|
| 1 |
|
| Jehovha akati kuna Mozisi, "Tarira, ndakuita saMwari kuna Farao; Aroni, mukoma wako, achava muporofita wako. |
|
| 2 |
|
| Taura zvose zvandinokuraira; Aroni, mukoma wako, achataura naFarao, kuti atendere vana vaIsiraeri, vabude munyika yake. |
|
| 3 |
|
| Ini ndichaomesa moyo waFarao, ndichawanza zviratidzo zvangu nezvishamiso zvangu panyika yeIjipiti. |
|
| 4 |
|
| Asi Farao haangakuteerereyi; ipapo ndichaisa ruoko rwangu pamusoro ndikabudisa hondo dzangu, ivo vanhu vangu, vana vaIsiraeri, munyika yeIjipiti nokutonga kukuru. |
|
| 5 |
|
| VaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichitambanudza ruoko rwangu pamusoro ndichibvisa vana vaIsiraeri pakati pavo." |
|
| 6 |
|
| Mozisi naAroni vakaita saizvozvo; sezvavakanga varairwa naJehovha, vakaita saizvozvo. |
|
| 7 |
|
| Mozisi akanga ana makore makumi masere, naAroni makore makumi masere namatatu, panguva yavakataura naFarao. |
|
| 8 |
|
| Zvino Jehovha akataura naMozisi naAroni, akati, |
|
| 9 |
|
| "Kana Farao achitaura nemi, akati, `Tiratidzei chinoshamisa,' uti kuna Aroni, `Tora tsvimbo yako, uikandire pasi pamberi paFarao, ishanduke nyoka.' " |
|
| 10 |
|
| Mozisi naAroni vakapinda kuna Farao, vakaita sezvavakarairwa naJehovha, Aroni akakandira tsvimbo pasi pamberi paFarao napamberi pavaranda vake, ikashanduka nyoka. |
|
| 11 |
|
| Ipapo Farao akadanawo vakachenjera navaroyi; naivowo, idzo n'anga dzeIjipiti, vakaita saizvozvo nouroyi hwavo. |
|
| 12 |
|
| Nokuti mumwe nomuwe akakandira pasi tsvimbo yake, dzikashanduka nyoka; asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo. |
|
| 13 |
|
| Zvino moyo waFarao ukawomeswa, akasavateerera; sezvakarehwa naJehovha. |
|
| 14 |
|
| Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "moyo waFarao mukukutu, haadi kutendera vanhu kuenda. |
|
| 15 |
|
| Enda kuna Farao mangwanani; tarira, achabuda achienda kumvura, iwe undomira pamhenderekedzo dzorwizi kuti usangane naye, wakabata muruoko rwako tsvimbo iya yakashanduka nyoka. |
|
| 16 |
|
| Ugoti kwaari, `Jehovha, Mwari wavaHebheru, akandituma kwauri,' achiti, `Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate murenje; zvino tarira, kusvikira zvino hauna kunditeerera.' |
|
| 17 |
|
| Zvanzi naJehovha, `Uchaziva kuti ndini Jehovha nechinhu ichi: Tarira ndicharova mvura iri murwizi netsvimbo iri muruoko rwangu, ikashanduka ropa.' |
|
| 18 |
|
| Hove dziri murwizi dzichafa, rwizi ruchanhuwa; vaIjipiti vachanetswa nokutsvaka kumwa mvura yorwizi." |
|
| 19 |
|
| Jehovha akatiwo kuna Mozisi, "Uti kuna Aroni, `Tora tsvimbo yako, utambanudzire ruoko rwako pamusoro pemvura yavaIjipiti, pamusoro penzizi dzavo, napamusoro pehova dzavo, napamusoro pamadziva avo, napamusoro pamakungwa avo ose,' zvishanduke ropa; rivepo panyika yose yeIjipiti, mumidziyo yamatanda nemidziyo yamabwe." |
|
| 20 |
|
| Mozisi naAroni vakaita sezvavakarairwa naJehovha, vakasimudza tsvimbo, vakarova mvura yakanga iri murwizi pamberi paFarao napamberi pavaranda vake, mvura yose yomurwizi ikashanduka ropa. |
|
| 21 |
|
| Hove dzomurwizi dzikafa, rwizi rukanhuwa, vaIjipiti vakasagona kumwa mvura yorwizi ropa rikavapo panyika yose yeIjipiti. |
|
| 22 |
|
| N'anga dzeljipiti dzikaitawo saizvozvo nouroyi hwadzo; asi moyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha. |
|
| 23 |
|
| Ipapo Farao akadzoka, akapinda mumba make; haana kurangarira nechinhu ichiwo. |
|
| 24 |
|
| VaIjipiti vose vakachera nhivi dzorwizi vachitsvaka mvura yokumwa; nokuti vakanga vasingagoni kumwa mvura yorwizi. |
|
| 25 |
|
| Mazuva manomwe akapera kubva pakurohwa korwizi naJehovha. |
|
|
|
|