|
| 1 |
|
| Zvirevo zvaSoromoni. Mwanakomana, akachenjera, anofadza baba; Asi mwanakomana benzi anoshuwisa mai vake. |
|
| 2 |
|
| fuma yakawanikwa nezvakaipa haibatsiri chinhu; Asi kururama kunorwira parufu. |
|
| 3 |
|
| Jehovha haangatenderi mweya wowakarurama kuti unzwe nzara; Asi kupanga kwavakaipa unokusundira kure. |
|
| 4 |
|
| Anobata noruoko rusine hanya, achava murombo; Asi ruoko rweasina usimbe runofumisa. |
|
| 5 |
|
| Anounganidza muzhezha, ndiye mwanakomana wakachenjera; Asi anovata hope mukukohwa, mwanakomana anonyadzisa. |
|
| 6 |
|
| Mikomborero iri pamusoro wowakarurama; Asi muromo wowakaipa unovanza kumanikidza. |
|
| 7 |
|
| Kuyeukwa kowakarurama kunovigira kuropafadzwa, Asi zita rowakaipa richaora. |
|
| 8 |
|
| Ane moyo wakachenjera, achagamuchira mirairo; Asi ane miromo youpenzi achawisirwa pasi. |
|
| 9 |
|
| Anofamba zvakarurama, anofamba zvakasimba; Asi anominamisa nzira dzake, achazikamwa. |
|
| 10 |
|
| Anochonya neziso rake, anouyisa madambudzo; Asi ane miromo youpenzi, achawisirwa pasi. |
|
| 11 |
|
| Muromo wowakarurama itsime roupenyu; Asi muromo wowakaipa unovanza kumanikidza. |
|
| 12 |
|
| Mbengo dzinomutsa kukakavara; Asi rudo runofukidza kudarika kose. |
|
| 13 |
|
| Pamiromo yeane njere panowanikwa uchenjeri; Asi shamhu yakafanira musana woanoshaiwa njere. |
|
| 14 |
|
| Vakachenjera vanozvichengetera zivo; Asi muromo webenzi uri pedo nokuparadzwa. |
|
| 15 |
|
| fuma yomufumi ndiro guta rake rakasimba; Zvinoparadza varombo ndihwo urombo hwavo. |
|
| 16 |
|
| Zvaakabatira zvinoisa wakarurama kuupenyu; Zvakawanikwa nowakaipa zvinoisa kuzvivi. |
|
| 17 |
|
| Anoteerera kurairirwa, ari panzira youpenyu; Asi anoramba kurairwa, anotsausa vamwe. |
|
| 18 |
|
| Anovanza kuvenga, ane miromo yenhema; Ana makuhwa, ibenzi. |
|
| 19 |
|
| Kudarika hakungakoni pamunhu anamashoko mazhinji; Asi anodzora miromo yake, ano huchenjeri. |
|
| 20 |
|
| Rurimi rwowakarurama rwakafanana nesirivha yakasarurwa; moyo wowakaipa haubatsiri chinhu. |
|
| 21 |
|
| Miromo yowakarurama inosimbisa vazhinji; Asi mapenzi anofa nokushaiwa zivo. |
|
| 22 |
|
| Kuropafadza kwaJehovha ndiko kunofumisa; Kutambura pabasa hakuwedzeri chinhu. |
|
| 23 |
|
| Benzi rinoti kuita zvakaipa kutamba; Ndizvo zvinoitawo uchenjeri kuno ane njere. |
|
| 24 |
|
| Zvinotyiwa nowakaipa, ndizvo zvichamuwira; Asi wakarurama achapiwa zvaanoda. |
|
| 25 |
|
| Kana chamupupuri chapfuura, wakaipa haachipo; Asi wakarurama ane nheyo dzisingaperi. |
|
| 26 |
|
| Sezvinoita vhininga pameno, noutsi pameso, Ndizvo zvakaita simbe kuna vanomutuma. |
|
| 27 |
|
| Kutya Jehovha kunowedzera mazuva; Asi makore owakaipa achatapudzwa. |
|
| 28 |
|
| Tariro yavakarurama mufaro; Asi kutarira kwavakaipa kuchaparadzwa. |
|
| 29 |
|
| Nzira yaJehovha inhare kunowakarurama; Asi ndiko kuparadzwa kuna vanoita zvakaipa. |
|
| 30 |
|
| Wakarurama haangatongozununguswi nokusingaperi; Asi vakaipa havangarambi vagere panyika. |
|
| 31 |
|
| Muromo wowakarurama unobudisa uchenjeri; Asi rurimi rune nhema ruchabviswa. |
|
| 32 |
|
| Miromo yowakarurama inoziva zvinofadza; Asi muromo wowakaipa unotaura zvine nhema. |
|
|
: |
| 1 | | 2 | | 3 | | 4 | | 5 | | 6 | | 7 | | 8 | | 9 | | 10 | | 11 | | 12 | | 13 | | 14 | | 15 | | 16 | | 17 | | 18 | | 19 | | 20 | | 21 | | 22 | | 23 | | 24 | | 25 | | 26 | | 27 | | 28 | | 29 | | 30 | | 31 | | 32 | 1
1
1 |
|
|---|
|
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/proverbs/010.mp3
31
10