|
| 1 |
|
| Zvino Mosesi wakaunganidza ungano yose yavana vaIsiraeri, akati kwavari, “Ndiwo mashoko akarairwa naJehovha kuti muaite. |
|
| 2 |
|
| Mabasa ose ngaabatwe namazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe rinofanira kuva kwamuri zuva dzvene, Sabata rokuzorora kwazvo pamberi paJehovha; ani naani anobata basa ripi neripi naro, ngaaurawe. |
|
| 3 |
|
| Regai kuvesa moto padzimba dzenyu dzose nezuva reSabata.” |
|
| 4 |
|
| Mosesi akataura neungano yose yavana vaIsiraeri, akati, “Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha, achiti, |
|
| 5 |
|
| ‘Ripirai Jehovha chipo pazvinhu zvenyu; ani naani ane mwoyo unoda, ngaauye nacho, chive chipo chaJehovha, zvinoti: Ndarama, nesirivha, nendarira, |
|
| 6 |
|
| nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi, |
|
| 7 |
|
| namatehwe amakondohwe akazodzwa zvitsvuku, namatehwe amatenhe, namatanda omuakasia, |
|
| 8 |
|
| namafuta omwenje, nezvinonhuwira zvamafuta okuzodza, noupfu hunonhuwira, |
|
| 9 |
|
| nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi napahombodo yechipfuva. |
|
| 10 |
|
| “ ‘Varume vose pakati penyu vane mwoyo yakachenjera ngavauye, vaite zvose zvakarairwa naJehovha; |
|
| 11 |
|
| zvinoti: Tabhenakeri netende rayo, nechifukidzo chayo, nezvikorekedzo zvayo, namapuranga ayo, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvayo; |
|
| 12 |
|
| neareka, namatanda ayo, nechifunhiro chokuyananisa, nechidzitiro chinodzitira, |
|
| 13 |
|
| netafura, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nechingwa chokuratidza, |
|
| 14 |
|
| nechigadziko chemwenje yokuvheneka nayo, nenhumbi dzacho, nemwenje yacho, namafuta okuvhenekesa nawo, |
|
| 15 |
|
| neatari yezvinonhuwira, namatanda ayo, namafuta okuzodza nawo, noupfu hunonhuwira, nechidzitiro chomukova pamukova wetabhenakeri, |
|
| 16 |
|
| neatari yezvipiriso zvinopiswa, nechakarukwa chayo chendarira, namatanda ayo, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, nechigadziko chawo, |
|
| 17 |
|
| nezvidzitiro zvoruvanze, nembiru dzazvo, nezvigadziko zvadzo, nechidzitiro chesuo roruvanze, |
|
| 18 |
|
| nembambo dzetabhenakeri, nembambo dzoruvanze, netambo dzadzo, |
|
| 19 |
|
| nenguo dzakarukwa zvakanaka dzokushumira nadzo panzvimbo tsvene, nenguo tsvene dzaAroni mupristi, nenguo dzavanakomana vake dzokushumira nadzo pabasa roupristi.’ ” |
|
| 20 |
|
| Zvino ungano yose yavana vaIsiraeri yakabva kuna Mosesi, |
|
| 21 |
|
| vakauya, mumwe nomumwe wakamutswa nomwoyo wake, nomumwe nomumwe wakatendiswa nomweya wake, vakauya nechipo chaJehovha, chokubata basa retende rokusangana namabasa aro ose, nenguo tsvene. |
|
| 22 |
|
| Vakauya varume navakadzi, vose vaiva nemwoyo yakanga ichida, vakauya nezvikorekedzo, nezvindori zvenzeve, nezvindori zvokusimbisa, nezvishongo zvamaoko, nezvishongo zvose zvendarama; mumwe nomumwe wakavigira Jehovha chipo chendarama. |
|
| 23 |
|
| Murume mumwe nomumwe waiva nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, nemvere dzembudzi, namatehwe amakondohwe akazodzwa zvitsvuku, namatehwe amatenhe, wakauya nazvo. |
|
| 24 |
|
| Mumwe nomumwe waigona kuripa chipo chesirivha nechendarira wakauya nechipo chaJehovha; mumwe nomumwe waiva namatanda omuakasia, avaigona kubata nawo, wakauya nawo. |
|
| 25 |
|
| Vakadzi vose vaiva nemwoyo yakangwara vakaruka namaoko avo, vakauya nezvavakaruka, zvaiti: Zvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka. |
|
| 26 |
|
| Vakadzi vose vakanga vamutswa nemwoyo yavo kuva vakachenjera vakaruka mvere dzembudzi. |
|
| 27 |
|
| Navakuru vakauya nezvibwe zveonikisi, nezvibwe zvokuisa paefodhi, napahombodo yechipfuva, |
|
| 28 |
|
| nemiti inonhuwira, namafuta okuvhenekesa nawo, nezvokuzodza nazvo, noupfu hunonhuwira. |
|
| 29 |
|
| Vana vaIsiraeri vakauya nemwoyo yavo nezvipo zvokupa Jehovha; murume mumwe nomumwe nomukadzi mumwe nomumwe waitendiswa nomwoyo wake kuti avigire zvokubata nazvo basa rose rakanga rarairwa naJehovha, kuti riitwe naMosesi. |
|
| 30 |
|
| Zvino Mosesi akati kuvana vaIsiraeri, “Tarirai, Jehovha wakadana nezita rake Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, |
|
| 31 |
|
| akamuzadza noMweya waMwari ave nokuchenjera, nokunzwisisa, nokuziva kwose, nokugona marudzi ose amabasa, |
|
| 32 |
|
| kuti afunge mano oumhizha, nokubata nendarama, nesirivha, nendarira, |
|
| 33 |
|
| nokuveza mabwe anoiswa mukati, nokuveza matanda, nokugona kubata mabasa ose oumhizha. |
|
| 34 |
|
| Akaisa mumwoyo make uchenjeri hwokudzidzisa vamwe, iye naOhoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani. |
|
| 35 |
|
| Akavazadza nokuchenjera kwomwoyo, kuti vagone kubata mabasa ose omuvezi wamabwe, neemhizha, naavasoni vezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka, naavaruki vanobata mabasa ose, naavose vanofunga mano amabasa oumhizha.” |
|
|
|
|