|
| 1 |
|
| Sezvakaita chando muzhizha, uye sezvakaita mvura mukucheka, Saizvozvo kukudzwa hakufaniri benzi. |
|
| 2 |
|
| Sezvinoita shiri pakupaparika kwayo, nenyenganyenga pakubhururuka kwayo, Saizvozvo kutuka pasina mhosva hakuitiki. |
|
| 3 |
|
| Tyava yakaitirwa bhiza, namatomu mbongoro, Neshamhu musana wamapenzi. |
|
| 4 |
|
| Usapindura benzi noupenzi hwaro, Kuti urege kufanana naro. |
|
| 5 |
|
| Pindura benzi noupenzi hwaro, Kuti rirege kuti rakachenjera. |
|
| 6 |
|
| Anotuma shoko noruoko rwebenzi, Unozvigura tsoka, nokunwa kutambudzika. |
|
| 7 |
|
| Makumbo echirema anongoremberera; Ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi. |
|
| 8 |
|
| Somunhu anosungira ibwe pachifuramabwe, Ndizvo zvakaita iye anokudza benzi. |
|
| 9 |
|
| Sezvinoita minzwa muruoko rwomukariri wedoro, Ndizvo zvakaita chirevo mumuromo webenzi. |
|
| 10 |
|
| Somufuri wemiseve, anofura zvose, Ndizvo zvakaita munhu anosevenzesa benzi neanosevenzesa vafambi. |
|
| 11 |
|
| Sembwa inodzokera kumarutsi ayo, Ndizvo zvakaita benzi rinopamhidza upenzi hwaro. |
|
| 12 |
|
| Unoona munhu anoti ndakachenjera here? Benzi riri nani kuna iye! |
|
| 13 |
|
| Simbe inoti, “Kune shumba panzira; Shumba iri munzira dzomumusha.” |
|
| 14 |
|
| Gonhi rinotendereka pamahinji aro; Ndizvo zvinoita simbe panhoo dzayo. |
|
| 15 |
|
| Simbe inopinza ruoko rwayo mundiro, Ino usimbe kurudzoserazve kumuromo wayo. |
|
| 16 |
|
| Simbe inozviti ndakachenjera Kupfuura vanhu vanomwe vanogona kupindura nenjere. |
|
| 17 |
|
| Somunhu anobata imbwa nenzeve dzayo, ichingopfuura hayo, Ndizvo zvakaita munhu anozvipinza pagakava raasina mhosva naro. |
|
| 18 |
|
| Somupengo anokanda zvitsika, Nemiseve, nezvinouraya, |
|
| 19 |
|
| Ndizvo zvinoita munhu anonyengedzera wokwake, Achiti, “Ndinongoita zvangu jee!” |
|
| 20 |
|
| Moto unodzima nokushaiwa huni; Uye kana kusina mucheri, gakava rinopera. |
|
| 21 |
|
| Sezvakaita mazimbe pazvitsika zvinopfuta, nehuni pamoto, Ndizvo zvakaita munhu wegakava pakupfutidza rukave. |
|
| 22 |
|
| Mashoko omucheri akaita sezvimedu zvinozipa, Zvinoburukira mukati-kati momuviri. |
|
| 23 |
|
| Miromo inopisa norudo pamwechete nomwoyo wakaipa, Zvakafanana nomudziyo wevhu wakanamirwa namarara anobva pasirivha. |
|
| 24 |
|
| Muvengi anonyengedzera nemiromo yake, Asi anovanza kunyengedzera mumwoyo make. |
|
| 25 |
|
| Kana achitaura zvinonaka, usamutenda; Nokuti mumwoyo make mune zvinonyangadza zvinomwe. |
|
| 26 |
|
| Kunyange kuvenga kwake kuchizvivanza nokunyengedzera, Kushata kwake kuchabudiswa pachena pamberi peungano. |
|
| 27 |
|
| Ani naani anochera gomba, achawiramo iye; Anokungurusa ibwe, richadzokera pamusoro pake. |
|
| 28 |
|
| Rurimi rwenhema runovenga akuvadzwa narwo; Nomuromo unobata kumeso unoparadza. |
|
|
|
|