|
| 1 |
|
| Mukadzi mumwe nomumwe akachenjera anovaka imba yake; Asi benzi rinoiputsa namaoko aro. |
|
| 2 |
|
| Anofamba nokururama kwake, anotya Jehovha; Asi wakatsauka panzira dzake, anomudzidza. |
|
| 3 |
|
| Mumuromo webenzi mune shamhu yamanyawi; Asi miromo yavakachenjera inovachengeta. |
|
| 4 |
|
| Kana pasina nzombe, chidyiro hachine chiro; Asi zvibereko zvizhinji zvinouya nesimba renzombe. |
|
| 5 |
|
| Chapupu, chakatendeka, hachirevi nhema; Asi chapupu chenhema chinobudisa mashoko enhema. |
|
| 6 |
|
| Mudadi anotsvaka uchenjeri, asi hahupo; Asi zivo haitani kuwanikwa navane njere. |
|
| 7 |
|
| Ibva pamberi pebenzi, Nokuti haungawani miromo yezivo kwaari. |
|
| 8 |
|
| Uchenjeri hwomunhu akangwara ndiko kunzwisisa nzira yake; Asi hupenzi hwamapenzi hunonyengedzera. |
|
| 9 |
|
| Chibayiro chezvivi chamapenzi chinodadira; Asi pakati pavakarurama panokufarirana. |
|
| 10 |
|
| moyo mumwe nomumwe unoziva kutambudzika kwawo; Mweni haangagoverani nomufaro wawo. |
|
| 11 |
|
| Imba yowakaipa ichaparadzwa; Asi tende rowakarurama richafara zvakanaka. |
|
| 12 |
|
| Munhu anoona nzira achiti yakarurama; Asi kuguma kwayo inzira dzorufu. |
|
| 13 |
|
| Kunyange munhu angaseka hake, moyo ungava neshungu; Kuguma komufaro ndiko kuchema. |
|
| 14 |
|
| Ano moyo, anodzokera shure, achagutiswa nenzira dzake; Asi munhu akanaka achagutiswa nezvinobva maari. |
|
| 15 |
|
| Asina mano anotenda mashoko ose; Asi akangwara anongwarira mafambiro ake. |
|
| 16 |
|
| Akachenjera anotya zvakashata, achizvinzvenga; Asi benzi rinamanyawi, richizvitenda. |
|
| 17 |
|
| Anokurumidza kutsamwa, achaita noupenzi; Uye munhu, anofunga mano akaipa, achavengwa. |
|
| 18 |
|
| Vasina mano vanogara nhaka yohupenzi; Asi vakangwara vachadzikwa korona yezivo. |
|
| 19 |
|
| Vakashata vanogwadama pamberi pavakanaka; Navakaipa pamasuo avakarurama. |
|
| 20 |
|
| Murombo anovengwa kunyange nowokwake; Asi shamwari dzavafumi izhinji. |
|
| 21 |
|
| Anoshora wokwake, anotadza; Asi ane tsitsi navarombo, ane mufaro. |
|
| 22 |
|
| Ko vanofunga zvakaipa havarashiki here? Asi nyasha nezvokwadi ndezvavanofunga zvakanaka |
|
| 23 |
|
| Kubata kose kune batsiro; Asi kungotaura nemiromo kunobereka kushaiwa. |
|
| 24 |
|
| Korona yavakachenjera ifuma yavo; Asi upenzi hwamapenzi upenzi zvahwo |
|
| 25 |
|
| Chapupu chakatendeka chinoponesa mweya yavanhu; Asi anoreva nhema anonyengedzera. |
|
| 26 |
|
| Pakutya Jehovha pane simbiso kwazvo Vana vowakadai vachava noutiziro. |
|
| 27 |
|
| Kutya Jehovha itsime roupenyu; Kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu. |
|
| 28 |
|
| Ukuru hwamambo hunoonekwa pakuwanda kwavanhu; Asi kuparadzwa kwashe kuri pakushaiwa vanhu. |
|
| 29 |
|
| Ano moyo murefu ane njere kwazvo; Asi anokurumidza kutsamwa anowedzera upenzi. |
|
| 30 |
|
| moyo wakagadzikana ndihwo upenyu hwomuviri; Asi godo rinoodza mapfupa. |
|
| 31 |
|
| Anomanikidza murombo, anozvidza Muiti wake; Asi ane tsitsi nomushaiwi, anomukudza. |
|
| 32 |
|
| Akaipa anowiswa pasi mukutadza kwake; Asi akarurama ane tariro pakufa kwake. |
|
| 33 |
|
| Uchenjeri hunogara pamoyo weane njere; Asi zviri mukati mamapenzi zvinozikamwa. |
|
| 34 |
|
| Kururama kunokurisa rudzi; Asi zvivi zvinonyadzisa kurudzi rupi norupi. |
|
| 35 |
|
| Mambo anofarira muranda, anoita nokuchenjera; Asi anonyadzisa achatsamwirwa naye. |
|
|
: |
| 1 | | 2 | | 3 | | 4 | | 5 | | 6 | | 7 | | 8 | | 9 | | 10 | | 11 | | 12 | | 13 | | 14 | | 15 | | 16 | | 17 | | 18 | | 19 | | 20 | | 21 | | 22 | | 23 | | 24 | | 25 | | 26 | | 27 | | 28 | | 29 | | 30 | | 31 | | 32 | | 33 | | 34 | | 35 | 1
1
1 |
|
|---|
|
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/proverbs/014.mp3
31
14