|
| 1 |
|
| Kurangarira komoyo ndokomunhu; Asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha. |
|
| 2 |
|
| Nzira dzose dzomunhu anoti dzakanaka pakuona kwake; Asi Jehovha anoyera zvinangwa. |
|
| 3 |
|
| Isa mabasa ako ose kuna Jehovha, Zvawakarangarira zvigoitika. |
|
| 4 |
|
| Jehovha akaitira chinhu chimwe,nechimwe basa racho; Zvirokwazvo kunyange nowakaipa wakaitirwa zuva rakaipa, |
|
| 5 |
|
| mumwe nomumwe unomoyo unozvikudza, anonyangadza Jehovha Zvirokwazvo, haangakoni kurohwa. |
|
| 6 |
|
| Zvakaipa zvinodzikunurwa nenyasha nezvokwadi; Nokutya Jehovha vanhu vanobva pane zvakashata. |
|
| 7 |
|
| Kana nzira dzomunhu dzichifadza Jehovha, Anomuyananisira kunyange namapfumo ake. |
|
| 8 |
|
| Zviri nani kuva nezvishoma nokururama, Pakuva nefuma zhinji nokusarurama. |
|
| 9 |
|
| moyo womunhu anozvifungira nzira yake; Asi Jehovha anorairira kufamba kwake. |
|
| 10 |
|
| Miromo yamambo inotema zvirevo zvazvokwadi; Muromo wake haungaposhi pakutonga. |
|
| 11 |
|
| Chiyero nechienzaniso, chisinganyengeri, chinobva kuna Jehovha; Zviidzo zvose zvehombodo ibasa rake. |
|
| 12 |
|
| Zvinonyangadza kana madzimambo achiita zvakaipa; Nokuti chigaro choushe chinosimbiswa nokururama. |
|
| 13 |
|
| Madzimambo anofadzwa nemiromo yakarurama; Anotaura zvinhu zvakarurama anodikamwa naye. |
|
| 14 |
|
| Kutsamwa kwamambo kwakaita senhume dzorufu; Asi munhu akachenjera anokunyaradza. |
|
| 15 |
|
| Upenyu huri pakubwinya kwechiso chamambo; Kana achifarira munhu zvakaita segore remvura yokupedzisira. |
|
| 16 |
|
| Kuwana uchenjeri kunokunda sei kuwana ndarama; zviri nani kutsaura kuwana njere pakuwana sirivha. |
|
| 17 |
|
| Mugwagwa, wakapfumba, wavakarurama ndiko kubva pane zvakaipa; anochenjerera nzira yake anochengeta mweya wake. |
|
| 18 |
|
| Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa; Uye mweya wamanyawi unotangira kuwa. |
|
| 19 |
|
| Zviri nani kuva nomweya unozvininipisa pakati pavarombo pakugovana zvakapambwa navanozvikudza. |
|
| 20 |
|
| Anoteerera shoko,achawana zvakanaka Anovimba naJehovha,anomufaro. |
|
| 21 |
|
| Anomoyo wakachenjera achanzi akangwara;Uye miromo inotapira inowedzera dzidzo |
|
| 22 |
|
| Njere itsime roupenyu kuna vanadzo;Asi kuraira kwamapenzi hupenzi |
|
| 23 |
|
| Moyo wowakachenjera unodzidzisa muromo wake Uchawedzera dzidzo pamiromo yake |
|
| 24 |
|
| Mashoko, anofadza, akaita somusvi wouchi,Zvinotapira kumweya zvichiporesa mapfupa. |
|
| 25 |
|
| Munhu anoona nzira achiti yakarurama, asi kuguma kwayo inzira dzorufu. |
|
| 26 |
|
| Nzara yomubati inomubatira;nokuti muromo wake unomukurudzira. |
|
| 27 |
|
| Munhu asina maturo; anofungira vamwe zvakaipa; Pamiromo yake panomoto unopisa. |
|
| 28 |
|
| Munhu akatsauka anokusha kukakavara; Mucheri anoparadzanisa shamwari dzinodanana. |
|
| 29 |
|
| Munhu anomanikidza,anonyengedzera wokwake,Achimutungamirira panzira isina kunaka. |
|
| 30 |
|
| Munhu anotsinzina meso ake,Anozviita kuti afunge zvakatsauka,Anorumana miromo yake anoita zvakashata. |
|
| 31 |
|
| Vhudzi rachena ikorona yakaisvonaka,Inowanikwa panzira yokururama. |
|
| 32 |
|
| Anomoyo murefu anopfuura ane simba; Anodzora mweya wake, anopfuura anotapa musha. |
|
| 33 |
|
| Mijenya inokandirwa panguvo dzechifuva;Asi zvirevo zvose zvinotemwa nayo zvinobva kuna Jehovha. |
|
|
|
|