|
| 1 |
|
| Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; Asi shoko rinorwadza moyo rinomutsa hasha. |
|
| 2 |
|
| Rurimi rwovakachenjera runobudisa zivo kwadzo; Asi muromo wamapenzi unodurura upenzi. |
|
| 3 |
|
| Meso aJehovha ari pose-pose; Achicherekedza vakaipa navakanaka. |
|
| 4 |
|
| Rurimi runyoro muti woupenyu; Asi rune nhema runoputsa mweya. |
|
| 5 |
|
| Benzi rinoramba kurairira kwababa varo; Asi une hanya nokurairwa, ndiye ane njere. |
|
| 6 |
|
| Mumba mowakarurama mune fuma zhinji; Asi kutambudzika kuri munezvinowanikwa nowakaipa. |
|
| 7 |
|
| Miromo yavakachenjera inokusha zivo; Asi moyo wamapenzi haudaro. |
|
| 8 |
|
| Chibayiro chavakaipa chinonyangadza Jehovha; Asi munyengetero wowakarurama unomufadza. |
|
| 9 |
|
| Nzira yowakaipa inonyangadza Jehovha; Asi anoda munhu anotevera kururama. |
|
| 10 |
|
| Kurangwa kwakaipa kunovinga munhu anosiya nzira; Anovenga kurairwa achafa. |
|
| 11 |
|
| Sheori noKuparadza zviri pamberi paJehovha; Ndoda moyo yavana vavanhu. |
|
| 12 |
|
| Mudadi haadi kurairwa; Anoramba kuenda kunowakachenjera. |
|
| 13 |
|
| moyo, wakafara, unofadza chiso; Asi mweya unoputsa nomoyo une shungu. |
|
| 14 |
|
| moyo woane njere unotsvaka zivo; Asi muromo wamapenzi unogutiswa noupenzi. |
|
| 15 |
|
| Mazuva ose omunhu, uri pakutambudzika, akaipa; Asi anomoyo wakafara anomutambo nguva dzose. |
|
| 16 |
|
| Zviri nani kuti munhu ave nezvishoma, achitya Jehovha, Pakuti ave nefuma yakawanda, achinyunyuta. |
|
| 17 |
|
| Zviri nani kuti munhu ave nezvokudya zvemiriwo, rudo ruripo, Pakuti ave nenzombe yakakodzwa, panembengo. |
|
| 18 |
|
| Munhu, ane hasha, anomutsa kukakavara; Asi anomoyo murefu anonyaradza gakava. |
|
| 19 |
|
| Nzira yesimbe yakaita soruzhowa rwemhinzwa; Asi nzira yavakarurama yakagadzirwa. |
|
| 20 |
|
| Mwanakomana akachenjera anofadza baba; Asi benzi rinoshora mai varo. |
|
| 21 |
|
| Upenzi hunofadza munhu anoshaiwa uchenjeri; Asi munhu wenjere anofamba achirurama. |
|
| 22 |
|
| Pasingarangamwi mano anokona; Asi kuna varairi vazhinji ndokwaanosimbiswa. |
|
| 23 |
|
| Munhu anofadzwa nemhinduro yakarurama yomuromo wake; Uye shoko, rinotaurwa nenguva yakafanira, rakanaka sei! |
|
| 24 |
|
| Nzira youpenyu yowakarurama inokwira kumusoro; Kuti apukunyuke paSheori pasi. |
|
| 25 |
|
| Jehovha achaparadza imba yavanozvikudza; Asi muganhu wechirikadzi anousimbisa. |
|
| 26 |
|
| Mano akashata anonyangadza Jehovha; Asi mashoko akachena anomufadza. |
|
| 27 |
|
| Anokarira fuma, anotambudza imba yake; Asi anovenga zvipo, achararama. |
|
| 28 |
|
| moyo wowakarurama unombofunga chaangapindura; Asi muromo wowakaipa unodurura zvakaipa. |
|
| 29 |
|
| Jehovha ari kure navakaipa; Asi anonzwa munyengetero wavakarurama. |
|
| 30 |
|
| Meso anobwinya anofadza moyo; Mashoko akanaka, anobva kumwe, anokodza mapfupa. |
|
| 31 |
|
| Nzeve, inoteerera kuraira, kunoisa kuupenyu, Ichagara pakati pavakachenjera. |
|
| 32 |
|
| Anoramba kurairwa, anoshora mweya wake; Asi anoteerera kurairwa, anowana njere. |
|
| 33 |
|
| Kutya Jehovha kunodzidzisa uchenjeri; Uye kuzvininipisa kunotangira kukudzwa. |
|
|
: |
| 1 | | 2 | | 3 | | 4 | | 5 | | 6 | | 7 | | 8 | | 9 | | 10 | | 11 | | 12 | | 13 | | 14 | | 15 | | 16 | | 17 | | 18 | | 19 | | 20 | | 21 | | 22 | | 23 | | 24 | | 25 | | 26 | | 27 | | 28 | | 29 | | 30 | | 31 | | 32 | | 33 | 1
1
1 |
|
|---|
|
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/proverbs/015.mp3
31
15