Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Akaita atari yezvibayiro zvinopiswa nomuakasia; kureba kwayo kwaiva makubhiti mashanu, noupamhi hwayo makubhiti mashanu; yakanga ine nhivi ina dzakanga dzakaenzana, nokukwirira kwayo kwaiva makubhiti matatu. |
| 2 |
| Akaitawo nyanga dzayo pamakona ayo mana, nyanga dzayo dzikava chinhu chimwe chete nayo; akaifukidza nendarira. |
| 3 |
| Akaita nhumbi dzose dzeatari, hari, nefoshoro, nemidziyo, nezvikokonho zvenyama, nezvaenga zvomoto, nhumbi dzose akadziita nendarira. |
| 4 |
| Akaitirawo atari chakarukwa chendarira, chakarukwa samambure, pasi pechitsiko chakaipoteredza nechenyasi, chakasvikira pakati payo. |
| 5 |
| Akaitira makona mana echakarukwa chendarira zvindori zvina paiva pokutakura napo namatanda. |
| 6 |
| Akaita matanda omuakasia, akaafukidza nendarira. |
| 7 |
| Akaisa matanda mukati mezvindori zvaiva panhivi dzeatari, kuti itakurwe nawo; akaiita namapuranga, ikasava nechinhu mukati. |
| 8 |
| Akaitawo mudziyo wokushambidzira wendarira, nechigadziko chawo chendarira, nezvionioni zvavakadzi vaishandira pamukova wetende rokusangana. |
| 9 |
| Akaitawo ruvanze; kurutivi rwezasi, rwakatarira zasi, kwakanga kunezvirembedzwa zvemicheka yakaisvonaka yakarukwa, makubhiti ane zana; |
| 10 |
| mbiru dzayo dzakanga dzina makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvina makumi maviri zvendarira, nezvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvaiva zvesirivha. |
| 11 |
| Kurutivi rwokumusoro kwaiva namakubhiti ane zana, nembiru dzayo dzina makumi maviri, nezvigadziko zvadzo zvina makumi maviri zvendarira, nezvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvaiva zvesirivha. |
| 12 |
| Kurutivi rwamavirazuva kwakanga kune zvirembedzwa zvemicheka zvinamakubhiti ana makumi mashanu, nembiru dzazvo dzine gumi, nezvigadziko zvadzo zvine gumi; zvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvaiva zvesirivha. |
| 13 |
| Kurutivi rwamabvazuva kunotarira kumabvazuva kwaiva namakubhiti makumi mashanu. |
| 14 |
| Zvirembedzwa zvemicheka kurutivi rumwe rwesuo zvakanga zvinamakubhiti ane gumi namashanu, nembiru dzazvo nhatu, nezvigadziko zvadzo zvitatu. |
| 15 |
| Nokuno rumwe rutiviwo; kurutivi rumwe norumwe rwesuo roruvanze kwakanga kune zvirembedzwa zvemicheka zvinamakubhiti ane gumi namashanu, nembiru dzazvo nhatu, nezvigadziko zvadzo zvitatu. |
| 16 |
| Zvirembedzwa zvose zvemicheka paruvanze zvaipotedza nhivi dzose, zvaiva zvomucheka wakaisvonaka wakarukwa. |
| 17 |
| Nezvigadziko zvembiru zvaiva zvendarira, nezvikorekedzo zvembiru nezvindori zvadzo zvaiva zvesirivha; nemisoro yadzo yakanga yakafukidzwa nesirivha; mbiru dzose dzoruvanze dzakanga dzakabatanidzwa nezvindori zvesirivha. |
| 18 |
| Chidzitiro chesuo roruvanze chakanga chakaitwa nomusoni, nezvakarukwa zvitema, nezvishava, nezvitsvuku, nomucheka wakaisvonaka wakarukwa; kureba kwacho kwaiva namakubhiti ana makumi maviri, nokukwirira paupamhi hwacho makubhiti mashanu, zvakafanana nezvirembedzwa zvemicheka paruvanze. |
| 19 |
| Mbiru dzayo dzaiva ina, nezvigadziko zvadzo zvina zvendarira; zvikorekedzo zvadzo zvaiva zvesirivha, misoro yadzo nezvindori zvadzo zvakanga zvakafukidzwa nesirivha. |
| 20 |
| Mbambo dzose dzetabhenakeri nedzoruvanze, rwakanga ruchiipoteredza kunhivi dzose, dzaiva dzendarira. |
| 21 |
| Ndiko kuwanda kwezvinhu zvetabhenakeri, zvetabhenakeri yechipupuriro, pakuverengwa kwazvo nokuraira kwaMosesi; vaRevhi vakaita basa iro vachirairwa naItamari, mwanakomana waAroni mupristi. |
| 22 |
| Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, wakaita zvose zvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha, |
| 23 |
| anaOhoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, muvezi nomubati wakachenjera, nomusoni wezvakarukwa zvitema, nezvishava, zvitsvuku, nemicheka yakaisvonaka. |
| 24 |
| Ndarama yose yavaibatisa nayo mabasa ose apaimba tsvene, iyo ndarama yezvipo, aiva matarenda ana makumi maviri namapfumbamwe, namashekeri ana mazana manomwe namakumi matatu, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene. |
| 25 |
| Nesirivha yaivo vakanga vachiverengwa paungano aiva matarenda ane zana, namashekeri ane chiuru chimwe namazana manomwe namakumi manomwe namashanu, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene. |
| 26 |
| Munhu mumwe nomumwe wakaripa bheka rimwe, iri hafu yeshekeri rimwe, zvichienzaniswa neshekeri rapaimba tsvene; mumwe nomumwe wakadarika kuna vakaverengwa, wakanga ana makore makumi maviri, kana wakapfuura makore iwayo, vakanga vari varume vane zviuru zvina mazana matanhatu nezvitatu namazana mashanu namakumi mashanu. |
| 27 |
| Namatarenda esirivha ane zana aiva okuumbisa nawo zvigadziko zvapaimba tsvene nezvigadziko zvechidzitiro; zvigadziko zvine zana zvakaitwa namatarenda ane zana, chigadziko chimwe nechimwe netarenda rimwe. |
| 28 |
| Namashekeri ane chiuru chimwe namazana manomwe namakumi manomwe namashanu wakaita zvikorekedzo zvembiru, akafukidza misoro yadzo, nokuzviitirawo zvindori. |
| 29 |
| Ndarira yezvipo yakanga ina matarenda ana makumi manomwe namashekeri ane zviuru zviviri namazana mana. |
| 30 |
| Nayo wakaita zvigadziko zvomukova wetende rokusangana, neatari yendarira, nechakarukwa chayo chendarira, nenhumbi dzose dzapaatari, |
| 31 |
| nezvigadziko zvose zvoruvanze rwakanga rwakapotedza, nezvigadziko zvesuo roruvanze, nembambo dzose dzetabhenakeri, nembambo dzose dzoruvanze rwakanga rwakapoteredza. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/exodus/038.mp3
40
38