|
| 1 |
|
| Zvino Mozisi akapindura akati, "Asi tarirai, havanganditendi, kana kuteerera inzwi rangu, nokuti vachati, `Jehovha haana kuzviratidza kwauri.' " |
|
| 2 |
|
| Jehovha akati kwaari, "Chiiko icho chiri muruoko rwako?" Akati, "Itsvimbo." |
|
| 3 |
|
| Akati, "Ikandire pasi." Akaikandira pasi, ikashanduka kuva nyoka, Mozisi akaitiza. |
|
| 4 |
|
| Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Tambanudza ruoko rwako, uibate parumhinda; (iye akatambanudza ruoko rwake, akaibata, ikashanduka kuva tsvimbo muruoko rwake); |
|
| 5 |
|
| kuti vatende kuti ndini Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, akazviratidza kwauri." |
|
| 6 |
|
| Jehovha akatiwo kwaari, "Isa ruoko rwako muchipfuva chako." Akaisa ruoko rwake muchipfuva chake; zvino akati achirubvisa, onei ruoko rwake rwava namaperembudzi rwati mbembe sechando. |
|
| 7 |
|
| Akati, "Isa ruoko rwako muchipfuva chakozve. (Iye akaisa ruoko rwake muchipfuva chakezve; zvino akati achirubvisa muchipfuva chake, onei rwashandukazve senyama yake.) |
|
| 8 |
|
| Zvino kana vachiramba kukutenda, kana kuteerera inzwi rechiratidzo chokutanga, vachatenda inzwi rechiratidzo chechipiri. |
|
| 9 |
|
| Zvino kana vachiramba kutenda zviratidzo izvo zviviri, kana kutenda inzwi rako, uchere mvura yomurwizi, uidururire pakaoma, ipapo mvura yawachera ichashanduka ropa ipapo pakaoma." |
|
| 10 |
|
| Zvino Mozisi akati kuna Jehovha, "Haiwa, Jehovha, handizi munhu anogona kutaura zvakanaka, kunyange zuro, kana zuro riya, kana kubva panguva yamakataura nomuranda wenyu; nokuti ndiri munhu anomuromo usingagoni norurimi rusingagoni." |
|
| 11 |
|
| Jehovha akati kwaari, "Ndianiko akaita muromo womunhu, ndianiko anoita mbeveve kana matsi, kana anoona, kana bofu? Ko handizi Jehovha here? |
|
| 12 |
|
| Naizvozvo zvino chienda, ini ndichava muromo wako, ndikudzidzise zvaunofanira kutaura." |
|
| 13 |
|
| Iye akati, "Haiwa, Ishe, tumai henyu wamunoda kutuma naye." |
|
| 14 |
|
| Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakamukira Mozisi, akati, "Ko Aroni, mukoma wako, muRevhi, haapo here? Ndinoziva kuti iye anogona kutaura kwazvo. Zvino tarira, wotobuda kusangana newe; kana achikuona achafara mumoyo make. |
|
| 15 |
|
| Utaure naye, ugoisa mashoko mumuromo make; ini ndichava nomuromo wako, uye nomuromo wake, ndikudzidzisei zvamunofanira kuita. |
|
| 16 |
|
| "Iye achataura navanhu panzvimbo yako, agova muromo wako, iwe uchava saMwari kwaari. |
|
| 17 |
|
| Zvino tora tsvimbo iyi muruoko rwako, ugoita zviratidzo nayo." |
|
| 18 |
|
| Zvino Mozisi akaenda, akadzokera kuna Jeturo, mukarabwe wake, akati kwaari, "Donditenderai henyu kuenda, ndidzokere kuhama dzangu Ijipiti, ndindoona kana vachiri vapenyu." Jeturo akati kuna Mozisi, "Enda hako norugare." |
|
| 19 |
|
| Zvino Jehovha akati kuna Mozisi paMidhiani, "Enda, udzokere Ijipiti, nokuti vanhu vose vaitsvaka kukuuraya vakafa." |
|
| 20 |
|
| Ipapo Mozisi akatora mukadzi wake navana vake vavakomana, akavatasvisa pambongoro, akadzokera kunyika yeIjipiti; Mozisi akatora tsvimbo yaMwari muruoko rwake. |
|
| 21 |
|
| Jehovha akati kuna Mozisi, "Kana wodzokera Ijipiti, chenjera kuti uite pamberi paFarao zvishamiso zvose zvandaisa muruoko rwako; asi ndichaomesa moyo wake, kuti arege kutendera vanhu kuenda. |
|
| 22 |
|
| Zvino undoti kuna Farao, `Zvanzi naJehovha, Isiraeri, mwanakomana wangu, idangwe rangu'; |
|
| 23 |
|
| ndakati kwauri, `Tendera mwanakomana wangu kuenda andinamate'; iwe ukaramba kumutendera; zvino tarira ndichauraya mwanakomana wako wedangwe." |
|
| 24 |
|
| Zvino vachiri panzira, pavakanga vavata, Jehovha akasangana naye, akatsvaka kumuuraya. |
|
| 25 |
|
| Ipapo Zipora akatora ibwe rinopinza, akacheka rukanda rwapamberi rwomwanakomana wake, akarukanda patsoka dzake akati, "Zvirokwazvo, uri chikomba cheropa kwandiri." |
|
| 26 |
|
| Naizvozvo akamurega. Ipapo akati, "Uri chikomba cheropa nokuda kokudzingiswa." |
|
| 27 |
|
| Zvino Jehovha akati kuna Aroni, "Enda kurenje undosangana naMozisi." Iye akaenda, akandosangana naye pagomo raMwari, akamutsvoda. |
|
| 28 |
|
| Ipapo Mozisi akaudza Aroni mashoko ose aJehovha, aakanga amutuma nawo, nezviratidzo zvose zvaakanga amuraira. |
|
| 29 |
|
| Mozisi naAroni vakaenda, vakaunganidza vakuru vose vavana valsiraeri. |
|
| 30 |
|
| Aroni akataura mashoko ose akataurwa naJehovha kuna Mozisi, akaita zviratidzo pamberi pameso avanhu. |
|
| 31 |
|
| Vanhu vakatenda; zvino vakati vanzwa kuti Jehovha washanyira vana vaIsiraeri, akaona kunetswa kwavo, vakakotamisa misoro yavo, vakanamata Jehovha. |
|
|
|
|