaŋga wemboŋgoro unofanira kuudzikinura negwaiana; kana usiŋgaɗi kuudzikinura, unofanira kuvuna mutsipa wawo. Mataŋgwe ose paʋanakomana ʋako unofanira kuʋadzikinura. Kurege kuʋa nomunhu unoʋuya pamberi paŋgu asinecinhu. |
|
| 21 |
|
| Unofanira kuɓata mazuʋa matanhatu, asi nezuʋa recinomŋe uzorore, neŋguʋa yokurima neyokukohwa uzorore. |
|
| 22 |
|
| Unofanira kuraŋgarira mutambo wamaviki, weɀitȿa ɀekoroni inokohwiwa, nomutambo wokuʋuŋganidza pakupera kwegore. |
|
| 23 |
|
| Ʋarume ʋako ʋose ŋgaʋaʋuye pamberi paShe Mŋari, iye Mŋari waIsraeri, katatu negore. |
|
| 24 |
|
| Nokuti ndicadziŋga ndudzi pamberi pako, ndikurise miganhu yako; hakuŋgaʋi nomunhu ucaciʋa nyika yako, kana ucikwira katatu pagore kuti uɀiratidze pamberi paJehova, Mŋari wako. |
|
| 25 |
|
| Usaʋuya neropa reciɓayiro caŋgu pamŋe cete neciŋgwa cakaʋiriswa; ʋuye ciɓayiro comutambo wepaseka ŋgacirege kuʋata ʋusiku kuȿikira maŋgwana. |
|
| 26 |
|
| Ɀokutaŋga ɀeɀitȿa ɀomunda wako unofanira kuʋuya naɀo kumba kwaJehova Mŋari wako. Usaɓika mbudzana mumukaka wamai ʋayo. |
|
| 27 |
|
| Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Nyora mashoko iwaya, nokuti ndaita suŋgano newe naʋaIsraeri seɀinoreʋa mashoko iwaya. |
|
| 28 |
|
| Akaʋa’ko kunaJehova mazuʋa anamakumi manna noʋusiku ʋunamakumi manna; wakaŋga asiŋgadyi ɀokudya, kana kunwa mvura. Akanyora pamahwendefa mashoko esuŋgano, iyo mirairo inegumi. |
|
| 29 |
|
| Ɀino Mosesi wakati aciɓuruka pagomo reSinai, Mosesi akaɓata mahwendefa maʋiri ecipupuriro mumaʋoko ake, Mosesi wakaŋga asiŋgaziʋi, aciɓuruka pagomo, kuti ganda reciso cake rakaŋga ricibginya ɀaakaŋga ataura naye. |
|
| 30 |
|
| Ɀino Aroni naʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakati ʋaciʋona Mosesi, ʋakaʋona ganda reciso cake ricibginya, ʋakatya kusweɗera kwaari; |
|
| 31 |
|
| ipapo Mosesi akaʋaɗana, Aroni naʋakuru ʋose ʋeʋuŋgano ʋakadzokera kwaari, Mosesi akataura naʋo. |
|
| 32 |
|
| Pashure ʋana ʋaIsraeri ʋose ʋakasweɗera, iye akaʋaraira ɀose ɀaakaŋga aʋudzwa naJehova pagomo reSinai. |
|
| 33 |
|
| Ɀino Mosesi wakati apedza kutaura naʋo akaisa cifukidzo paciso cake. |
|
| 34 |
|
| Asi kana Mosesi opinda pamberi paJehova kundotaura naye, waibvisa cifukidzo kuȿikira aciɓuɗa; ɀino woɓuɗa, ndokuʋudza ʋana ʋaIsraeri ɀarairwa. |
|
| 35 |
|
| Ʋana ʋaIsraeri ʋakaʋona ciso caMosesi, kuti ganda reciso caMosesi raibginya; ɀino Mosesi wodzosera ɀe cifukidzo paciso cake, kuȿikira opinda kundotaura naye. |
|
|
|
|