|
| 1 |
|
| Kana ukagara pakudya pamwechete nomubati, Cherekedza zvakanaka zviri pamberi pako; |
|
| 2 |
|
| Uzvigure huro dzako, Kana uri munhu wamadyo |
|
| 3 |
|
| Usapanga zvinozipa zvake, Nokuti zvokudya izvo zvinonyengedzera. |
|
| 4 |
|
| Usazvinetsa kuwana pfuma; Rega huchenjeri hwako. |
|
| 5 |
|
| Unoda kuzvitarira nameso ako? Zvaenda! Nokuti zvirokwazvo pfuma inozviitira mapapiro, Segondo rinobhururukira kudenga. |
|
| 6 |
|
| Usadya zvokudya zvomunhu anoruchiva; Kana kupanga zvinozipa zvake. |
|
| 7 |
|
| Nokuti sezvaanofunga mumwoyo make, ndozvaakaita; Anoti kwauri, “Chidya, chinwa;” Asi mwoyo wake haune hanya newe. |
|
| 8 |
|
| Musuva wawadya, uchaurutsazve, Ukarashikirwa namashoko ako akanaka. |
|
| 9 |
|
| Usataura paunonzwika nebenzi; Nokuti richazvidza uchenjeri hwamashoko ako. |
|
| 10 |
|
| Usabvisa muganho wekare; Uye usapinda paminda yenherera; |
|
| 11 |
|
| Nokuti Mudzikinuri wavo ane simba; Iye uchavarwira pamhaka dzavo newe. |
|
| 12 |
|
| Mwoyo wako ushingaire kudzidziswa, Nenzeve dzako kunzwa mashoko ezivo. |
|
| 13 |
|
| Usarega kuranga mwana; Nokuti kunyange ukamurova neshamhu, haangafi. |
|
| 14 |
|
| Umurove neshamhu, Ugorwira mweya wake paSheori. |
|
| 15 |
|
| Mwanakomana wangu, kana mwoyo wako wochenjera, Nomwoyo wangu uchafarawo. |
|
| 16 |
|
| Zvirokwazvo, itsvo dzangu dzichafarisisa, Kana miromo yako ichitaura zvinhu zvakarurama. |
|
| 17 |
|
| Mwoyo wako ngaurege kugodora vatadzi; Asi utye Jehovha mazuva ose. |
|
| 18 |
|
| Nokuti zvirokwazvo mubayiro uripo; Chawakatarira hachingaparadzwi. |
|
| 19 |
|
| Inzwa, iwe mwanakomana wangu, uchenjere, Ururamise mwoyo wako munzira. |
|
| 20 |
|
| Usava pakati pavanokarira waini, Pakati pavanokarira nyama. |
|
| 21 |
|
| Nokuti munwi neane madyo vachava varombo; Hope dzichapfekedza munhu mamvemve. |
|
| 22 |
|
| Teerera baba vako vakakubereka; Usazvidza mai vako kana vachembera. |
|
| 23 |
|
| Tenga zvokwadi, urege kuzoitengesazve; Uye tenga uchenjeri nedzidzo nenjere. |
|
| 24 |
|
| Baba vovakarurama vachafara kwazvo; Uye akabereka mwana akachenjera, achafadzwa naye. |
|
| 25 |
|
| Baba vako namai vako ngavafare, Mai vakakubereka ngavafare kwazvo. |
|
| 26 |
|
| Mwanakomana wangu, ndipe mwoyo wako; Meso ako ngaafarire nzira dzangu. |
|
| 27 |
|
| Nokuti chipfeve igoronga rakadzika; Nomukadzi wokumwe gomba rakamanikana. |
|
| 28 |
|
| Zvirokwazvo anovandira segororo; Anowedzera vanyengedzeri pakati pavanhu. |
|
| 29 |
|
| Ndiani anoti, “Haiwa!” Ndiani, anoti, “Maiwe! Ndiani anokukakavara? Ndiani anokuchema? Ndiani ano mavanga pasina mhaka? Ndiani ana meso akatsvuka?” |
|
| 30 |
|
| Ndivo vanogarisa pawaini; Ivo vanondotsvaka waini yavhenganiswa. |
|
| 31 |
|
| Usatarira waini kana yakatsvuka, Kana ichivaima mumukombe, Kana ichitapira pakunwiwa. |
|
| 32 |
|
| Pakupedzisira inoruma senyoka, Inobaya semvumbi. |
|
| 33 |
|
| Meso ako achaona zvisingazikanwi, Mwoyo wako uchabudisa zvisakarurama. |
|
| 34 |
|
| Zvirokwazvo uchava somunhu avete pasi mukati megungwa, Kana soavete pamusoro pedanda rechikepe. |
|
| 35 |
|
| Uchati, “Vakandirova, asi handina kurwadziwa, Vakandirova, asi handina kuzvinzwa; Ndichapepuka riniko? Ipapo ndichandoitsvakazve.” |
|
|
|
|