Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Mwanakomana wangu, usakanganwa kudzidzisa kwangu; Asi mwoyo wako ngauchengete mirairo yangu; |
| 2 |
| Nokuti zvichakuwedzera mazuva mazhinji, Namakore oupenyu, norugare. |
| 3 |
| Rudo nezvokwadi ngazvirege kukusiya; Uzvisungire pamutsipa wako; Uzvinyore pahwendefa romwoyo wako; |
| 4 |
| Nokudaro uchawana nyasha nenjere dzakanaka Pamberi paMwari navanhu. |
| 5 |
| Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, Urege kusendama panjere dzako. |
| 6 |
| Umutende panzira dzako dzose, Agoruramisa makwara ako ose. |
| 7 |
| Usazviti ndakachenjera; Itya Jehovha, ubve pane zvakaipa; |
| 8 |
| Zvichava mushonga womuviri wako, Nomongo wamapfupa ako. |
| 9 |
| Kudza Jehovha nezvaunazvo, Uye nezvitsva zvazvose zvawakawana; |
| 10 |
| Ipapo matura ako achazadzwa nezvakawanda, Makate ako achapfachuka newaini itsva. |
| 11 |
| Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaJehovha; Usaneta nokuraira kwake. |
| 12 |
| Nokuti Jehovha anoraira mudikanwa wake; Sezvinoita baba mwanakomana wavo wavanofarira. |
| 13 |
| Munhu, awana uchenjeri, anomufaro, Naiye munhu, anowana njere. |
| 14 |
| Nokuti kuhuwana ihwo kunopfuura kuwana sirivha; Nokupfuma nahwo kunopfuura kupfuma nendarama. |
| 15 |
| Unokosha kupfuura korari; Hakuna pfuma yako ingaenzaniswa nahwo. |
| 16 |
| Mazuva mazhinji oupenyu ari muruoko rwahwo rworudyi; Muruoko rwahwo rworuboshwe mune pfuma nokukudzwa. |
| 17 |
| Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza; Makwara ahwo ose ndoorugare. |
| 18 |
| Ndiwo muti woupenyu kuna vanohunamatira; Mumwe nomumwe anohubata anomufaro. |
| 19 |
| Jehovha akateya pasi nouchenjeri; Wakasimbisa kudenga–denga nenjere. |
| 20 |
| Mvura iri makadzika yakadzutuka nezivo yake; Denga rose rakadonha dova. |
| 21 |
| Mwanakomana wangu, ngazvirege kubva pameso ako; Chengeta uchenjeri chaihwo nokungwara. |
| 22 |
| Ipapo zvichava upenyu hwomweya wako; Noukomba pamutsipa wako. |
| 23 |
| Ipapo uchafamba nenzira yako wakasimba; Rutsoka rwako harungagumburwi. |
| 24 |
| Kana uchivata pasi haungatyi; Uye kana wavata pasi hope dzako dzichava dzakanaka. |
| 25 |
| Usatya hako chivhunduso chinokuwira kamwe–kamwe, Kunyangwe kuparadzwa kwavakaipa, kana kuchisvika; |
| 26 |
| Nokuti Jehovha achava chivimbo chako; Achachengeta rutsoka rwako, kuti rurege kubatwa. |
| 27 |
| Munhu, akafanirwa, usaramba kumuitira zvakanaka Kana ruoko rwako ruchinge rune simba kuzviita. |
| 28 |
| Usati kune wokwako, “Enda, ugodzokazve, Mangwana ndichakupa;” Kana uchinge unazvopo. |
| 29 |
| Usafunga kuitira wokwako zvakaipa, Zvaanogara hake newe achikutenda. |
| 30 |
| Usarwa nomunhu pasina chipomerwa, Kana asina kukuitira zvakaipa. |
| 31 |
| Usagodora munhu anomanikidza; Usatevera kunyangwe nomumwe wemitoo yake. |
| 32 |
| Nokuti mutsauki inyangadzi kuna Jehovha; Asi ano hukama navakarurama. |
| 33 |
| Kutukwa naJehovha kuri mumba mowakaipa; Asi unoropafadza ugaro hwavakarurama. |
| 34 |
| Kana vari vadadi, anovadadira, Asi vanozvininipisa anovaitira nyasha. |
| 35 |
| Vakachenjera vachagara nhaka yokukudzwa; Asi mapenzi anozviwanira kunyadziswa. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/proverbs/003.mp3
31
3