|
| 1 |
|
| “Zvino Bhezareri naOhoriabhu vanofanira kubata basa pamwechete navarume vose vane mwoyo yakangwara, vakapiwa naJehovha kuchenjera nokunzwisisa kuti vazive kubata mabasa ose okushuma panzvimbo tsvene, zvose zvakarairwa naJehovha.” |
|
| 2 |
|
| Zvino Mosesi akadana Bhezareri naOhoriabhu, navarume vose vaiva nemwoyo yakangwara, vakapiwa kuchenjera mumwoyo yavo naJehovha, vose vakanga vamutswa nemwoyo yavo, kuti vauye kuzobata basa; |
|
| 3 |
|
| vakapiwa naMosesi zvipo zvose zvakanga zvauyiswa navana vaIsiraeri, zvokubatisa nazvo basa rokushuma panzvimbo tsvene. Asi ivo vakaramba vachiuya nemwoyo yavo kwaari mangwanani ose nezvipo zvavo. |
|
| 4 |
|
| Zvino varume vose vakachenjera, vakanga vachibata mabasa ose enzvimbo tsvene, vakabva mumwe nomumwe pabasa rake raakanga achiita, |
|
| 5 |
|
| vakataura naMosesi, vachiti, “Vanhu vanouya nezvakawandisa kupfuura zvinokwana kuita basa rakarairwa naJehovha kuti riitwe.” |
|
| 6 |
|
| Mosesi akaraira kuti shoko riparidzwe kumisasa, rokuti, “Kunyange murume kana mukadzi ngaarege kuzoitazve basa rimwe nezvipo zvokupa nzvimbo tsvene.” Naizvozvo vanhu vakadziviswa kuzouya nezvimwe. |
|
| 7 |
|
| Nokuti zvavakanga vanazvo, zvakakwanira mabasa ose avaifanira kuita, zvimwe zvikasara. |
|
| 8 |
|
| Zvino varume vose vaiva nemwoyo yakangwara pakati pavabati vakaita tabhenakeri namachira ane gumi; vakazviita nemicheka yakarukwa yakaisvonaka, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, zvinamakerubhi; raiva basa romubati waigona kubata. |
|
| 9 |
|
| Kureba kwejira rimwe kwaiva makubhiti makumi maviri namasere, noupamhi hwejira rimwe makubhiti mana; machira ose akanga akaenzana. |
|
| 10 |
|
| Akabatanidza machira mashanu pamwechete, namamwe machira akaabatanidza pamwechetezve. |
|
| 11 |
|
| Akaita zvishwe zvitema pamupendero wejira rokupedzisira panaakabatanidzwa pamwechete; akaitawo saizvozvo pamupendero wejira rokupedzisira pana mamwe akabatanidzwa pamwechete. |
|
| 12 |
|
| Akaitawo zvishwe zvina makumi mashanu pajira rimwe, nezvishwe zvina makumi mashanuzve pamupendero wejira ramamwe akabatanidzwa pamwechete; zvishwe zvakanga zvakatarisana. |
|
| 13 |
|
| Akaitawo zvikorekedzo zvendarama zvina makumi mashanu, akabatanidza machira nezvikorekedzo izvozvo; naizvozvo tabhenakeri ikava chinhu chimwe chete. |
|
| 14 |
|
| Akaitawo machira emvere dzembudzi, rikava tende pamusoro petabhenakeri; akaita machira ane gumi nerimwe. |
|
| 15 |
|
| Kureba kwejira rimwe nerimwe kwaiva makubhiti ana makumi matatu, noupamhi hwejira rimwe nerimwe makubhiti mana; machira ane gumi nerimwe akanga akaenzana. |
|
| 16 |
|
| Akabatanidza machira mashanu pamwechete, namachira matanhatu pamwechetezve; |
|
| 17 |
|
| akaita zvishwe zvina makumi mashanu pamupendero wejira rimwe rokupedzisira panaakabatanidzwa pamwechete, nezvimwe zvishwe zvina makumi mashanuzve pamupendero wejira rokupedzisira pana mamwe akabatanidzwa pamwechetezve. |
|
| 18 |
|
| Akaitawo zvikorekedzo zvina makumi mashanu zvendarira zvokubatanidza tende, kuti chive chinhu chimwe chete. |
|
| 19 |
|
| Akaitirawo tende chifukidzo chamatehwe amakondohwe akazodzwa muti mutsvuku, nechifukidzo chamatehwe amatenhe pamusoro paizvozvo. |
|
| 20 |
|
| Akaitirawo tabhenakeri mapuranga omuakasia akamiswa. |
|
| 21 |
|
| Kureba kwepuranga rimwe kwaiva makubhiti ane gumi, noupamhi hwepuranga rimwe nerimwe hwaiva kubhiti rimwe nehafu. |
|
| 22 |
|
| Puranga rimwe nerimwe rakaitirwa zvibato zviviri zvakabatanidzwa; akaita mapuranga ose etabhenakeri saizvozvo. |
|
| 23 |
|
| Akaita mapuranga etabhenakeri ana makumi maviri okurutivi rwezasi, akatarira zasi. |
|
| 24 |
|
| Akaitawo zvigadziko zvesirivha zvina makumi mana pasi pamapuranga ana makumi maviri, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe pazvibato zvaro zviviri. |
|
| 25 |
|
| Akaita mapuranga ana makumi maviri kurutivi rwechipiri rwetabhenakeri kurutivi rwokumusoro, |
|
| 26 |
|
| nezvigadziko zvawo zvesirivha zvina makumi mana, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe, nezvigadziko zviviri pasi perimwe purangazve. |
|
| 27 |
|
| Akaitawo mapuranga matanhatu kurutivi rwemberi rwetabhenakeri kumavirazuva. |
|
| 28 |
|
| Akaitawo mapuranga maviri kumakona etabhenakeri kurutivi rwemberi. |
|
| 29 |
|
| Akanga akaita maviri nechenyasi; saizvozvozve akanga akaita maviri akabatanidzwa kusvikira kumusoro kuchindori chokutanga; saizvozvo akaaitira ose maviri pamakona maviri. |
|
| 30 |
|
| Akava mapuranga masere ane zvigadziko zvawo zvesirivha, zvikava zvigadziko zvine gumi nezvitanhatu, zvigadziko zviviri pasi pepuranga rimwe nerimwe. |
|
| 31 |
|
| Akaitawo mbariro dzomuakasia, shanu dzamapuranga orumwe rutivi rwetabhenakeri, |
|
| 32 |
|
| nembariro shanuzve dza-mapuranga etabhenakeri kurutivi rwemberi kumavirazuva. |
|
| 33 |
|
| Akaitawo rumbariro rwapakati rwaiva pakati pamapuranga rwaibva kuno rumwe rutivi rukandosvikira kuno rumwe rutivi. |
|
| 34 |
|
| Akafukidza mapuranga nendarama, akaita zvindori zvawo zvendarama, kuti mbariro dzigarepo, akafukidzawo mbariro nendarama. |
|
| 35 |
|
| Akaitawo chidzitiro nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; akachiita namakerubhi, rikava basa romunhu anogona. |
|
| 36 |
|
| Akachiitira mbiru ina dzomuakasia, akadzifukidza nendarama; zvikorekedzo zvadzo zvakanga zviri zvendarama, akadziumbirawo zvigadziko zvina zvesirivha. |
|
| 37 |
|
| Akaitirawo mukova weTende chidzitiro chezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; rakanga riri basa romusoni anogona. |
|
| 38 |
|
| Uye mbiru dzacho shanu nezvikorekedzo zvadzo; akafukidza misoro yadzo nezvindori zvadzo nendarama; nezvigadziko zvadzo zvakanga zviri zvendarira. |
|
|
|
|