|
| 1 |
|
| Jehova akati kunaMosesi: Tarira, ndakuita samŋari kunaFarao; Aroni, mukoma wako, ucaʋa muprofita wako. |
|
| 2 |
|
| Taura ɀose ɀandinokuraira; Aroni, mukoma wako, ucataura naFarao, kuti atendere ʋana ʋaIsraeri, ʋaɓuɗe munyika yake. |
|
| 3 |
|
| Ini ndicawomesa mŋoyo waFarao, ndicawanza ɀiratidzo ɀaŋgu neɀishamiso ɀaŋgu panyika yeEgipita. |
|
| 4 |
|
| Asi Farao haaŋgakutereriyi; ipapo ndicaisa ruʋoko rwaŋgu pamsoro peEgipita, ndikaɓuɗisa hondo dzaŋgu, iʋo ʋanhu ʋaŋgu, ʋana ʋaIsraeri, munyika yeEgipita nokutoŋga kukuru. |
|
| 5 |
|
| ƲaEgipita ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndicitambanudza ruʋoko rwaŋgu pamsoro peEgipita, ndicibvisa ʋana ʋaIsraeri pakati paʋo. |
|
| 6 |
|
| Mosesi naAroni ʋakaita saiɀoɀo; seɀaʋakaŋga ʋarairwa naJehova, ʋakaita saiɀoɀo. |
|
| 7 |
|
| Mosesi wakaŋga anamakore makumi masere, naAroni makore makumi masere namatatu, paŋguʋa yaʋakataura naFarao. |
|
| 8 |
|
| Ɀino Jehova akataura naMosesi naAroni, akati: |
|
| 9 |
|
| Kana Farao acitaura nemi, akati: Tiratidzei cinoshamisa, uti kunaAroni: Tora tȿimbo yako, uikandire pasi pamberi paFarao, ishanduke nyoka. |
|
| 10 |
|
| Mosesi naAroni ʋakapinda kunaFarao, ʋakaita seɀaʋakarairwa naJehova, Aroni akakandira tȿimbo yake pasi pamberi paFarao napamberi paʋaranda ʋake, ikashanduka nyoka. |
|
| 11 |
|
| Ipapo Farao akaɗana ʋo ʋakacenjera naʋaroyi; naiʋo ʋo, idzo ŋaŋga dzeEgipita, ʋakaita saiɀoɀo noʋuroyi bgaʋo. |
|
| 12 |
|
| Nokuti mumŋe nomumŋe wakakandira pasi tȿimbo yake, dzikashanduka nyoka; asi tȿimbo yaAroni yakamedza tȿimbo dzaʋo. |
|
| 13 |
|
| Ɀino mŋoyo waFarao ukawomeswa, akasaʋaterera; seɀakarebga naJehova. |
|
| 14 |
|
| Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Mŋoyo waFarao mukukutu, haaɗi kutendera ʋanhu kuenda. |
|
| 15 |
|
| Enda kunaFarao maŋgwanani; tarira, ucaɓuɗa acienda kumvura; iwe undomira pamhenderekedzo dzorwizi kuti usoŋgane naye, wakaɓata muruʋoko rwako tȿimbo iya yakashanduka nyoka. |
|
| 16 |
|
| Ugoti kwaari: Jehova, Mŋari waʋaHeberu, wakandituma kwauri, aciti: Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda ʋandinamate murenje; ɀino tarira, kuȿikira ɀino hauna‐kunditerera. |
|
| 17 |
|
| Ɀanzi naJehova: Ucaziʋa kuti ndini Jehova necinhu ici: Tarira, ndicaroʋa mvura iri murwizi netȿimbo iri muruʋoko rwaŋgu, ikashanduka ropa. |
|
| 18 |
|
| Hoʋe dziri murwizi dzicafa, rwizi rucanhuwa; ʋaEgipita ʋacanetswa nokutȿaka kunwa mvura yorwizi. |
|
| 19 |
|
| Jehova akati ʋo kunaMosesi: Uti kunaAroni: Tora tȿimbo yako, utambanudzire ruʋoko rwako pamsoro pemvura yaʋaEgipita, pamsoro penzizi dzaʋo, napamsoro pehoʋa dzaʋo, napamsoro pamadziʋa aʋo, napamsoro pamakaŋgwa aʋo ose, ɀishanduke ropa; riʋe’po panyika yose yeEgipita, mumidziyo yose yamatanda nemidziyo yamabge. |
|
| 20 |
|
| Mosesi naAroni ʋakaita seɀaʋakarairwa naJehova, ʋakasimudza tȿimbo, ʋakaroʋa mvura yakaŋga iri murwizi pamberi paFarao napamberi paʋaranda ʋake, mvura yose yomurwizi ikashanduka ropa. |
|
| 21 |
|
| Hoʋe dzomurwizi dzikafa, rwizi rukanhuwa, ʋaEgipita ʋakasagona kunwa mvura yorwizi; ropa rikaʋa’po panyika yose yeEgipita. |
|
| 22 |
|
| Ŋaŋga dzeEgipita dzikaita ʋo saiɀoɀo noʋuroyi bgadzo; asi mŋoyo waFarao wakawomeswa, akasaʋaterera, seɀakaŋga ɀarebga naJehova. |
|
| 23 |
|
| Ipapo Farao akadzoka, akapinda mumba make; haana‐kuraŋgarira necinhu ici ʋo. |
|
| 24 |
|
| ƲaEgipita ʋose ʋakacera nhiʋi dzorwizi ʋacitsaka mvura yokunwa; nokuti ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kunwa mvura yorwizi. |
|
| 25 |
|
| Mazuʋa manomŋe akapera kubva pakurobga kworwizi naJehova. |
|
|
|
|