|
| 1 |
|
| Akaipa anotiza kusina anodzingana naye; Asi vakarurama vanotsunga mwoyo seshumba. |
|
| 2 |
|
| Nemhaka yokudarika kwenyika, machinda ayo anowanda; Asi nomumwe, ane njere nezivo, icharamba iripo. |
|
| 3 |
|
| Munhu anoshaiwa amene, anomanikidza varombo, Akafanana nemvura inokukura, isingasiyi zvokudya. |
|
| 4 |
|
| Vanosiya murayiro, vanorumbidza vakaipa; Asi vanochengeta murayiro, vanoita nharo navo. |
|
| 5 |
|
| Vanhu vakashata havanzwisisi zvakarurama; Asi vanotsvaka Jehovha vanonzwisisa zvose. |
|
| 6 |
|
| Murombo, anofamba muzvokwadi yake, Anopfuura asakarurama anofamba nenzira mbiri, kunyange akapfuma. |
|
| 7 |
|
| Anochengeta murayiro, mwanakomana akachenjera; Asi anofambidzana navanhu vana madyo, vanonyadzisa baba vake. |
|
| 8 |
|
| Anowedzera pfuma yake nemhindu kana nokuwedzera kusakarurama, Anounganidzira mumwe achava netsitsi navarombo. |
|
| 9 |
|
| Anoramba kunzwa murayiro nenzeve yake, Kunyange nomunyengetero wake anonyangadza. |
|
| 10 |
|
| Ani naani anorashisa vakarurama vafambe nenzira yakaipa, Achawira amene mugomba rake; Asi vakarurama vachagara nhaka yezvakanaka. |
|
| 11 |
|
| Mupfumi anoti ndakachenjera; Asi murombo, ane njere, anomuferefeta. |
|
| 12 |
|
| Kana vakarurama vachikunda, mufaro mukuru uriko; Asi kana vakaipa vosimba, vanhu vovanda. |
|
| 13 |
|
| Anofukidza kudarika kwake, haangavi nomufaro; Asi anozvireurura, achizvirasha, achawana nyasha. |
|
| 14 |
|
| Munhu anogara achitya, anomufaro; Asi anoomesa mwoyo wake, achawira munjodzi. |
|
| 15 |
|
| Seshumba inoomba, nebere rinopota-pota, Ndizvo zvakaita mubati akaipa anobata vanhu varombo. |
|
| 16 |
|
| Muchinda, anoshaiwa njere, anomanikidza vanhuwo zvikuru; Asi anovenga kuchiva, achawedzera mazuva ake. |
|
| 17 |
|
| Munhu, anoremedzwa neropa romumwe munhu, Achatizira kugomba; ngaarege kudziviswa nomunhu. |
|
| 18 |
|
| Ani naani anofamba zvakarurama, acharwirwa; Asi anofamba nenzira dzisakarurama, achawa pakarepo. |
|
| 19 |
|
| Anorima munda wake, achava nezvokudya zvizhinji; Asi unovangira zvisina maturo, uchava nourombo kwazvo. |
|
| 20 |
|
| Munhu akatendeka achava namaropafadzo mazhinji; Asi anoda kupfuma nokukurumidza, haangakoni kurohwa. |
|
| 21 |
|
| Kutsaura vanhu hakuna kunaka; Nokuti munhu angadarika nokuda kwechimedu chechingwa. |
|
| 22 |
|
| Munhu ano ruchiva, anovangira pfuma, Asingazivi kuti achawirwa nokushaiwa. |
|
| 23 |
|
| Anorairira munhu achazowana nyasha pashure, Kupfuura iye anobata kumeso norurimi rwake. |
|
| 24 |
|
| Anobira baba vake kana amai vake, achiti, “Hakuzi kudarika,” Uyu ishamwari yoanoparadza. |
|
| 25 |
|
| Ano mweya wokuchiva anomutsa kukakavara; Asi anovimba naJehovha, achasimbiswa. |
|
| 26 |
|
| Anotenda mwoyo wake, ibenzi; Asi anofamba nouchenjeri, acharwirwa. |
|
| 27 |
|
| Anopa varombo, haangazoshaiwi; Asi anotsinzina meso ake, achatukwa kazhinji. |
|
| 28 |
|
| Kana vakaipa vosimba, vanhu vovanda; Asi kana voparara, vakarurama vowanda. |
|
|
|
|