|
| 1 |
|
| Ɀino Mosesi akapindura, akati: Asi tarirai, haʋaŋganditendi, kana kuterera inzwi raŋgu, nokuti ʋacati: Jehova haana‐kuɀiratidza kwauri. |
|
| 2 |
|
| Jehova akati kwaari: Cinyiko ico ciri muruʋoko rwako? Akati: Itȿimbo. |
|
| 3 |
|
| Akati: Ikandire pasi. Akaikandira pasi, ikashanduka nyoka, Mosesi akaitiza. |
|
| 4 |
|
| Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tambanudza ruʋoko rwako, uiɓate parumhinda; (iye akatambanudza ruʋoko rwake, akaiɓata, ikashanduka tȿimbo muruʋoko rwake); |
|
| 5 |
|
| kuti ʋatende kuti ndini Jehova, Mŋari wamadziɓaɓa aʋo, Mŋari waAbrahama, naMŋari waIsaka, naMŋari waJakobo, wakaɀiratidza kwauri. |
|
| 6 |
|
| Jehova akati ʋo kwaari: Isa ruʋoko rwako mucifuʋa cako: akaisa ruʋoko rwake mucifuʋa cake; ɀino wakati acirubvisa, ʋonei ruʋoko rwake rwaʋa namaperembudzi, rwati mbembe secando. |
|
| 7 |
|
| Akati: Isa ruʋoko rwako mucifuʋa cako ɀe. (Iye akaisa ruʋoko rwake mucifuʋa cake ɀe; ɀino wakati acirubvisa mucifuʋa cake, ʋonei rwashanduka ɀe senyama yake.) |
|
| 8 |
|
| Ɀino kana ʋaciramba kukutenda, kana kuterera inzwi reciratidzo cokutaŋga, ʋacatenda inzwi reciratidzo cecipiri. |
|
| 9 |
|
| Ɀino kana ʋaciramba kutenda ɀiratidzo iɀo ɀiʋiri, kana kutenda inzwi rako, ucere mvura yomurwizi, uiɗururire pakawoma, ipapo mvura yawacera icashanduka ropa ipapo pakawoma. |
|
| 10 |
|
| Ɀino Mosesi akati kunaJehova: Haiwa, Jehova, handizi munhu unogona kutaura ɀakanaka, kunyaŋge zuro, kana zuroriya, kana kubva paŋguʋa yamakataura nomuranda wenyu; nokuti ndiri munhu unomuromo usiŋgagoni norurimi rusiŋgagoni. |
|
| 11 |
|
| Jehova akati kwaari: Ndianiko wakaita muromo womunhu, ndianiko unoita mbeʋeʋe kana matsi, kana unoʋona, kana ɓofu? Ko handizini Jehova here? |
|
| 12 |
|
| Naiɀoɀo ɀino cienda, ini ndicaʋa muromo wako, ndikudzidzise ɀaunofanira kutaura. |
|
| 13 |
|
| Iye akati: Haiwa, Ishe, tumai henyu wamunoɗa kutuma naye. |
|
| 14 |
|
| Ɀino kutsamŋa kwaJehova kwakamukira Mosesi, akati: Ko Aroni, mukoma wako, muRevi, haazi’po here? Ndinoziʋa kuti iye unogona kutaura kwaɀo. Ɀino tarira, wotoɓuɗa kusoŋgana newe; kana acikuʋona ucafara mumŋoyo make. |
|
| 15 |
|
| Utaure naye, ugoisa mashoko mumuromo make; ini ndicaʋa nomuromo wako, ʋuye nomuromo wake, ndikudzidzisei ɀamunofanira kuita. |
|
| 16 |
|
| Iye ucataura naʋanhu panɀimbo yako, agoʋa muromo wako, iwe ucaʋa saMŋari kwaari. |
|
| 17 |
|
| Ɀino tora tȿimbo iyi muruʋoko rwako, ugoita ɀiratidzo nayo. |
|
| 18 |
|
| Ɀino Mosesi wakaenda, akadzokera kunaJetero, mukarabga wake, akati kwaari: Ƌonditenderai henyu kuenda, ndidzokere kuhama dzaŋgu Egipita, ndindoʋona kana ʋaciri ʋapenyu. Jetero akati kunaMosesi: Enda hako norugare. |
|
| 19 |
|
| Ɀino Jehova akati kunaMosesi paMidiani: Enda, udzokere Egipita, nokuti ʋanhu ʋose ʋaitȿaka kukuʋuraya ʋakafa. |
|
| 20 |
|
| Ipapo Mosesi akatora mukadzi wake naʋana ʋake ʋaʋakomana, akaʋataȿisa pamboŋgoro, akadzokera kunyika yeEgipita; Mosesi akatora tȿimbo yaMŋari muruʋoko rwake. |
|
| 21 |
|
| Jehova akati kunaMosesi: Kana wodzokera Egipita, cenjera kuti uite pamberi paFarao ɀishamiso ɀose ɀandaisa muruʋoko rwako; asi ndicawomesa mŋoyo wake, kuti arege kutendera ʋanhu kuenda. |
|
| 22 |
|
| Ɀino undoti kunaFarao: Ɀanzi naJehova: Israeri, mŋanakomana waŋgu, iɗaŋgwe raŋgu; |
|
| 23 |
|
| ndakati kwauri: Tendera mŋanakomana waŋgu kuenda andinamate; iwe ukaramba kumutendera; ɀino tarira ndicaʋuraya mŋanakomana wako weɗaŋgwe. |
|
| 24 |
|
| Ɀino ʋaciri panzira, paʋakaŋga ʋaʋata, Jehova akasoŋgana naye, akatȿaka kumuʋuraya. |
|
| 25 |
|
| Ipapo Zipora akatora ibge rinopinza, akaceka rukanda rwapamberi rwomŋanakomana wake, akarukanda patsoka dzake, akati: Ɀirokwaɀo, uri cikomba ceropa kwandiri. |
|
| 26 |
|
| Naiɀoɀo wakamurega. Ipapo akati: Uri cikomba ceropa nokuɗa kwokudziŋgiswa. |
|
| 27 |
|
| Ɀino Jehova wakati kunaAroni: Enda kurenje undosoŋgana naMosesi. Iye akaenda, akandosoŋgana naye pagomo raMŋari, akamuȿeta. |
|
| 28 |
|
| Ipapo Mosesi akaʋudza Aroni mashoko ose aJehova, aakaŋga amutuma nawo, neɀiratidzo ɀose ɀaakaŋga amuraira. |
|
| 29 |
|
| Mosesi naAroni ʋakaenda, ʋakaʋuŋganidza ʋakuru ʋose ʋaʋana ʋaIsraeri. |
|
| 30 |
|
| Aroni akataura mashoko ose akataurwa naJehova kunaMosesi, akaita ɀiratidzo pamberi pameso aʋanhu. |
|
| 31 |
|
| Ʋanhu ʋakatenda; ɀino ʋakati ʋanzwa kuti Jehova washanyira ʋana ʋaIsraeri, akaʋona kunetswa kwaʋo, ʋakakotamisa misoro yaʋo, ʋakanamata Jehova. |
|
|
|
|