×

Shona Bible 2002

Zvirevo 18

1
Anozviparadzanisa navamwe, anongotsvaka kuda kwake, Anorwa nohuchenjeri hwose kwahwo.
2
Benzi harifariri kunzwisisa, Asi kuti mwoyo waro ufukurwe.
3
Kana akaipa achisvika, kuzvidza kwasvikawo; Pamwechete nezvinonyadzisa, kushora kunouyawo.
4
Mashoko omuromo womunhu akaita semvura yakadzika; Sorukova runoyerera, setsime rouchenjeri.
5
Kutsaura akaipa hazvina kunaka; Kana kuramba akarurama pakutonga.
6
Miromo yebenzi inouyisa kukakavara; Muromo waro unodana kurohwa.
7
Muromo webenzi ndiko kuparadzwa kwaro; Miromo yaro musungo womweya waro.
8
Mashoko omucheri akaita sezvimedu zvinozipa, Zvinoburukira mukati-kati momuviri.
9
Naiye ane usimbe pakubata kwake, Munun'una womuparadzi.
10
Zita raJehovha inhare yakasimba; Wakarurama anovangiramo ndokuchengetwa.
11
Pfuma yomupfumi ndiwo musha wake wakasimba, Uye sorusvingo rurefu pakufunga kwake.
12
Mwoyo womunhu anozvikudza kuparadzwa kusati kwasvika; Kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.
13
Anopindura asati anzwa, Zvichava kwaari upenzi nokunyadziswa.
14
Mweya womunhu unomusimbisa pakurwara kwake; Asi mweya wakaputsika ungamutswa nani?
15
Mwoyo wowakachenjera unowana zivo; Nzeve yowakachenjera inotsvaka zivo.
16
Chipo chomunhu chinomuwanira nzvimbo, Chinomuisa pamberi pavakuru.
17
Anotanga kutambirwa mhaka yake anenge akarurama; Asi wokwake anosvika womuferefeta.
18
Mijenya inogumisa kukakavara; Inotema chirevo pakati pavane simba.
19
Hama yatadzirwa inopfuura guta rakasimba; Kukakavara kwakafanana nezvipfigiso zveimba yamambo.
20
Dumbu romunhu rinogutiswa nezvibereko zvomuromo wake; Achagutiswa nezvakawanda zvemiromo yake.
21
Rurimi rune simba pamusoro porufu noupenyu; Vanoruda vachadya zvibereko zvarwo.
22
Awana mukadzi awana chinhu chakanaka, Avigirwa nyasha yaJehovha.
23
Murombo anokumbira achinyengetera; Asi mupfumi anopindura nehasha.
24
Munhu ane shamwari zhinji anoparadzwa; Asi shamwari iriko inonamatira kupfuura hama.
Shona Bible 2002
Shona Union Version 2002
:
Sevha Zvinyorwa