|
| 1 |
|
| Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Pinda kuna Farao, uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandondinamata.’ |
|
| 2 |
|
| Kana ukaramba kuvatendera, tarira, ndicharova nyika yako yose namatatya; |
|
| 3 |
|
| rwizi ruchazara kwazvo namatatya; achakwira, achipinda mumba mako, nomuimba yako yokuvata, napanhoo dzako, nomudzimba dzavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomuzvoto zvako, nomumidziyo yako mamunokanyira zvokudya; |
|
| 4 |
|
| matatya achakwira pamusoro pako napamusoro pavanhu vako, napamusoro pavaranda vako vose.” |
|
| 5 |
|
| Jehovha akati kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tambanudzira ruoko rwako rwakabata tsvimbo yako pamusoro penzizi, napamusoro pehova, napamusoro pamadziva, uraire matatya kuti akwire panyika yeIjipiti.’ ” |
|
| 6 |
|
| Ipapo Aroni akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pemvura yeIjipiti, matatya akakwira, akafukidza nyika yeIjipiti. |
|
| 7 |
|
| N'anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo dzikaraira matatya kuti akwire panyika yeIjipiti. |
|
| 8 |
|
| Zvino Farao akadana Mosesi naAroni, akati, “Nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise matatya kwandiri nokuvanhu vangu, nditendere vanhu kuenda kundobayira Jehovha.” |
|
| 9 |
|
| Mosesi akati kuna Farao, “Imi mukudzwe kupfuura ini! Ndokunyengetererai nguva ipi, imi navaranda venyu, navanhu venyu, kuti matatya aparadzwe kwamuri, nomudzimba dzenyu, asare murwizi bedzi?” |
|
| 10 |
|
| Iye akati, “Mangwana.” Akati, “Zvichaitwa sezvamareva; kuti muzive kuti hakuna mumwe akafanana naJehovha, Mwari wedu. |
|
| 11 |
|
| Matatya achabva kwamuri, nomudzimba dzenyu, nokuvaranda venyu, nokuvanhu venyu; achasara murwizi bedzi.” |
|
| 12 |
|
| Mosesi naAroni vakabuda muna Farao, Mosesi akadana kuna Jehovha nokuda kwamatatya aakanga atuma kuna Farao. |
|
| 13 |
|
| Jehovha akaita sezvakanga zvarehwa naMosesi, matatya akafa mudzimba nomuzvivanze nokuruwa. |
|
| 14 |
|
| Vakaaunganidza, vakaaita mirwi, nyika ikanhuwa. |
|
| 15 |
|
| Zvino Farao akati achiona kuti zvava zviri nani, akaomesa mwoyo wake, akasavateerera; sezvakanga zvarehwa naJehovha. |
|
| 16 |
|
| Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tambanudza tsvimbo yako, urove guruva rapasi, rishanduke utunga panyika yeIjipiti.’ ” |
|
| 17 |
|
| Vakaita saizvozvo; Aroni akatambanudza ruoko rwake rwakabata tsvimbo yake, akarova guruva rapasi, utunga ukavapo pavanhu napazvipfuwo; guruva rose rapasi rikashanduka utunga panyika yose yeIjipiti. |
|
| 18 |
|
| N'anga dzikaita saizvozvo nouroyi hwadzo kuti dzibudise utunga, asi hadzina kugona; utunga hwakanga huri pavanhu napazvipfuwo. |
|
| 19 |
|
| Zvino n'anga dzakati kuna Farao, “Munwe waMwari”; asi mwoyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha. |
|
| 20 |
|
| Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao; tarira, achabuda achienda kumvura, uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.’ |
|
| 21 |
|
| Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu, tarira ndichatuma bute renhunzi pamusoro pako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomudzimba dzako; dzimba dzavaIjipiti dzichazara namapute enhunzi, kunyange nevhu padzimire. |
|
| 22 |
|
| Nomusi iwoyo ndichatsaura nyika yeGosheni pagere vanhu vangu, kuti ipapo mapute enhunzi arege kuvapo; kuti uzive kuti ndini Jehovha pakati penyika dzose. |
|
| 23 |
|
| Ndichaparadzanisa vanhu vangu navanhu vako; chiratidzo ichi chichavapo mangwana.” |
|
| 24 |
|
| Zvino Jehovha akaita saizvozvo, mapute makuru-kuru enhunzi akapinda mumba maFarao, nomudzimba dzavaranda vake, nomunyika yose yeIjipiti; nyika ikaodzwa namapute enhunzi. |
|
| 25 |
|
| Zvino Farao akadana Mosesi naAroni, akati, “Endai, mundobayira Mwari wenyu munyika ino.” |
|
| 26 |
|
| Mosesi akati, “Hazvina kunaka kuita saizvozvo, nokuti tichabayira Jehovha, Mwari wedu, zvibayiro zvinonyangadza vaIjipiti; tarirai, kana tikabayira zvinonyangadza vaIjipiti havangatitaki namabwe here? |
|
| 27 |
|
| Tichaenda rwendo rwamazuva matatu murenje, tigobayira Jehovha Mwari wedu sezvaanotiraira.” |
|
| 28 |
|
| Farao akati, “Ndichakutenderai kuenda mundobayira Jehovha Mwari wenyu murenje, asi musaenda kure-kure. Ndinyengetererei.” |
|
| 29 |
|
| Mosesi akati, “Tarirai, ndinobuda kwamuri, ndichandonyengetera kuna Jehovha kuti mapute enhunzi abve kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake mangwana; asi Farao ngaarege kuzonyengerazve, achiramba kutendera vanhu kuenda kundobayira Jehovha.” |
|
| 30 |
|
| Ipapo Mosesi akabuda kuna Farao, akandonyengetera kuna Jehovha. |
|
| 31 |
|
| Jehovha akaita sezvakakumbira Mosesi, akabvisa mapute enhunzi kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake; haana kusara kunyange neimwe. |
|
| 32 |
|
| Asi Farao akaomesa mwoyo wake nenguva iyowo, akasatendera vanhu kuenda. |
|
|
|
|