Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati, |
| 2 |
| "Nomusi wokutanga womwedzi unofanira kumisa tabhenakeri netende rokusangana. |
| 3 |
| Unofanira kuisa mukati mayo areka yechipupuriro, nokudzitira areka nechidzitiro. |
| 4 |
| Upinzewo tafura, nokugadzira zvinhu zvinofanira kuva pamusoro payo; upinzewo chigadziko chemwenje, ugotungidza mwenje yacho. |
| 5 |
| Uisewo aritari yendarama yezvinonhuhwira pamberi peareka yechipupuriro, ugoisa chidzitiro chomukova wetabhenakeri. |
| 6 |
| Zvino uisewo aritari yezvibayiro zvinopiswa pamberi pomukova wetabhenakeri yetende rokusangana. |
| 7 |
| Uisewo mudziyo wokushambidzira pakati petende rokusangana nearitari, ugodira mvura mukati mawo. |
| 8 |
| Zvino ugadzirewo ruvanze nokurembedza chidzitiro chesuo roruvanze. |
| 9 |
| "Utorewo mafuta okuzodza nawo, uzodze tabhenakeri nawo, nezvose zviri mukati mayo; ugoitsaura, iyo nezvose zvirimo, kuti chive chinhu chitsvene. |
| 10 |
| Uzodzewo aritari nezvibayiro zvinopiswa, nemidziyo yayo yose, kuti utsaure aritari, aritari chive chinhu chitsvene-tsvene. |
| 11 |
| Uzodzewo mudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo, uutsaure. |
| 12 |
| "Zvino uswededze Aroni navanakomana vake kumukova wetende rokusangana, ugovashambidza nemvura. |
| 13 |
| Ipapo ufukidze Aroni nguvo tsvene, ugomuzodza nokumutsaura, kuti andishumire pabasa rouprista. |
| 14 |
| Uswededzewo vanakomana vake, ugovafukidza nguvo. |
| 15 |
| Uvazodze, sezvawazodza baba vavo, kuti vandishumire pabasa rouprista; kuzodzwa kwavo kunofanira kuva kwavari uprista nokusingaperi, kusvikira kumarudzi avo ose." |
| 16 |
| Mozisi akaita saizvozvo; zvose zvaakanga arairwa naJehovha, wakazviita saizvozvo. |
| 17 |
| Tabhenakeri ikamiswa nomwedzi wokutanga wegore rechipiri nomusi wokutanga womwedzi. |
| 18 |
| Mozisi akamisa tabhenakeri, akaisa zvigadziko zvayo, akamisa mapuranga ayo, akaisa mbariro dzayo, nokumisa mbiru dzayo. |
| 19 |
| Akawarira tende pamusoro petabhenakeri, akaisa chifukidzo chetende pamusoro payo, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha. |
| 20 |
| Akatora chipupuriro, akachiisa muareka, akapinza matanda paareka, akaisa chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka; |
| 21 |
| akapi nza areka mutabhenakeri, akarembedza chidzitiro chokudzitira nacho, akadzitira areka yechipupuriro; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha. |
| 22 |
| Akaisa tafura mutende rokusangana, kurutivi rwetabhenakeri nechokumusoro, kunze kwechidzitiro. |
| 23 |
| Akagadzirawo chingwa pamusoro payo pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha. |
| 24 |
| Akaisa chigadziko chemwenje mutende rokusangana, chakatarisana netafura, kurutivi rwetabhenakeri nechenyasi. |
| 25 |
| Akatungidza mwenje pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha. |
| 26 |
| Akaisa aritari yendarama mutende rokusangana pamberi pechidzitiro; |
| 27 |
| akapisirapo zvinonhuhwira zvemiti yakanaka, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha. |
| 28 |
| Akagadzira zvirembedzwa zvomukova wetabhenakeri. |
| 29 |
| Akaisa aritari yezvipiriso zvinopiswa pamukova wetabhenakeri yetende rokusangana, akapisira pamusoro payo chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu; sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha. |
| 30 |
| Akaisa mudziyo wokushambidzira pakati petende rokusangana nearitari, akaisa mukati mayo mvura yokushambidza nayo. |
| 31 |
| Ipapo Mozisi naAroni navanakomana vake vakashamba maoko avo netsoka dzavopo; |
| 32 |
| pakupinda kwavo mutende rokusangana, napakuswedera kwavo kuaritari, vaishamba, sezvakanga zvarairwa Mozisi naJehovha. |
| 33 |
| Akagadzirawo ruvanze rwaipoteredza tabhenakeri nearitari, akarembedza chidzitiro chesuo roruvanze. Naizvozvo Mozisi akapedza basa rose. |
| 34 |
| Ipapo gore rakafukidza tende rokusangana, kubwinya kwaJehovha kukazadza tabhenakeri. |
| 35 |
| Mozisi akasagona kupinda mutende rokusangana, nokuti gore rakaramba rigere pamusoro paro uye kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza tabhenakeri. |
| 36 |
| Zvino kana gore rokwidzwa richibva pamusoro petabhenakeri, vana vaIsiraeri vakapfuura vachifamba nzendo dzavo dzose. |
| 37 |
| Asi kana gore risina kukwidzwa, havana kufamba, kusvikira musi warinozokwidzwa. |
| 38 |
| Nokuti gore raJehovha rakanga riri pamusoro petabhenakeri masikati, nomoto waiva mariri usiku, pamberi pavose veimba yaIsiraeri panzendo dzavo dzose. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/exodus/040.mp3
40
40