|
| 1 |
|
| Jehovha akati kuna Mosesi, “Zvino muchaona zvandichaitira Farao, nokuti achavatendera kuenda noruoko rune simba, uchavadzinga munyika yake noruoko rune simba.” |
|
| 2 |
|
| Mwari akataurawo naMosesi, akati kwaari, “Ndini JEHOVHA. |
|
| 3 |
|
| Ndakazviratidza kuna Abhurahamu, nokunaIsaka, nokunaJakobho, ndiri Mwari waMasimbaose, asi ndakanga ndisingazikanwi navo nezita rangu rinonzi JEHOVHA. |
|
| 4 |
|
| Zvino ndakasimbisa sungano yangu navo kuti ndivape nyika yeKenani, nyika youtorwa hwavo, mavakanga vari vatorwa. |
|
| 5 |
|
| Ndakanzwa kugomba kwavana vaIsiraeri vakasungwa navaIjipiti pauranda, ndikarangarira sungano yangu. |
|
| 6 |
|
| Naizvozvo muti kuvana vaIsiraeri, ‘Ndini Jehovha, ini ndichakubudisai pamirimo yavaIjipiti, ndichakusunungurai pauranda hwenyu, ndichakudzikinurai noruoko rwakatambanudzwa, uye nokutonga kukuru.’ |
|
| 7 |
|
| Ndichakutorai imi kuti muve vanhu vangu, ini ndichava Mwari wenyu, iye anokubudisai pamirimo yavaIjipiti. |
|
| 8 |
|
| Ndichakuisai kunyika yandakasimudzira ruoko rwangu kuti ndiipe Abhurahamu, naIsaka, naJakobho, ndichakupai iyo ive nhaka yenyu; ndini Jehovha.” |
|
| 9 |
|
| Mosesi akataura saizvozvo kuvana vaIsiraeri, asi havana kuteerera Mosesi nokuda kweshungu dzomweya nedzouranda hwakanga uchirema. |
|
| 10 |
|
| Zvino Jehovha akataura naMosesi akati, |
|
| 11 |
|
| “Pinda, undotaura naFarao mambo weIjipiti, kuti atendere vana vaIsiraeri kubuda munyika yake.” |
|
| 12 |
|
| Mosesi akataura pamberi paJehovha, akati, “Tarirai, vana vaIsiraeri havana kunditeerera; zvino Farao anganditeerera seiko, ini munhu ane miromo isina kudzingiswa?” |
|
| 13 |
|
| Ipapo Jehovha akataura naMosesi naAroni, akavatuma neshoko kuvana vaIsiraeri nokuna Farao, mambo weIjipiti, kuti vabudise vana vaIsiraeri munyika yeIjipiti. |
|
| 14 |
|
| Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avo: Vanakomana vaRubheni, dangwe raIsiraeri, vaiva Hanoki, naParu, naHezironi, naKarimi; ndivo vedzimba dzaRubheni. |
|
| 15 |
|
| Vanakomana vaSimeoni vaiva Jemueri, naJamini, naOhadhi, naJakini, naZohari, naShauri, mwanakomana womukadzi muKenani; ndivo vedzimba dzaSimeoni. |
|
| 16 |
|
| Ndiwo mazita avanakomana vaRevhi namarudzi avo: Gerishoni, naKohati, naMerari; makore oupenyu hwaRevhi aiva makore ane zana namakumi matanhatu namanomwe. |
|
| 17 |
|
| Vanakomana vaGerishoni vaiva Ribhini, naShimei, namarudzi avo. |
|
| 18 |
|
| Vanakomana vaKohati vaiva Amurami, naIzhari, naHebhuroni, naUzieri; makore oupenyu hwaKohati aiva makore ane zana namakumi matatu namatatu. |
|
| 19 |
|
| Vanakomana vaMerari vaiva Makiri, naMushi. Ndivo vedzimba dzavaRevhi pamarudzi avo. |
|
| 20 |
|
| Amurami akawana Jokebhedhi, hanzvadzi yababa vake, iye akamuberekera Aroni naMosesi; makore oupenyu hwaAmurami aiva makore ane zana namakumi matatu namanomwe. |
|
| 21 |
|
| Vanakomana vaIzhari vaiva Kora naNefegi, naZikiri. |
|
| 22 |
|
| Vanakomana vaUzieri vaiva Mishaeri, naErizafani, naSitiri. |
|
| 23 |
|
| Aroni akawana Erishebha, mukunda waAminadhabhu, hanzvadzi yaNashoni, iye akamuberekera Nadhabhi naAbhihu, naEreazari, naItamari. |
|
| 24 |
|
| Vanakomana vaKora vaiva Asiri, naErikana, naAbhiasafi; ndivo vedzimba dzavaKora. |
|
| 25 |
|
| Ereazari, mwanakomana waAroni, akawana mumwe wavakunda vaPutieri, iye akamuberekera Pinehasi. Ndiyo misoro yedzimba dzamadzibaba avaRevhi nemhuri dzavo. |
|
| 26 |
|
| Ndivo vaya vanaAroni naMosesi vakanzi naJehovha, “Budisai vana vaIsiraeri munyika yeIjipiti nehondo dzavo.” |
|
| 27 |
|
| Ndivo vakataura naFarao, mambo weIjipiti, kuti vabudise vana vaIsiraeri muIjipiti; ndivo vaya vanaMosesi naAroni. |
|
| 28 |
|
| Nomusi iwoyo Jehovha akataura naMosesi munyika yeIjipiti, |
|
| 29 |
|
| Jehovha akataura naMosesi, akati, “Ndini Jehovha; udza Farao, mambo weIjipiti, zvinhu zvose zvandakakuudza.” |
|
| 30 |
|
| Ipapo Mosesi akati pamberi paJehovha, “Tarirai, ndiri munhu ane miromo isina kudzingiswa, zvino Farao achanditeerera seiko?” |
|
|
|
|