Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Mwanangu, ukagamuchira mashoko angu uye ukapfimbika mauri mitemo yangu, |
| 2 |
| uchirerekera nzeve yako kuungwaru, uchitorwa mwoyo nenzwisiso |
| 3 |
| nokungewo uchichemera kuzivisisa uchidaidza kunzwisisa |
| 4 |
| ukatsvaka ungwaru sesirivha uchihutsvaka upfumi hwakavandika. |
| 5 |
| Kutya Tenzi unobva wakunzwisisa uchibva wawana kuziva Mwari, |
| 6 |
| nokuti Tenzi ndiye anopa ungwaru mukanwa make ndimo munobva ruzivo nokunzwisisa |
| 7 |
| anochengetera vakarurama ungwaru chaihwo ndiye nhowo yokudzivirira vanofamba zvakarurama. |
| 8 |
| Anochengetedza maitiro okutonga kwakarurama achichengetedza nzira yavarurami vake. |
| 9 |
| Ndopaunozonzwisisa kuti ururami noruenzaniso nokuva pachokwadi chii uyewo maitiro ose akarurama |
| 10 |
| nokuti uchapindura mwoyo noungwaru uye ruzivo ruchave shamwari yako. |
| 11 |
| Kuziva kusarudza kuchakuchengetedza, kuziva chokusarudza kuchakutarira. |
| 12 |
| Kuchakununura kunzira yakaipa kuvanhu vanotaura zvakaora, |
| 13 |
| vanhu vanosiya nzira tsvene vachifamba munzira dzerima; |
| 14 |
| vanofarira kuita zvakaipa vanonakirwa nokushata kwouipi; |
| 15 |
| vanhu vane nzira dzakakombama vanokuita kwakamonyoroka. |
| 16 |
| Zvinokununura kumukadzi asiwako kumukadzi asingazivikanwi twaanotaura norurimi rwake twunotapira |
| 17 |
| mukadzi anosiya shamwari yake yepaudiki achikanganwa chitsidzirano chaMwari wake. |
| 18 |
| Anonyudza pasi kurufu imba yake nzira dzake dzinodzika kuvafi. |
| 19 |
| Wose anoenda kwaari haadzoki haazowanazve nzira youpenyu. |
| 20 |
| Saka famba nenzira yavanhu vakanaka uchengetedze nzira dzavakarurama |
| 21 |
| nokuti vakarurama ndivo vachagara panyika uye vanotendeseka vachararama mairi |
| 22 |
| vakaipa vachabviswa panyika vanoujarijari vachatipurwapo. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/proverbs/002.mp3
31
2