|
| 1 |
|
| Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Pinda kuna Farao, undomuudza, uti, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru: Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.’ |
|
| 2 |
|
| Nokuti kana ukaramba kuvatendera, ukaramba uchivadzivisa, |
|
| 3 |
|
| tarira, ruoko rwaJehovha ruchava pamusoro pezvipfuwo zvako zviri kusango, napamusoro pamabhiza, napamusoro pembongoro, napamusoro pamangamera, napamusoro pemombe, napamusoro pezvipfuwo zviduku; hosha yakaipa kwazvo ichavapo. |
|
| 4 |
|
| Jehovha acharaura zvipfuwo zvavaIsiraeri pazvipfuwo zvavaIjipiti; hapana chimwe chingafa pazvipfuwo zvose zvavaIsiraeri.” |
|
| 5 |
|
| Zvino Jehovha akatara nguva akati, “Mangwana Jehovha achaita chinhu ichi munyika ino.” |
|
| 6 |
|
| Fume mangwana Jehovha akaita chinhu ichocho, zvipfuwo zvose zveIjipiti zvikafa; asi pazvipfuwo zvavana vaIsiraeri hapana zvakafa, kunyange nechimwe chete. |
|
| 7 |
|
| Farao akatuma vanhu, vakawana kuti pazvipfuwo zvavaIsiraeri hapana zvakafa, kunyange chimwe chete. Asi mwoyo waFarao wakava mukukutu, akasatendera vanhu kuenda. |
|
| 8 |
|
| Zvino Jehovha akati kuna Mosesi naAroni, “Torai tsama dzamadota echoto, Mosesi aakushire kudenga pamberi paFarao. |
|
| 9 |
|
| Achashanduka guruva rakatsetseka panyika yose yeIjipiti, achiita mamota anoputika semhoni pavanhu napazvipfuwo zvose zveIjipiti.” |
|
| 10 |
|
| Ivo vakatora madota echoto, vakamira pamberi paFarao, Mosesi akaakushira kudenga, akaita mamota anoputika semhoni pavanhu napazvipfuwo. |
|
| 11 |
|
| Zvino n'anga dzakanga dzisingagoni kumira pamberi paMosesi nokuda kwamamota, nokuti mamota akanga ari pan'anga napavaIjipiti vose. |
|
| 12 |
|
| Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFarao, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha kuna Mosesi. |
|
| 13 |
|
| Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao, uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru: Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.’ |
|
| 14 |
|
| Nokuti nenguva ino ndichatuma madambudziko angu ose pamusoro pomwoyo wako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, uzive kuti hapana akafanana neni panyika dzose. |
|
| 15 |
|
| Nokuti dai ndisakadaro, ndingadai ndaitambanudza ruoko rwangu, ndikakurova iwe navanhu vako nehosha yakaipa, ukaparadzwa chose panyika; |
|
| 16 |
|
| asi zvirokwazvo ndakakuraramisa nokuda kwaizvozvo, kuti ndikuratidze simba rangu, uye kuti zita rangu rikurumbire kunyika dzose. |
|
| 17 |
|
| Zvino ucharamba uchingozvikudza uchirwa navanhu vangu, usingadi kuvatendera kuenda here? |
|
| 18 |
|
| Tarira, mangwana, nenguva yakaita seino, ndichanisa chimvuramabwe chakaipa kwazvo, chisina kumbovapo paIjipiti kubva pakuvambwa kwayo kusvikira zvino. |
|
| 19 |
|
| Naizvozvo zvino tuma vanhu, uunganidze zvipfuwo zvako nezvose zvaunazvo kusango, nokuti vanhu vose nezvipfuwo zvose zvinowanikwa kusango, zvisina kuiswa mudzimba, zvicharohwa nechimvuramabwe zvikafa.” |
|
| 20 |
|
| Zvino vakatya shoko raJehovha pakati pavaranda vaFarao vakaraira kuti varanda vavo nezvipfuwo zvavo zvitizire mudzimba. |
|
| 21 |
|
| Asi vakanga vasingateereri shoko raJehovha, vakarega varanda vavo nezvipfuwo zvavo kusango. |
|
| 22 |
|
| Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga, chimvuramabwe chivepo panyika yose yeIjipiti, pamusoro pavanhu, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro pemiriwo yose yeminda panyika yose yeIjipiti.” |
|
| 23 |
|
| Mosesi akatambanudzira tsvimbo yake kudenga, Jehovha akatuma kutinhira nechimvuramabwe, moto wemheni ukarova pasi. Jehovha akanaisa chimvuramabwe panyika yeIjipiti. |
|
| 24 |
|
| Chimvuramabwe chikavapo, nomoto wakavengana nechimvuramabwe, chikanyanya kwazvo, chisina kumbovapo panyika yose yeIjipiti, kubva pakutanga kworudzi ipapo. |
|
| 25 |
|
| Chimvuramabwe chikarova zvose zvakanga zviri kusango, vanhu nezvipfuwo, panyika yose yeIjipiti; chimvuramabwe chikarova miriwo yose yeminda, chikavhuna miti yose yesango. |
|
| 26 |
|
| Asi munyika yeGosheni bedzi, imo makanga muna vana vaIsiraeri, ndipo pakanga pasina chimvuramabwe. |
|
| 27 |
|
| Zvino Farao akatuma vanhu kundodana Mosesi naAroni, akati kwavari, “Nguva ino ndatadza; Jehovha akarurama, asi ini navaranda vangu takaipa. |
|
| 28 |
|
| Nyengeterai kuna Jehovha, nokuti kutinhira kukuru kwaMwari nechimvuramabwe zvaringana; ndichakutenderai kuenda, murege kugara.” |
|
| 29 |
|
| Mosesi akati kwaari, “Kana ndangobuda paguta, ndichatambanudzira maoko angu kuna Jehovha; ipapo kutinhira kuchanyarara, nechimvuramabwe hachizovipo; muchaziva kuti nyika yose ndeyaJehovha. |
|
| 30 |
|
| Asi kana murimi navaranda venyu, ndinoziva kuti hamungatyi Jehovha Mwari.” |
|
| 31 |
|
| Miti yoruchinda nebhari zvikarohwa, nokuti bhari yakanga yatumbuka, nemiti yoruchinda yakanga yava namaruva. |
|
| 32 |
|
| Asi zviyo zvekoroni nezvesipereti hazvina kurohwa, nokuti zvakanga zvisina kukura. |
|
| 33 |
|
| Zvino Mosesi akabuda muguta pamberi paFarao, akatambanudzira maoko ake kuna Jehovha, kutinhira nechimvuramabwe zvikanyarara, nemvura ikasadururirwa panyika. |
|
| 34 |
|
| Zvino Farao akati aona kuti mvura nechimvuramabwe nokutinhira zvanyarara, akawedzera kutadza, akaomesa mwoyo wake, iye navaranda vake. |
|
| 35 |
|
| Mwoyo waFarao ukaomeswa, akasatendera vana vaIsiraeri kuenda; sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waMosesi. |
|
|
|
|