|
| 1 |
|
| Zita rakanaka rinofanira kutsanangurwa kupfuura pfuma zhinji; Uye kudikanwa kupfuura sirivha nendarama. |
|
| 2 |
|
| Vapfumi navarombo vanosangana pamwechete; Jehovha ndiye muiti wavo vose. |
|
| 3 |
|
| Munhu akangwara anoona zvakaipa, ndokuvanda; Asi vasina mano vanopfuura havo, ndokuwira munjodzi. |
|
| 4 |
|
| Mubayiro wokuzvininipisa nokutya Jehovha Ipfuma nokukudzwa noupenyu. |
|
| 5 |
|
| Minzwa nemisungo zviri panzira yousakarurama; Asi anochengeta mweya wake achagara kure nazvo. |
|
| 6 |
|
| Rovedza mwana nzira yaanofanira kufamba nayo, Ipapo kunyange akwegura haangatsauki pairi. |
|
| 7 |
|
| Mupfumi anobata ushe pamusoro pomurombo; Anotora chikwerete, muranda, wowakamupa chikwerete. |
|
| 8 |
|
| Unodzvara zvakaipa, uchacheka dambudziko; Shamhu yokutsamwa kwake ichanyangarika. |
|
| 9 |
|
| Ane mwoyo munyoro acharopafadzwa; Nokuti anopa varombo zvokudya zvake. |
|
| 10 |
|
| Dzinga mudadi, kukakavara kugoendawo; Nenharo nokunyadzwa zvichaguma. |
|
| 11 |
|
| Anoda kuchena kwomwoyo, Nowane miromo inofadza, mambo achava shamwari yake. |
|
| 12 |
|
| Meso aJehovha anochengeta ane zivo; Asi achakonesa mashoko omunhu anonyengedzera. |
|
| 13 |
|
| Simbe inoti, “Kune shumba kunze, Ndingaurawa pakati penzira dzomumusha.” |
|
| 14 |
|
| Muromo wavakadzi vokumwe igomba rakadzika; Anotsamwirwa naJehovha achawiramo. |
|
| 15 |
|
| Upenzi hunonamatira mumwoyo womwana; Asi shamhu yokurairira ichahudzingira kure naye. |
|
| 16 |
|
| Anomanikidza murombo, anomupfumisa; Anopa mupfumi zvipo, anongomushaisa. |
|
| 17 |
|
| Rerekera nzeve yako, unzwe mashoko owakachenjera, Mwoyo wako urangarire zivo yangu. |
|
| 18 |
|
| Nokuti chinhu chakanaka, kana uchigara nazvo mukati mako, Ngazvigare pamwechete pamiromo yako. |
|
| 19 |
|
| Ndakakuzivisa, iyewe, izvozvo nhasi, Kuti uvimbe naJehovha. |
|
| 20 |
|
| Handina kukunyorera mashoko akaisvonaka here, Okurairira nezivo here? |
|
| 21 |
|
| Kuti uziviswe kwazvo mashoko ezvokwadi, Kuti udzosere mashoko ezvokwadi kuna vanokutuma here? |
|
| 22 |
|
| Usatorera murombo, nokuti murombo; Usamanikidza anotambudzika pasuo; |
|
| 23 |
|
| Nokuti Jehovha achavarwira pamhaka dzavo, Nokutadzira upenyu hwavanovatadzira. |
|
| 24 |
|
| Usashamwaridzana nomunhu anotsamwa; Usafambidzana nomunhu ane hasha; |
|
| 25 |
|
| Kuti urege kudzidza tsika dzake, Uteyire mweya wako musungo. |
|
| 26 |
|
| Usava mumwe wavanozvisunga noruoko, Kana vakazviita rubatso nokuda kwechikwerete. |
|
| 27 |
|
| Kana usina chaungaripa nacho, Achagokutorereiko nhoo dzako pasi pako? |
|
| 28 |
|
| Usabvisa muganho wekare, Wakaiswapo namadzibaba ako. |
|
| 29 |
|
| Unoona munhu anoshingaira pabasa rake here? Achamira pamberi pamadzimambo; Haangamiri pamberi pavanhu vasingazikanwi. |
|
|
|
|