|
| 1 |
|
| Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, |
|
| 2 |
|
| “Nomusi wokutanga womwedzi unofanira kumisa tabhenakeri netende rokusangana. |
|
| 3 |
|
| Unofanira kuisa mukati mayo areka yechipupuriro, nokudzitira areka nechidzitiro. |
|
| 4 |
|
| Upinzewo tafura, nokugadzira zvinhu zvinofanira kuva pamusoro payo; upinzewo chigadziko chemwenje, ugotungidza mwenje yacho. |
|
| 5 |
|
| Uisewo atari yendarama yezvinonhuwira pamberi peareka yechipupuriro, ugoisa chidzitiro chomukova wetabhenakeri. |
|
| 6 |
|
| Zvino uisewo atari yezvibayiro zvinopiswa pamberi pomukova wetabhenakeri yetende rokusangana. |
|
| 7 |
|
| Uisewo mudziyo wokushambidzira pakati petende rokusangana neatari, ugodira mvura mukati mawo. |
|
| 8 |
|
| Zvino ugadzirewo ruvanze nokurembedza chidzitiro chesuo roruvanze. |
|
| 9 |
|
| “Utorewo mafuta okuzodza nawo, uzodze tabhenakeri nawo, nezvose zviri mukati mayo; ugoitsaura, iyo nezvose zvirimo, kuti chive chinhu chitsvene. |
|
| 10 |
|
| Uzodzewo atari nezvibayiro zvinopiswa, nemidziyo yayo yose, kuti utsaure atari, atari chive chinhu chitsvene-tsvene. |
|
| 11 |
|
| Uzodzewo mudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo, uutsaure. |
|
| 12 |
|
| “Zvino uswededze Aroni navanakomana vake kumukova wetende rokusangana, ugovashambidza nemvura. |
|
| 13 |
|
| Ipapo ufukidze Aroni nguo tsvene, ugomuzodza nokumutsaura, kuti andishumire pabasa roupristi. |
|
| 14 |
|
| Usededzewo vanakomana vake, ugovafukidza nguo. |
|
| 15 |
|
| Uvazodze, sezvawazodza baba vavo, kuti vandishumire pabasa roupristi; kuzodzwa kwavo kunofanira kuva kwavari upristi nokusingaperi, kusvikira kumarudzi avo ose.” |
|
| 16 |
|
| Mosesi akaita saizvozvo; zvose zvaakanga arairwa naJehovha, wakazviita saizvozvo. |
|
| 17 |
|
| Tabhenakeri ikamiswa nomwedzi wokutanga wegore rechipiri nomusi wokutanga womwedzi. |
|
| 18 |
|
| Mosesi akamisa tabhenakeri, akaisa zvigadziko zvayo, akamisa mapuranga ayo, akaisa mbariro dzayo, nokumisa mbiru dzayo. |
|
| 19 |
|
| Akawarira tende pamusoro petabhenakeri, akaisa chifukidzo chetende pamusoro payo, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. |
|
| 20 |
|
| Akatora chipupuriro, akachiisa muareka, akapinza matanda paareka, akaisa chifunhiro chokuyananisa pamusoro peareka; |
|
| 21 |
|
| akapinza areka mutabhenakeri, akarembedza chidzitiro chokudzitira nacho, akadzitira areka yechipupuriro; sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. |
|
| 22 |
|
| Akaisa tafura mutende rokusangana, kurutivi rwetabhenakeri nechokumusoro, kunze kwechidzitiro. |
|
| 23 |
|
| Akagadzirawo chingwa pamusoro payo pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. |
|
| 24 |
|
| Akaisa chigadziko chemwenje mutende rokusangana, chakatarisana netafura, kurutivi rwetabhenakeri nechenyasi. |
|
| 25 |
|
| Akatungidza mwenje pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. |
|
| 26 |
|
| Akaisa atari yendarama mutende rokusangana pamberi pechidzitiro; |
|
| 27 |
|
| akapisirapo zvinonhuwira zvemiti yakanaka, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. |
|
| 28 |
|
| Akagadzira zvirembedzwa zvomukova wetabhenakeri. |
|
| 29 |
|
| Akaisa atari yezvipiriso zvinopiswa pamukova wetabhenakeri yetende rokusangana, akapisira pamusoro payo chipiriso chinopiswa, nechipiriso choupfu; sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. |
|
| 30 |
|
| Akaisa mudziyo wokushambidzira pakati petende rokusangana neatari, akaisa mukati mayo mvura yokushambidza nayo. |
|
| 31 |
|
| Ipapo Mosesi naAroni navanakomana vake vakashamba maoko avo netsoka dzavopo; |
|
| 32 |
|
| pakupinda kwavo mutende rokusangana, napakuswedera kwavo kuatari, vaishamba, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. |
|
| 33 |
|
| Akagadzirawo ruvanze rwaipoteredza tabhenakeri neatari, akarembedza chidzitiro chesuo roruvanze. Naizvozvo Mosesi akapedza basa rose. |
|
| 34 |
|
| Ipapo gore rakafukidza tende rokusangana, kubwinya kwaJehovha kukazadza tabhenakeri. |
|
| 35 |
|
| Mosesi akasagona kupinda mutende rokusangana, nokuti gore rakaramba rigere pamusoro paro uye kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza tabhenakeri. |
|
| 36 |
|
| Zvino kana gore rokwidzwa richibva pamusoro petabhenakeri, vana vaIsiraeri vakapfuura vachifamba nzendo dzavo dzose. |
|
| 37 |
|
| Asi kana gore risina kukwidzwa, havana kufamba, kusvikira musi warinozokwidzwa. |
|
| 38 |
|
| Nokuti gore raJehovha rakanga riri pamusoro petabhenakeri masikati, nomoto waiva mariri usiku, pamberi pavose veimba yaIsiraeri panzendo dzavo dzose. |
|
|
|
|