|
| 1 |
|
| Zvino Bhezareri akaita areka yamatanda omuakasia; kureba kwayo kwaiva makubhiti maviri nehafu, noupamhi hwayo kubhiti rimwe nehafu, nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu; |
|
| 2 |
|
| akaifukidza nendarama yakaisvonaka nechomukati nechokunze, akaita pamusoro payo hata yendarama yakaipoteredza. |
|
| 3 |
|
| Akaiumbira zvindori zvina zvendarama, akazviisa pamakumbo ayo mana; zvindori zviviri zvaiva parutivi rumwe, nezvindori zviviri panorumwe rutivizve. |
|
| 4 |
|
| Akaveza matanda omuakasia, akaafukidza nendarama, |
|
| 5 |
|
| akapinza matanda iwayo muzvindori zvaiva panhivi dzeareka, kuti areka itakurwe nawo. |
|
| 6 |
|
| Akaitawo chifunhiro chokuyananisa nendarama yakaisvonaka; kureba kwacho kwaiva makubhiti maviri nehafu, noupamhi hwacho kubhiti rimwe nehafu; |
|
| 7 |
|
| akaita makerubhi maviri endarama, akaaita nendarama yakapambadzirwa pamiromo miviri yechifunhiro chokuyananisa, |
|
| 8 |
|
| kerubhi rimwe pamuromo mumwe, nerimwe kerubhi panomumwe muromo; akaita makerubhi pamiromo yacho miviri, zvikava chinhu chimwe chete nechifunhiro chokuyananisa. |
|
| 9 |
|
| Makerubhi akanga akatambanudzira mapapiro awo kumusoro, akafukidza chifunhiro chokuyananisa namapapiro awo, zviso zvawo zvakatarisana; zviso zvamakerubhi zvakanga zvakatarira chifunhiro chokuyananisa. |
|
| 10 |
|
| Akaitawo tafura yamatanda omuakasia; kureba kwayo kwaiva makubhiti maviri, noupamhi hwayo kubhiti rimwe, nokukwirira kwayo kubhiti rimwe nehafu. |
|
| 11 |
|
| Akaifukidza nendarama yakaisvonaka, akaiitirawo hata yendarama yakanga ichiipoteredza; |
|
| 12 |
|
| akaiitirawo ukomba hwakanga huchiipoteredza, upamhi hwahwo sechanza; akaiitirawo hata yendarama yaipoteredza ukomba hwayo. |
|
| 13 |
|
| Akaiitira zvindori zvina zvendarama, akaisa zvindori pamakona mana aiva pamakumbo ayo mana. |
|
| 14 |
|
| Zvindori zvaiva pedyo noukomba, paiva pokutakura tafura napo namatanda. |
|
| 15 |
|
| Akaita matanda omuakasia, akaafukidza nendarama, kuti tafura itakurwe nawo. |
|
| 16 |
|
| Akaitawo midziyo yaigara pamusoro petafura, ndiro dzayo, nembiya dzayo, nemikombe yayo, nezvirongo zvayo zvokudira nazvo, zvose zvendarama yakaisvonaka. |
|
| 17 |
|
| Akaitawo chigadziko chemwenje chendarama yakaisvonaka; akaita chigadziko nendarama yakapambadzirwa, chigadziko chacho, nehunde yacho, notumbiya twacho, namafundo acho, namaruva acho; zvose zvikava chinhu chimwe chete nacho; |
|
| 18 |
|
| kumativi acho kukabuda matavi matanhatu, matavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho, namatavi matatu echigadziko kuno rumwe rutivi rwacho. |
|
| 19 |
|
| Tumbiya tutatu twakaumbwa samaruva omuamanda padavi rimwe, nefundo neruva, notumbiya tutatuzve twakaumbwa samaruva omuamanda pane rimwe davi, nefundo neruva; saizvozvo matavi matanhatu akabuda pachigadziko. |
|
| 20 |
|
| Uye pachigadziko pakanga panotumbiya tuna twakanga twakaumbwa samaruva omuamanda, namafundo atwo, namaruva atwo; |
|
| 21 |
|
| nefundo panyasi pamatavi maviri akanga akaumbwa pamwechete nacho; nefundozve panyasi pamatavi maviri akaumbwa pamwechete nacho, akafanana namatavi matanhatu akabuda pachigadziko. |
|
| 22 |
|
| Mafundo azvo namatavi azvo akanga akaumbwa pamwechete nazvo, zvose zvikava chinhu chimwe chakanga chakumbwa nendarama yakaisvonaka, yakapambadzirwa. |
|
| 23 |
|
| Akaita mwenje yacho minomwe, nembato dzacho, nendiro dzacho, zvose nendarama yakaisvonaka. |
|
| 24 |
|
| Akachiumba netarenda rendarama yakaisvonaka, pamwechete nemidziyo yayo yose. |
|
| 25 |
|
| Akaitawo atari yezvinonhuwira nomuakasia; kureba kwayo kwakanga kuri kubhiti rimwe, noupamhi hwayo kubhiti rimwezve; nhivi dzose ina dzakanga dzakaenzana; kukwirira kwayo kwaiva makubhiti maviri, nenyanga dzayo dzakanga dziri chinhu chimwe chete nayo. |
|
| 26 |
|
| Akaifukidza nendarama yakaisvonaka, kumusoro kwayo, nenhivi dzayo dzose, nenyanga dzayo; akaiitirawo hata yendarama yakanga yakaipoteredza. |
|
| 27 |
|
| Akaiitirawo zvindori zviviri zvendarama pasi pehata yayo, pakona dzayo mbiri panhivi dzayo mbiri, pakava pokuitakura napo namatanda. |
|
| 28 |
|
| Akaitawo matanda omuakasia, akaafukidza nendarama. |
|
| 29 |
|
| Akaitawo mafuta matsvene okuzodza nawo, nezvinonhuwira zvakaisvonaka zvemiti inonaka, zvikava zvakavhenganiswa nouchenjeri hwomuvhenganisi wezvinonhuwira. |
|
|
|
|