|
| 1 |
|
| Mwanangu usakanganwe chidzidziso changu, mwoyo wako ngauchengete mitemo yangu |
|
| 2 |
|
| nokuti zvichakupa mazuva mazhinji namakore oupenyu akawanda uye kugarika kukuru. |
|
| 3 |
|
| Usasiane nokuvimbika nokutendeseka zvisungirire muhuro, zvinyore pachiredhi chemwoyo wako. |
|
| 4 |
|
| Naizvozvo uchava nezita rakanaka uchifarirwa naMwari navanhu. |
|
| 5 |
|
| Vimba naTenzi nomwoyo wako wose usavimbe nokuona kwako zvinhu nemazvo. |
|
| 6 |
|
| Muzviito zvako zvose muzive, iye achatasanudza nzira dzako |
|
| 7 |
|
| usazviite munhu anoziva itya Tenzi ufuratire uipi. |
|
| 8 |
|
| Zvichakurapa muviri wako zvigonyava mapfupa ako. |
|
| 9 |
|
| Remekedza Tenzi nezvaunazvo uye nembesanwa dzinotanga kuibva. |
|
| 10 |
|
| Matura ako anobva azadzwa nezvakawanda makuvi ako ewaini anozopfachukira. |
|
| 11 |
|
| Mwanangu usashore kudzidziswa kwaunoitwa naTenzi kana kuneta nokukutsiura kwaanoita |
|
| 12 |
|
| nokuti Tenzi anotsiura wavanoda sezvinoita baba mwana waanoda. |
|
| 13 |
|
| Akakomborerwa munhu anowana ungwaru, munhu anowana kunzwisisa, |
|
| 14 |
|
| nokuti zvinowanikwa mahuri zviri nani pano zvinowanikwa musirivha uye zvibereko zvahwo zvinokunda zvibereko zvendarama. |
|
| 15 |
|
| Ungwaru hwakakosha kukunda zvishongo, hapana chaungade chingaenzaniswe nahwo. |
|
| 16 |
|
| Murudyi rwahwo muno upenyu hurefu muruboshwe mahwo muno upfumi norukudzo. |
|
| 17 |
|
| Nzira dzahwo inzira dzinofadza uye maitiro ahwo ndoorugare. |
|
| 18 |
|
| Muti woupenyu kuna vanohuwana. Vanohubatisisa vanonzi vakakomborerwa zvavo. |
|
| 19 |
|
| Noungwaru Tenzi akadzika ugaro hwapasi akamisawo nokunzwisisa kwake denga. |
|
| 20 |
|
| Noruzivo rwake akaita pasi-pasi patubuke mvura uye kuti makore adonhedze dova. |
|
| 21 |
|
| Mwanangu chengeta ungwaru chaihwo uye kugona kusarudza ngazvirege kupunyuka maziso ako. |
|
| 22 |
|
| Zvichava hupenyu hwako uye chishongo chomutsipa wako. |
|
| 23 |
|
| Ipapo unozofamba nzira yako pasina chinokuwana tsoka yako haizogumburwi. |
|
| 24 |
|
| Kana wagara hauzotya uye paunorara uchavata hope dzakanaka. |
|
| 25 |
|
| Hauzotya chivhundumukira chezvinotyisa kana pfumvu yowira vaipi, |
|
| 26 |
|
| nokuti Tenzi ndiye waunovimba naye. Iye achachengeta tsoka yako kuti irege kubatwa nomusungo. |
|
| 27 |
|
| Usarege kuitira munhu anokodzera kuitirwa zvakanaka kana uchizvikwanisa. |
|
| 28 |
|
| Usati kuno mumwe wako enda zvako uzouyazve, mangwana ndozokupa asi iwe uinacho. |
|
| 29 |
|
| Usaronge kuitira mumwe wako zvakaipa anogara pamwechete newe achivimba newe. |
|
| 30 |
|
| Rega kumutsana nomunhu pasina chiripo, asina chaakutadzira. |
|
| 31 |
|
| Usaitire shanje munhu weganyavhu usasarudze kana imwe yenzira dzake |
|
| 32 |
|
| nokuti Tenzi anosema munhu ano mwoyo wakaipa asi munhu ari pachokwadi munhu wake wapamwoyo. |
|
| 33 |
|
| Tenzi anoita kuti imba yomunhu wakaipa iwirwe norushambwa asi dzimba dzavakarurama anodzikomborera. |
|
| 34 |
|
| Vanoshora anovashorawo asi vanozvidukupisa anovaitira mwoyochena. |
|
| 35 |
|
| Vangwaru vanowana mugove worukudzo asi mapenzi, chavo kuwanziridza kunyara. |
|
|
|
|