|
| 1 |
|
| Shure kwaizvozvo Mosesi naAroni vakaenda, vakati kuna Farao, “Zvanzi naJehovha, Mwari waIsiraeri, ‘Tendera vanhu vangu kuenda, kuti vandiitire mutambo murenje.’ ” |
|
| 2 |
|
| Farao akati, “Jehovha ndiye aniko, kuti nditeerere izwi rake, kuti nditendere vaIsiraeri kuenda? Handimuzivi iye Jehovha, neni handingatenderi vaIsiraeri kuenda.” |
|
| 3 |
|
| Vakati, “Mwari wavaHebheru akasangana nesu; dotitenderai kuenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tindobayira Jehovha Mwari wedu; kuti arege kutirova nedenda kana nomunondo.” |
|
| 4 |
|
| Ipapo mambo weIjipiti akati kwavari, “Imi Mosesi naAroni, munotsautsireiko vanhu pamabasa avo? Endai kumirimo yenyu.” |
|
| 5 |
|
| Farao akati, “Tarirai, vanhu venyika ino vatova vazhinji, zvino imi moda kuvazorodza pamirimo yavo.” |
|
| 6 |
|
| Nomusi iwoyo Farao akaraira varairi vamabasa avanhu, navatariri vavo, akati, |
|
| 7 |
|
| “Musaramba muchipa vanhu uswa hwokuita zvitina nahwo, sezvamakaita kusvikira zvino; ngavaende vandozviunganidzira uswa vega. |
|
| 8 |
|
| Asi zvitina zvavakaita kusvikira zvino, muvatarire izvozvo; musazvitapudza, nokuti havana chavanobata, saka vanodana, vachiti, ‘Titenderei tindobayira Mwari wedu.’ |
|
| 9 |
|
| Varume ngavawedzerwe basa rinorema, varemerwa naro; kuti varege kurangarira mashoko enhema.” |
|
| 10 |
|
| Ipapo varairi vamabasa avanhu navatariri vavo vakabuda, vakataura navanhu, vakati, “Zvanzi naFarao, ‘Handichakupiyi uswa. |
|
| 11 |
|
| Endai mega mundozvitorera uswa pamungauwana, nokuti basa renyu haritapudzwi.’ ” |
|
| 12 |
|
| Zvino vanhu vakapararira kunyika yose yeIjipiti kuzounganidza mashanga panzvimbo youswa. |
|
| 13 |
|
| Varairi vamabasa vakavakurudzira, vachiti, “Pedzai basa renyu, mabasa amaifanira kuita mazuva ose muchino uswa.” |
|
| 14 |
|
| Navatariri vavana vaIsiraeri, vakanga vaiswa pamusoro pavo navarairi vaFarao, vaisirohwa, zvichinzi, “Makaregerei kupedza basa renyu razuro neranhasi muchiita zvitina sezvamakaita kusvikira zvino?” |
|
| 15 |
|
| Zvino vatariri vavana vaIsiraeri vakauya vachichema kuna Farao, vachiti, “Munoitireiko kudaro navaranda venyu? |
|
| 16 |
|
| Varanda venyu havapiwi uswa, asi vanoti kwatiri, ‘Itai zvitina’; tarirai varanda venyu vanorohwa, asi mhaka iri kuvanhu venyu.” |
|
| 17 |
|
| Asi iye akati, “Hamuna chamunobata, hamuna chamunobata, saka munoti, ‘Titenderei kundobayira Jehovha.’ |
|
| 18 |
|
| Naizvozvo endai zvino, mubate, nokuti hamuchapiwi uswa, asi munofanira kupedza zvitina zvakatarwa.” |
|
| 19 |
|
| Zvino vatariri vavana vaIsiraeri vakaona kuti vari panjodzi, zvazvakanzi, “Hamungatapudzi pazvitina zvenyu, zvamunofanira kuita mazuva ose.” |
|
| 20 |
|
| Vakasangana naMosesi naAroni, vakanga vamire panzira pakubuda kwavo pamberi paFarao; |
|
| 21 |
|
| vakati kwavari, “Jehovha ngaakutarirei akutongei, nokuti matinyadzisa pamberi paFarao navaranda vake, mukaisa munondo muruoko rwavo wokutiuraya nawo.” |
|
| 22 |
|
| Ipapo Mosesi akadzokera kuna Jehovha, akati, “Ishe, maitireiko vanhu ava zvakaipa? Manditumireiko? |
|
| 23 |
|
| Nokuti kubva panguva yandakaenda nayo kuna Farao kundotaura nezita renyu, iye akaitira vanhu ava zvakaipa; hamuna kutongorwira vanhu venyu.” |
|
|
|
|