|
| 1 |
|
| Mwanakomana wangu, usakangamwa kudzidzisa kwangu; Asi moyo wako ngauchengete mirairo yangu; |
|
| 2 |
|
| Nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, Namakore ohupenyu, norugare. |
|
| 3 |
|
| Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya; Uzvisungire pamutsipa wako; Uzvinyore pabwendefa romoyo wako; |
|
| 4 |
|
| Nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka Pamberi paMwari navanhu. |
|
| 5 |
|
| Vimba naJehovha nomoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako. |
|
| 6 |
|
| Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose. |
|
| 7 |
|
| Usazviti ndakachenjera; Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa; |
|
| 8 |
|
| Zvichava mushonga womuviri wako, Nomwongo wamapfupa ako. |
|
| 9 |
|
| Kudza Jehovha nezvaunazvo, Uye nezvitsva zvazvose zvawakawana; |
|
| 10 |
|
| Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda, Makate ako achapfachuka newaini itsva. |
|
| 11 |
|
| Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha; Usaneta nokuraira kwake. |
|
| 12 |
|
| Nokuti Jehovha anoraira mudikamwa wake; Sezvinoita baba mwanakomana wavo wavanofarira. |
|
| 13 |
|
| Munhu, awana uchenjeri, anomufaro, Naiye munhu, anowana njere. |
|
| 14 |
|
| Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivha; Nokufuma nahwo kunopfuura kufuma nendarama. |
|
| 15 |
|
| Hunokosha kupfuura korari; Hakune fuma yako ingaenzaniswa nahwo. |
|
| 16 |
|
| Mazuva mazhinji ohupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; Muruoko rwahwo rworuboshwe mune fuma nokukudzwa. |
|
| 17 |
|
| Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza; Makwara ahwo ose ndoorugare. |
|
| 18 |
|
| Ndiwo muti woupenyu kuna vanohunamatira; Mumwe nomumwe anohubata anomufaro. |
|
| 19 |
|
| Jehovha akateya pasi nouchenjeri; Wakasimbisa kudenga-denga nenjere. |
|
| 20 |
|
| Mvura iri makadzika yakadzutuka nezivo yake; Denga rose rakadonha dova. |
|
| 21 |
|
| Mwanakomana wangu, ngazvirege kubva pameso ako; Chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara. |
|
| 22 |
|
| Ipapo zvichava upenyu hwomweya Noukomba pamutsipa wako. |
|
| 23 |
|
| Ipapo uchafamba nenzira yako wakasimba; Rutsoka rwako harungagumburwi. |
|
| 24 |
|
| Kana uchivata pasi haungatyi; Uye kana wavata pasi hope dzako dzichava dzakanaka. |
|
| 25 |
|
| Usatya hako chivhunduso chinokuwira kamwe-kamwe, Kunyange kuparadzwa kwavakaipa, kana kuchisvika; |
|
| 26 |
|
| Nokuti Jehovha achava chivimbo chako; Achachengeta rutsoka rwako, kuti rurege kubatwa. |
|
| 27 |
|
| Munhu, akafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka Kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita. |
|
| 28 |
|
| Usati kunowokwako, "Enda, ugodzokazve, Mangwana ndichakupa;" Kana uchinge unazvopo. |
|
| 29 |
|
| Usafunga kuitira wokwako zvakaipa, Zvaanogara hake newe achikutenda. |
|
| 30 |
|
| Usarwa nomunhu pasina mhosva, Kana asina kukuitira zvakaipa. |
|
| 31 |
|
| Usagodora munhu anomanikidza; Usatevera kunyange nomumwe wemitovo yake. |
|
| 32 |
|
| Nokuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha; Asi ano hukama navakarurama. |
|
| 33 |
|
| Kutukwa naJehovha kuri mumba mowakaipa; Asi unoropafadza ugaro hwavakarurama. |
|
| 34 |
|
| Kana vari vadadi, anovadadira, Asi vanozvininipisa anovaitira nyasha. |
|
| 35 |
|
| Vakachenjera vachagara nhaka yokukudzwa; Asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa. Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa; |
|
|
|
|